Ʋatoŋgi 1
1
Kukunda kwaʋaIsraeri.
1Ɀino Joshua wakati afa, ʋana ʋaIsraeri ʋakabvunza Jehova, ʋakati: Ndianiko kwatiri unofanira kutaŋga kundorwa naʋaKanani? 2Jehova akati: Juda ndiye unofanira kuenda; tarirai ndakaisa nyika iyi mumaʋoko ake. 3Ɀino Juda akati kunaSimeoni mukuru wake: Hendei tose kumugoʋe waŋgu, tirwe naʋaKanani, neni ndigoenda newe kumugoʋe wako. Ipapo Simeoni akaenda naye. 4Ɀino Juda akaenda, Jehova akaisa ʋaKanani naʋaPerizi mumaʋoko ake, ʋakaʋuraya muBezeki ʋarume ʋaʋo ʋaneɀuru ɀinegumi. 5Ʋakawana Adoni‐bezeki muBezeki, ʋakarwa naye, ʋakaʋuraya ʋaKanani naʋaPerizi. 6Asi Adoni‐bezeki wakatiza; ʋakamuteʋera, ʋakamuɓata, ndokumugura magunwe ake namagunwe amakumbo ake. 7Ipapo Adoni‐bezeki akati: Madzimambo anamakumi manomŋe, akaŋga akagurwa magunwe awo namagunwe amakumbo awo, ainoŋga ɀokudya ɀawo pasi petafura yaŋgu; seɀandakaita ini, Mŋari wakanditsiʋa ʋo. Ʋakaenda naye Jerusarema, akafira’po.
8Ɀino ʋana ʋaJuda ʋakandorwa neJerusarema, ʋakarikunda, ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza, ʋakapisa guta nomŋoto. 9Pashure ʋana ʋaJuda ʋakaɓuruka ʋakandorwa naʋaKanani, ʋakaŋga ʋagere panyika yamakomo, nezasi nokumapani. 10Ɀino ʋaJuda ʋakandorwa naʋaKanani ʋakaŋga ʋagere Hebroni (ɀino zita reHebroni kare raiʋa Kiriati‐arba); ʋakaparadza Sheshai, naAhimani, naTarmai. 11Ʋakabva’po, ʋakandorwa naʋanhu ʋakaŋga ʋagere Debiri. (Ɀino zita reDebiri kare raiʋa Kiriati‐seferi). 12Karebi akati: Munhu unorwa neKiriati‐seferi, akarikunda, ndicamupa mukunda waŋgu Aksa, aʋe mukadzi wake. 13Ipapo Otnieri, mŋanakomana waKenazi, munuŋuna waKarebi, akarikunda; iye akamupa mukunda wake Aksa, akaʋa mukadzi wake. 14Ɀino iye wakati aciȿika kwaari, akamukurudzira kuti akumbire munda kunaɓaɓa ʋake; ɀino iye akaɓuruka pamboŋgoro yake, Karebi akati kwaari: Unoreʋeiko? 15Akati: Ndipei cipo; ɀamakandiisa kunyika yezasi, ndipei ʋo matsime emvura. Akamupa matsime okumsoro namatsime ezasi.
16Ɀino ʋana ʋomuKeni, mukarabga waMosesi, ʋakaɓuɗa paguta remicindwe, ʋakakwira pamŋe cete naʋana ʋaJuda kurenje raJuda, riri zasi kweAradi; ʋakandogara naʋanhu ʋo’ko. 17Juda akaenda naSimeoni mukuru wake, ʋakakunda ʋaKanani ʋakaŋga ʋagere Zefati; ʋakariparadza cose. Guta iro rikazotumidzwa Horma. 18ƲaJuda ndokukunda ʋo Gaza nenyika yaro neAshkeroni nenyika yaro, neEkroni nenyika yaro. 19Jehova akaʋa naJuda akadziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere panyika yamakomo; asi wakaŋga asiŋgagoni kudziŋga ʋakaŋga ʋagere mumupata, nokuti iʋo ʋakaŋga ʋaneŋgoro dzamatare. 20Ʋakapa Karebi Hebroni seɀakaŋga ɀataurwa naMosesi, akadziŋga’po ʋana ʋaAnaki ʋatatu. 21Asi ʋana ʋaBenjamini haʋana‐kudziŋga ʋaJebusi ʋakaŋga ʋagere Jerusarema; asi ʋaJebusi ʋakagara Jerusarema pamŋe cete naʋana ʋaBenjamini kuȿikira nhasi.
22Ʋeimba yaJosefa naiʋo ʋakakwira ʋakandorwa neBeti‐eri, Jehova akaʋa naʋo. 23Ʋeimba yaJosefa ʋakandoshora Beti‐eri. (Ɀino zita reguta iri pakutaŋga raiʋa Ruzi.) 24Nharirire dzikaʋona munhu aciɓuɗa muguta, dzikati kwaari: Ƌotiratidza hako panopindwa napo paguta, tigokuitira ɀakanaka. 25Akaʋaratidza panopindwa napo paguta, ʋakakunda guta neminondo inopinza; asi ʋakatendera munhu uyo nemhuri yake yose kuenda hake. 26Ɀino munhu uyo akaenda kunyika yaʋaHeti, akandoʋaka guta rake, akaritumidza zita rinonzi Ruzi; ndiro zita raro kuȿikira nhasi.
27Manase haana‐kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Beti‐sheani, nemisha yaro, kana ʋeTaanaki, nemisha yaro, kana ʋakaŋga ʋagere Dori, nemisha yaro, kana ʋakaŋga ʋagere Ibreami, nemisha yaro, kana ʋakaŋga ʋagere Megido, nemisha yaro; asi ʋaKanani ʋakaramba ʋaciɗa kugara panyika iyo. 28Ɀino ʋaIsraeri ʋakati ʋasimba, ʋakaɓatisa ʋaKanani ɓasa recibaro, haʋana‐kuʋadziŋga cose.
29Efraimi haana‐kudziŋga ʋaKanani ʋakaŋga ʋagere Gezeri; asi ʋaKanani ʋakagara Gezeri pakati paʋo.
30Zeburuni haana‐kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Kitroni, kana ʋakaŋga ʋagere Naharori; asi ʋaKanani ʋakagara pakati paʋo, ʋakaʋa ʋaɓati ʋecibaro.
31Asheri haana‐kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Ako, kana ʋakaŋga ʋagere Zidoni, kana Akrabi, kana Aksibi, kana Herba, kana Afiki, kana Rehobi; 32asi ʋaAsheri ʋakagara pakati paʋaKanani, ʋakaŋga ʋagere munyika iyo; nokuti haʋana‐kuʋadziŋga.
33Naftari haana‐kudziŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere Beti‐shemeshi, kana ʋakaŋga ʋagere Beti‐anati; asi ʋakagara pakati paʋaKanani, ʋakaŋga ʋagere panyika iyo; asi ʋakaŋga ʋagere Beti‐shemeshi neBeti‐anati ʋakaʋa ʋaɓati ʋecibaro.
34ƲaAmori ʋakasundira ʋana ʋaDani kunyika yamakomo, nokuti haʋana‐kuʋatendera kuɓurukira kumupata; 35asi ʋaAmori ʋakaramba ʋaciɗa kugara mugomo reHeresi, muAjaroni nomuShaarbimi; kunyaŋge ɀakaɗaro ruʋoko rwaʋeimba yaJosefa rwakakunda, ʋakaʋa ʋaɓati ʋecibaro. 36Muganho waʋaAmori wakabva pamukwidzwa weAkrabimi, kubva paɗombo, ucikwira.
Zvasarudzwa nguva ino
Ʋatoŋgi 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: