Ʋatoŋgi 2
2
Mutumŋa unotuka ʋanhu paBokimi.
1Ɀino mutumŋa waJehova wakabva Girgari, akaenda Bokimi, akati: Ndakakuɓuɗisai muEgipita, ndikakuȿitsai panyika yandakapikira madziɓaɓa enyu, ndikati: Handiŋgatoŋgoputsi suŋgano yaŋgu nemi nokusiŋgaperi; 2nemi hamufaniri kuita suŋgano naʋanhu ʋagere panyika ino; munofanira kuputsa artari dzaʋo. Asi hamuna‐kuterera inzwi raŋgu; makaitireiko iɀoɀo? 3Saka ini ndakati ʋo: Handiŋgaʋadziŋgi pamberi penyu; asi ʋacaʋa seminzwa kunhiʋi dzenyu, naʋamŋari ʋaʋo ʋacaʋa ɀisuŋgo kwamuri. 4Ɀino mutumŋa waJehova wakati ataura mashoko iwayo kuʋana ʋaIsraeri ʋose, ʋanhu ʋose ʋakacema kwaɀo. 5Ipapo ʋakatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Bokimi, ʋakaɓayira’po Jehova.
ƲaIsraeri ʋanorwirwa naʋatoŋgi.
6Ɀino Joshua wakati aendisa ʋanhu, ʋana ʋaIsraeri ʋakaenda mumŋe nomumŋe kunhaka yake, kuti ʋagare panyika yaʋo. 7Ʋanhu ʋakashumira Jehova mazuʋa ose aJoshua, namazuʋa ose aʋakuru ʋakaŋga ʋaciri ʋapenyu Joshua atofa, iʋo ʋakaŋga ʋaʋona maɓasa makuru akaŋga aitirwa ʋaIsraeri naJehova. 8Ɀino Joshua mŋanakomana waNuni, muranda waJehova akafa, aʋa namakore anezana negumi. 9Ʋakamuʋiga panyika yenhaka yake paTimnati‐heresi, panyika yamakomo yaEfraimi, necokumsoro kwegomo reGaashi. 10Ɀino ʋorudzi urwo rwose ʋakasoŋganiswa namadziɓaɓa aʋo, rumŋe rudzi rukamuka shure kwaʋo rwakaŋga rusiŋgaziʋi Jehova, kana ɓasa raakaitira ʋaIsraeri.
11Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova, ʋakashumira ʋaBaari; 12ʋakarasha Jehova Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, wakaŋga aʋaɓuɗisa munyika yeEgipita, ʋakateʋera ʋamŋe ʋamŋari ʋaʋanhu ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza, ʋakaʋafugamira, ʋakatsamŋisa Jehova. 13Ʋakarasha Jehova, ʋakashumira Baari neAshtaroti. 14Kutsamŋa kwaJehova kukamukira ʋaIsraeri, akaʋaisa mumaʋoko aʋaparadzi ʋakaʋaparadza, akaʋateŋgesa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋakaŋga ʋakaʋapoteredza; naiɀoɀo ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kumira pamberi paʋaʋeŋgi ʋaʋo. 15Pose‐pose paʋaienda, ruʋoko rwaJehova rwairwa naʋo nokuʋaitira ɀakaipa, seɀakaŋga ɀataurwa naJehova, ʋuye seɀaʋakaŋga ʋapikirwa naJehova; ʋakatambudzika kwaɀo. 16Ɀino Jehova akamutsa ʋatoŋgi, ʋaiʋarwira mumaʋoko aʋaiʋaparadza. 17Kunyaŋge ɀakaɗaro haʋana‐kuterera ʋatoŋgi ʋaʋo, nokuti ʋakapata ʋaciteʋera ʋamŋe ʋamŋari, ʋakaʋafugamira; ʋakakurumidza kutsauka panzira yaifamba madziɓaɓa aʋo, ʋaiterera mirairo yaJehova; asi iʋo haʋana‐kuita saiɀoɀo. 18Ɀino Jehova waiti kana aciŋge aciʋamutsira mutoŋgi, Jehova waiʋa nomutoŋgi uyo, ndokuʋarwira pamaʋoko aʋaʋeŋgi ʋaʋo mazuʋa ose omutoŋgi uyo; nokuti Jehova wakaɀiɗemba pamsoro pokugomba kwaʋo nokuɗa kwaʋaiʋamanikidza nokuʋanetsa. 19Asi kana mutoŋgi afa, ʋakadzoka ɀe, ʋakaita ɀakaipa kupfuʋura madziɓaɓa aʋo, pakuteʋera ʋamŋe ʋamŋari, nokuʋashumira, nokuʋafugamira; haʋana‐kurega maɓasa aʋo kana mufambire wemŋoyo yaʋo mikukutu. 20Ipapo kutsamŋa kwaJehova kwakamukira ʋaIsraeri, akati: Rudzi urwu ɀarwakaɗarika suŋgano yaŋgu, yandakaita namadziɓaɓa aʋo, ʋakasaterera inzwi raŋgu, 21neni ʋo handicazodziŋgi pamberi paʋo rudzi rumŋe rwendudzi dzakasiyiwa naJoshua pakufa kwake; 22kuti ndiidze ʋaIsraeri nadzo, kana ʋaciɗa kuceŋgeta nzira yaJehova, kana ʋaciɗa kufamba’mo, seɀayaiceŋgetwa namadziɓaɓa aʋo, kana ʋasiŋgaɗi. 23Naiɀoɀo Jehova akasiya ndudzi idzo, akasakurumidza kudzidziŋga; ʋuye haana‐kudziisa muruʋoko rwaJoshua.
Zvasarudzwa nguva ino
Ʋatoŋgi 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018