Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 7

7
Kurwa kwaRezini naPeka neJerusarema.
1Ɀino pamazuʋa aAhazi, mŋanakomana waJotami, mŋanakomana waUziya, mambo waJuda, Rezini mambo weSiria, naPeka, mŋanakomana waRemaria, mambo waIsraeri, ʋakaenda kundorwa neJerusarema, asi ʋakakoniwa kurikunda. 2Ɀino ʋakaʋudza imba yaDavidi, ʋaciti: ƲaSiria ʋaʋa pakati paʋaEfraimi. Mŋoyo wake nemŋoyo yaʋanhu ʋake ikazunuŋguswa sokuzunuŋguswa kwemiti muɗondo nemhepo.
3Ɀino Jehova akati kunaIsaya: Enda ɀino undosoŋgana naAhazi, iwe naSheari‐jashubi, mŋanakomana wako, panoguma rukoroŋga rwedziʋa rokumsoro, panzira huru inoenda kumunda womusuki weŋguʋo; 4undoti kwaari: Cenjera, unyarare hako; usatya, nomŋoyo wako urege kupera nokuɗa kwamatsiga awa maʋiri anopfuŋgaira, nokuɗa kwokutsamŋa kukuru kwaRezini nokwaʋaSiria, nokwomŋanakomana waRemaria. 5Nokuti ʋaSiria naʋaEfraimi, nomŋanakomana waRemaria ʋakaraŋgana kukuitira ɀakaipa, ʋaciti: 6Hendei tindorwa naʋaJuda, tiʋatyise, tiʋakunde, tigadze mambo pakati paʋo, iye mŋanakomana waTabeeri. 7Ɀanzi naShe Jehova: Iɀoɀi haɀiŋgamiri, ʋuye haɀiŋgaitiki. 8Nokuti musoro weSiria ndiDamasko, nomusoro weDamasko ndiRezini; makore makumi matanhatu namashanu asati apera, ʋaEfraimi ʋacaputswa‐putswa, kuti ʋarege kuʋa rudzi; 9musoro waʋaEfraimi ndiSamaria, nomusoro weSamaria ndimŋanakomana waRemaria. Kana musiŋgaɗi kutenda, ɀirokwaɀo hamuŋgasimbiswi.
Mŋanakomana Imanueri.
10Ɀino Jehova wakataura ɀe naAhazi, aciti: 11Kumbira ciratidzo kunaJehova Mŋari wako; ucikumbire kunyaŋge pasi pakadzika, kana kumsoro kwakakwirira. 12Asi Ahazi wakati: Handiŋgakumbiri, ʋuye handiŋgaidzi Jehova. 13Akati: Cinzwai ɀino, imi imba yaDavidi: Cinhu ciɗuku kwamuri kuti munetse ʋanhu, ɀino moɗo‐kunetsa Mŋari waŋgu ʋo here? 14Naiɀoɀo Ishe amene ucakupai ciratidzo: Tarirai, mhandara icaʋa nemimba, icaɓereka mŋanakomana, ndokumutumidza Imanueri. 15Ucadya ruʋomba noʋuci, paŋguʋa yaanoziʋa kuramba ɀakaipa, nokusanaŋgura ɀakanaka. 16Nokuti mŋana asati aziʋa kuramba ɀakaipa nokusanaŋgura ɀakanaka, nyika iyo yaunotya madzimambo ayo maʋiri, icashanduka ɗoŋgo. 17Jehova ucaʋuyisa pamsoro pako, napamsoro paʋanhu ʋako, napamsoro peimba yaɓaɓa ʋako, mazuʋa asinakumboʋa’po, kubvira pazuʋa rakaparadzana ʋaEfraimi naʋaJuda — ndiye mambo weAsiriya.
18Ɀino nezuʋa iro Jehova ucaridzira muridzo nhunzi dziri pamigumo yenzizi dzeEgipita, nenyuci dziri panyika yeAsiriya. 19Dzicaʋuya, dzicamhara dzose mumipata inamawere, nomumikaha yamatombo, napamsoro peminzwa yose, napamsoro pamafuro ose.
20Nezuʋa iro Ishe ucaʋeʋura neciȿo cakakumbirwa mhiri kwoRwizi, iye mambo weAsiriya, musoro nemvere dzamakumbo; cicabvisa ʋo ndebvu.
21Ɀino nezuʋa iro munhu ucapfuwa mhou imŋe ɗuku namakwai maʋiri; 22ɀino nokuɗa kwomukaka muzhinji wadzicamupa, ucadya ruʋomba; nokuti mumŋe nomumŋe wakasiyiwa panyika iyo ucadya ruʋomba noʋuci.
23Ɀino nezuʋa iro nɀimbo imŋe neimŋe paiʋa nemiti yemizambiriŋga inecuru cimŋe, yaiteŋgwa namasirveri anecuru cimŋe, icaʋa norukato neminzwa. 24Ʋacaenda’ko nemiseʋe noʋuta, nokuti nyika yose icamera rukato neminzwa. 25Hakuna‐uŋgaȿika paɀikomo ɀose ɀairimŋa namapadza nokutya rukato neminzwa; asi ŋombe dzicasundirwa’ko, namakwai acatsika’po.

Zvasarudzwa nguva ino

Isaya 7: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda