Johane 20
20
Kumuka kwaJesu.
(Mat 28:1–6; Mar 16:1–8; Ruka 24:1–12)
1Ɀino nomusi wokutaŋga weviki Maria Magdarene wakaenda kubgiro maŋgwanani, kucakaȿiɓa; akaʋona ibge rabviswa pabgiro. 2Akamhanya, akaenda kunaSimoni Petro nokunomumŋe mudzidzi, waiɗikanwa naJesu, akati kwaʋari: Ʋabvisa Ishe mubgiro, hatiziʋi paʋakamuisa. 3Ɀino Petro akaɓuɗa nouya mumŋe mudzidzi, ʋakaenda kubgiro. 4Ʋakamhanya ʋose ʋari ʋaʋiri; uya mumŋe mudzidzi akamhanyisa akakunda Petro, akataŋga kuȿika pabgiro, 5akakotama aciɗoŋgorera, akaʋona miceka iri pasi, asi haana‐kupinda. 6Ɀino Simoni Petro akaȿika ʋo, akapinda mubgiro, akaʋona miceka iri pasi; 7nomuceka muɗuku, wakaŋga uri mumusoro wake, usati uri kunemimŋe miceka, asi wakapetwa uri pamŋe woga. 8Ɀino uya mumŋe mudzidzi akapinda ʋo, iye wakataŋga kuȿika pabgiro, akaʋona, akatenda. 9Nokuti ʋakaŋga ʋacigere kunzwisisa Rugwaro, runoti unofanira kumuka kuʋakafa. 10Ɀino ʋadzidzi ʋakadzokera ɀe kumusha kwaʋo.
Jesu unoɀiratidza kunaMaria.
11Asi Maria wakaramba amire kunze kwobgiro, acicema; ɀino acacema, akakotama, akaɗoŋgorera mubgiro. 12Akaʋona ʋatumŋa ʋaʋiri, ʋaneŋguʋo cena, ʋagere, mumŋe kumusoro, mumŋe kumakumbo, ipapo pakaŋga paiswa mutumbu waJesu. 13Iʋo ʋakati kwaari: Mai, munocemeiko? Akati kwaʋari: Nokuti ʋakabvisa Ishe waŋgu, ɀino handiziʋi kwaʋakamuisa. 14Ɀino wakati acireʋa iɀoɀo, akatendeʋukira shure, akaʋona Jesu amire; asi haana‐kuziʋa kuti ndiJesu. 15Jesu akati kwaari: Mai, munocemeiko? Munotȿaka aniko? Iye aciti ndiye murimi womunda, akati kwaari: Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiʋudzei pamamuisa, ndindomutora. 16Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeʋuka, akati kwaari neciHeberu: Raboni; ndokuti: Mudzidzisi. 17Jesu akati kwaari: Usandiɓata, nokuti ndicigere kukwira kunaƂaɓa ʋaŋgu; asi enda kuhama dzaŋgu, uti kwaʋari: Ndinokwira kunaƂaɓa ʋaŋgu naƂaɓa ʋenyu, kunaMŋari waŋgu naMŋari wenyu. 18Maria Magdarene akaenda, akaʋudza ʋadzidzi, aciti: Ndaʋona Ishe, ʋuye kuti wakaŋga aʋudzwa ɀinhu iɀi naye.
Jesu unoɀiratidza kuʋadzidzi, Tomasi asi’po.
(Ruka 24:36–49)
19Ɀino aʋa maɗeko pazuʋa iro rokutaŋga reviki, mikoʋa yapfigwa paʋakaŋga ʋari ʋadzidzi nokutya ʋaJuda, Jesu akaʋuya, akamira pakati paʋo, akati kwaʋari: Rugare kwamuri! 20Ɀino wakati areʋa iɀoɀo, akaʋaratidza ɀanza ɀake norutiʋi rwake. Ʋadzidzi ʋakafara ʋaciʋona Ishe. 21Jesu akati ɀe kwaʋari: Rugare kwamuri! Ƃaɓa seɀaʋakandituma, neni ndinokutumai ʋo. 22Ɀino wakati areʋa iɀoɀo, akafemera kwaʋari, akati kwaʋari: Gamucirai Mŋeya Mutȿene. 23Aʋo, ʋamunokaŋganwira ɀiʋi ɀaʋo, ʋaɀikaŋganwirwa; aʋo, ʋamunoɓata ɀiʋi ɀaʋo, ɀaɓatwa.
Jesu unoɀiratidza kuʋadzidzi, Tomasi aʋa’po.
24Ɀino Tomasi, wainzi Didimo, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, wakaŋga asi’po paʋari, pakuʋuya kwaJesu. 25Ɀino ʋamŋe ʋadzidzi ʋakati kwaari: Taʋona Ishe. Iye akati kwaʋari: Kana ndikasaʋona maʋaŋga embambo muɀanza ɀake, nokuisa munwe waŋgu paiʋa nembambo, nokuisa ruʋoko rwaŋgu murutiʋi rwake, handiŋgatoŋgotendi.
26Ɀino mazuʋa masere akati apfuʋura ɀe, ʋadzidzi ʋakaŋga ʋari’mo mukati, naTomasi anaʋo. Jesu akaʋuya, mikoʋa yapfigwa, akamira pakati paʋo, akati: Rugare kwamuri! 27Ipapo akati kunaTomasi: Ʋuya pano nomunwe wako, uʋone ɀanza ɀaŋgu; ʋuya noruʋoko rwako, uruise murutiʋi rwaŋgu; usaʋa usiŋgatendi, asi unotenda. 28Tomasi akapindura, akati kwaari: Ishe waŋgu, naMŋari waŋgu! 29Jesu akati kwaari: Watenda, nokuti wandiʋona? Ʋacaropafadzwa ʋanotenda, kunyaŋge ʋasina‐kuʋona.
30Ɀino Jesu wakaita ɀimŋe ɀiratidzo ɀizhinji pamberi paʋadzidzi ʋake, ɀisina‐kunyorwa mubuku iyi; 31asi iɀi ɀakanyorwa, kuti mutende kuti Jesu ndiye Kristu, Mŋanakomana waMŋari; ʋuye kuti, mucitenda, muʋe noʋupenyu muzita rake.
Zvasarudzwa nguva ino
Johane 20: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: