Ʋatoŋgi 6
6
Gideoni unotumŋa naJehova kurwira Israeri.
1Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova, Jehova akaʋaisa mumaʋoko aMidiani makore manomŋe. 2Midiani akakunda Israeri; ʋana ʋaIsraeri ʋakaɀiitira pokuʋanda pamakomo, namapako, nenhare, nokuɗa kwaMidiani. 3Nokuti ʋaIsraeri ʋakati kana ʋakusha, ʋaMidiani naʋaAmareki naʋana ʋamabvazuʋa ndokukwira kuzorwa naʋo. 4Ʋakadzika matente aʋo pakatarisana naʋo, ndokuparadza ɀiɓereko ɀeminda kuȿikira paGaza; haʋana‐kusiyira ʋaIsraeri ɀokudya kana makwai kana ŋombe, kana mboŋgoro. 5Nokuti ʋaikwira neɀipfuwo ɀaʋo, namatente aʋo; ʋaiʋuya ʋakawanda semhashu, ʋasiŋgagoni kuʋereŋgwa, iʋo namakamera aʋo; ʋaipinda munyika kuti ʋaiparadze. 6ƲaIsraeri ʋakaʋa ʋarombo kwaɀo nokuɗa kwaMidiani; ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakacema kunaJehova.
7Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋacicema kunaJehova nokuɗa kwaMidiani, 8Jehova akatuma muprofita kuʋana ʋaIsraeri; iye akati kwaʋari: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ndakakukwidzai, ndicikuɓuɗisai paEgipita, nokukuɓuɗisai paimba yoʋuranda; 9ndikakurwirai mumaʋoko aʋaEgipita, nomumaʋoko aʋose ʋaikumanikidzai, ndikaʋadziŋga pamberi penyu, ndikakupai nyika yaʋo; 10ndikati kwamuri: Ndini Jehova Mŋari wenyu; hamufaniri kutya ʋamŋari ʋaʋaAmori, ʋamugere munyika yaʋo; asi hamuna‐kuterera inzwi raŋgu.
11Ɀino mutumŋa waJehova wakaȿika, akagara pasi pomuouki wakaŋga uri paOfra, waiʋa waJoashi, muAbiezeri; Gideoni mŋanakomana wake, wakaŋga acipura ɀiyo paciȿiniro cewaini, kuti aɀiʋanze nokuɗa kwaʋaMidiani. 12Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari, akati kwaari: Jehova unewe, iwe murume unesimba noʋumhare. 13Gideoni akati kwaari: Haiwa, Ishe waŋgu, kana Jehova anesu, ko iɀi ɀose ɀakagotiwirireiko? Ɀiripiko ɀishamiso ɀake ɀose, ɀataiʋudzwa namadziɓaɓa eɗu, ʋaciti: Jehova haana‐kutikwidza here, acitiɓuɗisa paEgipita? Asi ɀino Jehova wakatirasha, akatiisa mumaʋoko aMidiani. 14Ipapo Jehova akatendeʋukira kwaari, akati: Enda nesimba rako iri, undoponesa Israeri pamaʋoko aMidiani, handizi’ni ndakakutuma here? 15Akati kwaari: Haiwa, Ishe, ndicagoponesa Israeri neiko? Tarirai rudzi rwaŋgu ruɗuku kunaʋose paManase, neni ndiri muɗuku kunaʋose paimba yaɓaɓa ʋaŋgu. 16Jehova akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ini ndicaʋa newe, iwe ucakunda ʋaMidiani somunhu mumŋe. 17Akati kwaari: Kana ndawana nyasha pamberi penyu ɀino, ndiratidzei ciratidzo kuti ndimi munotaura neni. 18Regai henyu kubva pano, kuȿikira ndadzokera kwamuri, ndikuʋigirei cipo caŋgu, ndiciise pamberi penyu. Iye akati: Ndicagara pano kuȿikira wadzoka ɀe. 19Ipapo Gideoni akapinda, akandogadzira mbudzana neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa ɀeefa#6:19 Efa imŋe aneŋge magaroni mapfumbamŋe. imŋe yoʋupfu; akaisa nyama muɗeŋgu, nokuɗira muto muhari; akamuʋigira iɀoɀo pasi pomuouki, ndokumupa iɀoɀo. 20Asi mutumŋa waJehova akati kwaari: Tora nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, uɀiise paɗombo iri, ugoɗurura ʋo muto. Iye akaita saiɀoɀo. 21Ɀino mutumŋa waJehova ndokutambanudza muromo wetȿimbo, yakaŋga iri muruʋoko rwake, akagunɀa nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, mŋoto ukaɓuɗa paɗombo, ukapedza nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa. Mutumŋa waJehova ndokunyaŋgarika pamberi pake. 22Ipapo Gideoni akaʋona kuti mutumŋa waJehova. Gideoni akati: Haiwa, Jehova Mŋari! nokuti ndaʋona mutumŋa waJehova ɀiso ɀakatarisana. 23Asi Jehova wakati kwaari: Rugare ŋgaruʋe newe, usatya, hauŋgafi. 24Ipapo Gideoni akaʋakira’po Jehova artari, akaitumidza zita rinonzi Jehova‐sharomi; iciri’po paOfra raʋaAbiezeri kuȿikira nhasi.
25Ɀino noʋusiku ibgobgo Jehova akati kwaari: Tora nzombe yaɓaɓa ʋako, iya yecipiri inamakore manomŋe, uputse artari yaBaari yaɓaɓa ʋako, uteme ʋo ɗanda rokunamata naro riri’po. 26Uʋakire Jehova Mŋari wako artari pamsoro penhare iyi, nomutoʋo wakafanira, ugotora nzombe iyo yecipiri, uɓayire cipiriso cinopiswa nehuni dzeɗanda rokunamata naro raunofanira kutema. 27Ipapo Gideoni akatora ʋarume ʋanegumi kuʋaranda ʋake, akaita seɀaakaʋudzwa naJehova; asi haana‐kuita iɀoɀo masikati, asi wakaɀiita ʋusiku, nokuti wakatya ʋeimba yaɓaɓa ʋake naʋarume ʋeguta. 28Ɀino ʋarume ʋeguta ʋakati ʋacimuka maŋgwanani, ʋakaʋona artari yaBaari yaputswa, neɗanda rokunamata naro raiʋa’po ratemŋa, nenzombe yecipiri yaɓayirwa paartari yakaŋga yaʋakwa’po. 29Ʋakataurirana, ʋakati: Ndianiko wakaita cinhu ici? Ʋakati ʋacinɀera nokubvunzisisa, ɀikanzi: Gideoni mŋanakomana waJoashi, ndiye wakaita cinhu ici. 30Ɀino ʋarume ʋeguta ʋakati kunaJoashi: Ƃuɗisa mŋanakomana wako, afe, nokuti waputsa artari yaBaari, ʋuye watema ɗanda rokunamata naro raiʋa’po pairi. 31Asi Joashi wakati kunaʋose ʋakaŋga ʋacimupopotera: Moɗa kurwira Baari kanhi? Moɗa kumuponesa? Unomurwira ucaʋurawa maŋgwanani ano; kana ari mŋari, ŋgaaɀirwire amene, ɀaakaputsirwa artari yake nomunhu. 32Saka nomusi iwoyo akamutumidza zita rinonzi Jerubaari, aciti: Baari ŋgaarwe naye, ɀaakaputsa artari yake.
33Ɀino ʋaMidiani ʋose naʋaAmareki naʋana ʋamabvazuʋa ʋakaʋuŋgana, ʋakayambuka, ʋakadzika matente aʋo pamupata weJezreeri. 34Asi Mŋeya waJehova wakaȿika pamsoro paGideoni, akaridza hwamanda, ʋaAbiezeri ʋakaʋuŋgana ʋakamuteʋera. 35Akatuma nhume pakati paʋaManase ʋose, naiʋo ʋakaʋuŋgana ʋakamuteʋera; akatuma ʋo nhume kunaAsheri, naZeburuni, naNaftari, naiʋo ʋakakwira kuzosoŋgana naʋo. 36Ipapo Gideoni akati kunaMŋari: Kana muciɗa kuponesa Israeri noruʋoko rwaŋgu, seɀamakataura, 37tarirai, ndicaisa ɗebge rinemvere paɓuriro; kana kukaʋa neɗoʋa paɗebge ɓedzi, pasi pose pakawoma, ndicaziʋa kuti munoɗa kuponesa Israeri noruʋoko rwaŋgu, seɀamakataura. 38Ɀikaʋa saiɀoɀo; nokuti wakamuka maŋgwanani, akambundanidza ɗebge, akaȿina mvura paɗebge, ikazadza mbiya. 39Ɀino Gideoni akati kunaMŋari: Regai henyu kunditsamŋira, kana ndikataura ɀe kamŋe cete; nditenderei ndiidze ɀe kamŋe cete neɗebge; ɀino paɗebge ɓedzi paʋe pakawoma, asi pasi pose paʋe neɗoʋa. 40Mŋari akaita saiɀoɀo ʋusiku ubgo; nokuti paɗebge ɓedzi pakaŋga pakawoma, asi ɗoʋa rakaŋga riri pasi pose.
Zvasarudzwa nguva ino
Ʋatoŋgi 6: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018