Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ʋatoŋgi 19

19
Ɀinonyaŋgadza ɀakaitwa naʋanhu ʋeGibea.
1Ɀino namazuʋa iwayo kusisinamambo pakati paIsraeri, mumŋe muRevi waigara mberi kwenyika yamakomo yaEfraimi, akaɀitorera mukadzi muroŋgo pa‐Beti‐rehemi‐juda. 2Ɀino muroŋgo wake akafeʋa, akabva kwaari, akaenda kumba kwaɓaɓa ʋake paBeti‐rehemi‐juda, akagara’ko mŋedzi minna. 3Ɀino murume wake akasimuka, akamuteʋera, anomuranda wake nemboŋgoro mbiri, akataura ɀakanaka naye, kuti amudzosere ɀe kwaari, iye mukadzi akamuisa kumba kwaɓaɓa ʋake; ɀino ɓaɓa ʋomusikana ʋakati ʋacimuʋona, ʋakafara kusoŋgana naye. 4Mukarabga wake, iʋo ɓaɓa ʋomusikana, ʋakamudziʋisa kuenda, akagara naye mazuʋa matatu, ʋakadya, ʋakanwa, ʋakaʋata’po. 5Ɀino nomusi wecinna ʋakamuka maŋgwanani, iye akasimuka aciɗa kuenda; ɓaɓa ʋomusikana ʋakati kumukuwasha waʋo: Simbisa mŋoyo wako necimeɗu ceciŋgwa, mugoenda henyu. 6Ipapo ʋakagara pasi, ʋakadya, ʋakanwa ʋose; ɓaɓa ʋomusikana ʋakati kumurume: Tenda hako ugare ʋusiku bgose, mŋoyo wako ufare. 7Asi murume wakasimuka, aciɗa kubva; mukarabga wake akamugombedzera, akaʋata’po ɀe. 8Nomusi weshanu akamuka maŋgwanani, aciɗa kubva; ɓaɓa ʋomusikana ʋakati: Simbisa mŋoyo wako, ugare kuȿikira zuʋa roʋira; ʋakadya ʋose ʋari ʋaʋiri. 9Ɀino murume wakati acisimuka, aciɗa kubva, iye nomuroŋgo wake, nomuranda wake, mukarabga wake, iʋo ɓaɓa ʋomusikana, akati kwaari: Tarira, zuʋa roʋira, aʋa maɗekwana, cigara hako ʋusiku bgose; tarira, zuʋa roɗa kupera, ʋata hako pano, mŋoyo wako ufare, mugofumira maŋgwana parwendo rwenyu kumusha kwenyu. 10Asi murume wakaramba kuʋata’po ʋusiku ubgo, asi wakasimuka, akabva, ndokuȿika pakatarisana neJebusi (ndiro Jerusarema); wakaŋga anemboŋgoro mbiri dzakaŋga dzakaiswa ɀigaro; nomuroŋgo wake wakaŋga anaye. 11Ɀino ʋakati ʋaȿika pedyo neJebusi, zuʋa rikaŋga roʋira; muranda akati kunatenzi wake: Ŋgatitsaukire heɗu kuguta iri raʋaJebusi, tiʋate’mo. 12Tenzi wake akati kwaari: Hatiŋgatsaukiri kuguta raʋatorwa, kusinaʋana ʋaIsraeri; asi ticapfuʋura heɗu kuȿikira paGibea. 13Akati kumuranda wake: Hendei, tisweɗere kuneimŋe yenɀimbo idzi, tiʋate paGibea kana paRama. 14Ipapo ʋakapfuʋura parwendo rwaʋo, ʋakaʋirirwa pedyo neGibea, raiʋa guta raʋaBenjamini. 15Ʋakatsaukira’ko, ʋaciɗa kuʋata paGibea; akapinda, akagara pasi munzira yomuguta; nokuti kwakaŋga kusinomunhu wakaʋaɗana kuzoʋata mumba make. 16Ɀino mumŋe mutana akaȿika, acibva kuɓasa rake kumunda maɗekwana; ɀino murume uyo wakaŋga ari wenyika yamakomo yaEfraimi, asi wakagara hake paGibea; asi ʋarume ʋenɀimbo iyo ʋakaŋga ʋari ʋaBenjamini. 17Iye akatarira, akaʋona murume uyu mufambi ari munzira yomuguta; mutana akati: Ko unoendepi? ʋuye, Unobvepiko? 18Iye akati kwaari: Tinobva Beti‐rehemi‐juda, tinopfuʋurira kurutiʋi rwemberi rwenyika yamakomo yaEfraimi; ndiko kwandakabva, ndikaenda Beti‐rehemi‐juda, ɀino ndinoenda kumba kwaJehova, asi hakunomunhu wakandiɗana kugara mumba make. 19Kunyaŋge ɀakaɗaro tinabgo ʋuswa neɀokudya ɀemboŋgoro dzeɗu, neciŋgwa newaini ɀinondiriŋgana ini nomurandakadzi wenyu nejaya rinaʋaranda ʋenyu; hakunecinhu cinoshaikwa. 20Ɀino mutana akati: Faro hako, ɀose ɀaunoshaiwa, ini ndicakupa; asi usaʋata munzira yomuguta. 21Ipapo akaʋaisa mumba make, akapa mboŋgoro ɀokudya; ʋakashambidza tsoka dzaʋo, ʋakadya nokunwa. 22Ɀino ʋakati ʋofara pamŋoyo yaʋo, tarirai ʋarume ʋeguta, ʋamŋe ʋanhu ʋakaiȿo‐ipa, ʋakakomba imba kunhiʋi dzose, ʋakagogodza pamukoʋa; ʋakataura nomŋene weimba, iye mutana, ʋakati: Ƃuɗisa murume wakaȿika paimba yako, timuziʋe. 23Ɀino murume uyo, mŋene weimba, akaɓuɗa kwaʋari, akati kwaʋari: Kwete, hama dzaŋgu, regai kuita ɀakaipa ɀakaɗai; musaita samapenzi, nokuti murume uyu wakapinda mumba maŋgu. 24Tarirai, hoyu mukunda waŋgu mhandara, nomuroŋgo wake; ndicaʋaɓuɗisa ɀino, muʋaɀidze, muʋaitire seɀamunoɗa; asi regai kuitira murume uyu cakaipa cakaɗai. 25Asi ʋarume ʋakaramba kumuterera; ipapo murume akaɓata muroŋgo wake, akamuɓuɗisira kwaʋari; ʋakamuziʋa, ʋakamucinya ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwana; ʋakamurega kwoedza. 26Ɀino mukadzi akaʋuya kwoedza, akawira pasi pamukoʋa weimba yomunhu, makaŋga munashe wake, akaʋa’po kuȿikira kwaedza kwaɀo. 27Ɀino ishe wake wakamuka maŋgwanani, akazarura mikoʋa yeimba, akaɓuɗa, aciɗa kupfuʋura parwendo rwake; akawana mukadzi, iye muroŋgo wake, akawira pasi pamukoʋa weimba, maʋoko ake ari pacikumbaridzo. 28Akati kwaari: Simuka, tiende; asi hakuna‐wakapindura; ipapo akamuisa pamboŋgoro yake, murume akasimuka, akaenda kumba kwake. 29Wakati aȿika kumba kwake, akatora ɓaŋga, akaɓata muroŋgo wake, akaɗimuranya mitezo yake, akaita nhindi dzinegumi nembiri, akadzituma munyika yose yaʋaIsraeri. 30Ɀino ʋose ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakati: Ciŋguʋa ʋana ʋaIsraeri ʋakakwira ʋacibva panyika yeEgipita, kuȿikira zuʋa ranhasi, hakunecinhu cakaɗai cakaitwa kana cakaʋonekwa; raŋgarirai iɀoɀo, muraŋgane, mutaure.

Zvasarudzwa nguva ino

Ʋatoŋgi 19: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda