Ʋatoŋgi 17
17
Mika neɀifananidzo ɀake.
1Ɀino kwakaŋga kunomurume panyika yamakomo yaEfraimi, wainzi Mika. 2Iye akati kunamai ʋake: Mashekeri#17:2 Mari ineŋge pondo dzinezana namakumi mashanu. aya esirveri anegumi ramazana nezana rimŋe amakaɓirwa, mukatuka muɓi waɀo, mukataura ʋo iɀoɀo ini ndiciɀinzwa, tarirai sirveri iyeyo iri kwandiri; ndini ndakaitora. Ipapo mai ʋake ʋakati: Mŋanakomana waŋgu ŋgaaropafadzwe naJehova! 3Akadzosera mashekeri esirveri anegumi ramazana nezana rimŋe kunamai ʋake; mai ʋake ʋakati: Ɀirokwaɀo, sirveri iyi ndinoitsaurira Jehova, kuti mŋanakomana waŋgu aite nayo mufananidzo wakaʋezwa nomufananidzo wakaʋumbga; naiɀoɀo ɀino ndicakudzosera iyo. 4Ɀino wakati adzosera mari iyo kunamai ʋake, mai ʋake ʋakatora mashekeri esirveri anamazana maʋiri, akaapa muʋumbi, iye akaita nawo mufananidzo wakaʋezwa nomufananidzo wakaʋumbga; ɀikagara mumba maMika. 5Ɀino murume uyu Mika wakaŋga aneimba yaʋamŋari, akaita efodi neterafimi, akagadza mumŋe waʋanakomana ʋake kuti aʋe muprista wake. 6Pamazuʋa iwayo kwakaŋga kusinamambo pakati paʋaIsraeri; munhu mumŋe nomumŋe waiita seɀaakafuŋga kuti ndiɀo ɀakanaka.
7Ɀino kwakaŋga kunejaya raibva Beti‐rehemi‐juda, weimba yaJuda, waiʋa muRevi, wakaŋga agere’po. 8Murume uyu akabva paguta, paBeti‐rehemi‐juda, kundoɀitȿakira nɀimbo yokugara; pakufamba kwake akaȿika panyika yamakomo yaEfraimi paimba yaMika. 9Mika akati kwaari: Wabvepiko? Iye akati kwaari: Ndiri muRevi weBeti‐rehemi‐juda, ndinotȿaka kwandiŋgagara. 10Mika akati kwaari: Gara neni, uʋe ɓaɓa ʋaŋgu nomuprista waŋgu, ndikupe mashekeri#17:10 Shekeri rimŋe mari ineŋge mashereni maʋiri nesisipenzi. esirveri anegumi pagore neŋguʋo dzokupfeka neɀokudya ɀako. Ipapo muRevi akapinda. 11MuRevi akatenda kugara nomunhu uyu; jaya rikaʋa somumŋe waʋanakomana ʋake. 12Mika akagadza muRevi, jaya iro rikaʋa muprista wake, akagara mumba maMika. 13Ɀino Mika akati: Ndinoziʋa ɀino kuti Jehova ucandiitira ɀakanaka, ɀandaʋa nomuprista waŋgu uri muRevi.
Zvasarudzwa nguva ino
Ʋatoŋgi 17: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: