Jeremia 19
19
Kuparadzwa kweJerusarema kunofananidzwa neciroŋgo cakaputsika.
1Ɀanzi naJehova: Enda undoteŋga ciroŋgo cakaʋumbga nomuʋumbi wehari, unaʋamŋe ʋakuru ʋaʋanhu naʋamŋe ʋakuru ʋaʋaprista; 2ipapo uende kumupata womŋanakomana waHinomi, uri’po paʋanopinda pasuʋo reɀaeŋga ɀehari, uparidzire’po mashoko andicakuʋudza; 3uti: Inzwai shoko raJehova, imi madzimambo aJuda naʋagere Jerusarema: Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Tarirai, ndicaʋuyisa ɀakaipa pamsoro penɀimbo ino, nzeʋe dzomumŋe nomumŋe unoɀinzwa dzicawuŋga. 4Nokuti ʋakandisiya, ʋakashandura nɀimbo ino, ʋakapisira’po ɀinonhuwira kunaʋamŋe ʋamŋari ʋaʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi, iʋo namadziɓaɓa aʋo namadzimambo aJuda, ʋakazadza nɀimbo ino neropa raʋasinemhoȿa, 5ʋakaʋaka nɀimbo dzakakwirira dzaBaari, kuti ʋapisire Baari ʋanakomana ʋaʋo pamŋoto ɀiʋe ɀipiriso ɀinomupisirwa; iɀo, ɀandisina‐kuʋaraira, kana kuɀitaura, ɀandisina‐kufuŋga mumŋoyo maŋgu. 6Naiɀoɀo tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — nɀimbo ino haicazonzi Tofeti, kana Mupata womŋanakomana waHinomi, asi Mupata woKuʋurawa. 7Ndicakonesa mano aJuda naʋeJerusarema panɀimbo ino; ndicaʋawisa nomunondo pamberi paʋaʋeŋgi ʋaʋo, ʋuye namaʋoko aʋanotȿaka kuʋaʋuraya; ɀitunha ɀaʋo ndicaɀipa shiri dzokuɗeŋga neɀikara ɀenyika, ɀiʋe ɀokudya ɀaɀo. 8Guta rino ndicariita cishamiso necinhu cinoridzirwa muridzo; mumŋe nomumŋe unopfuʋura napo ucashamiswa aciridza muridzo nokuɗa kwamaɗambudziko aro ose. 9Ndicaʋadyisa nyama yaʋanakomana ʋaʋo nenyama yaʋanasikana ʋaʋo; mumŋe nomumŋe ucadya nyama yeshamŋari yake pakukombga kwaro napakumanikidzwa kwaʋacamanikidzwa nako naʋaʋeŋgi ʋaʋo naʋanotȿaka kuʋaʋuraya. 10Ɀino unofanira kuputsa ciroŋgo pamberi paʋarume ʋakaenda newe, 11ugoti kwaʋari: Ɀanzi naJehova wehondo: Saiɀoɀo ndicaputsa ʋanhu aʋa neguta rino, seɀinoputswa mudziyo womuʋumbi wehari, usiŋgabviri kuzogadzirwa ɀe; ɀino ʋacaʋiga ʋakafa paTofeti nokuti kucashaikwa imŋe nɀimbo. 12Ndiɀo ɀandicaitira nɀimbo ino naʋagere’po, ndiite guta rino seTofeti — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 13Dzimba dzeJerusarema, nedzimba dzamadzimambo aJuda, dzakaȿiɓiswa, dzicaita senɀimbo yeTofeti, idzo dzimba dzose dzaʋakapisira pamateŋga adzo ɀinonhuwira kuhondo dzokuɗeŋga, nokuɗururira ʋamŋe ʋamŋari ɀipiriso ɀinoɗururwa.
14Ipapo Jeremia wakabva Tofeti, kwaakaŋga atumŋa naJehova kundoprofita; akandomira muruʋazhe rweimba yaJehova, akati kuʋanhu ʋose: 15Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Tarirai, ndicaʋuyisa pamsoro peguta rino napamsoro pemisha yaro yose, ɀakaipa ɀose ɀandakataura pamsoro paro; nokuti ʋakawomesa mitsipa yaʋo, kuti ʋarege kunzwa mashoko aŋgu.
Zvasarudzwa nguva ino
Jeremia 19: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: