Asi heyi suŋgano yandicaita neimba yaIsraeri shure kwamazuʋa iwayo — ndiɀo ɀinotaura Jehova: Ndicaisa murairo waŋgu mukati maʋo, ndicaunyora pamŋoyo yaʋo; ini ndicaʋa Mŋari waʋo, iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu. Haʋaŋgazodzidzisani, mumŋe nomumŋe nowokwake, mumŋe nomumŋe nehama yake, aciti: Ziʋa Jehova; nokuti ʋacandiziʋa ʋose, kubva kuʋaɗuku pakati paʋo kuȿikira kuʋakuru pakati paʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti ndicakaŋganwira kuipa kwaʋo, neɀiʋi ɀaʋo handiŋgazoɀiraŋgariri.
Verenga chikamu Jeremia 31
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremia 31:33-34
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo