Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 9

9
Jesu unoporesa munhu wakaɓerekwa riri ɓofu.
1Wakati acipfuʋura, akaʋona munhu wakaŋga ari ɓofu kubva pakuɓerekwa kwake. 2Ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza, ʋaciti: Rabi, ndianiko wakatadza, uyu kana ʋaɓereki ʋake, ɀaakaɓerekwa riri ɓofu? 3Jesu akapindura, akati: Uyu haana‐kutadza, kunyaŋge naʋaɓereki ʋake; asi iɀi ɀakaitwa kuti maɓasa aMŋari aʋoneswe maari. 4Tinofanira kuɓate‐ɓasa rowakandituma, aciri masikati; ʋusiku bgunoʋuya, bgusiŋgagoni munhu kuɓate‐ɓasa nabgo. 5Ndiciri panyika, ndiri ciedza cenyika. 6Wakati areʋa iɀoɀo, akapfira mate pasi, akakanya ɗope namate, akazodza ɗope rawo pameso ake, 7akati kwaari: Enda undoshamba mudziʋa reSiroami, (ndokuti, kana ɀicishandurwa, Kutumŋa). Ipapo akaenda, akandoshamba, akadzoka aciʋona. 8Ʋakaŋga ʋagere naye, naʋaimuʋona kare, kuti ndiye waikumbira, ʋakati: Ko uyu haazi iye waigara acikumbira here? 9Ʋamŋe ʋakati: Ndiye; ʋamŋe ʋakati: Kwete, asi wakatodzana naye. Iye akati: Ndini. 10Ɀino ʋakati kwaari: Meso ako akagoȿinudzwa seiko? 11Akapindura, akati: Munhu unonzi Jesu wakakanya ɗope, akazodza meso aŋgu, akati kwandiri: Enda Siroami, undoshamba; naiɀoɀo ndakaenda, ndikashamba, ndikaʋona. 12Ʋakati kwaari: Iye uripiko? Akati: Handiziʋi.
13Ʋakamuisa kuʋaFarise, iye wakaŋga ari ɓofu kare. 14Ɀino raiʋa saɓata zuʋa iro Jesu raakakanya ɗope naro, akaȿinudza meso ake. 15Ɀino ʋaFarise ʋakamubvunza ɀe, kuti wakaʋoneswa sei. Akati kwaʋari: Wakaisa ɗope pameso aŋgu, ndikandoshamba, ndikaʋona. 16Ɀino ʋamŋe ʋaʋaFarise ʋakati: Munhu uyu haazi waMŋari, nokuti haaceŋgeti saɓata. Asi ʋamŋe ʋakati: Ko munhu mutadzi uŋgaita seiko ɀiratidzo ɀakaɗai? Ipapo kupesana kwakamuka pakati paʋo. 17Ɀino ʋakati ɀe kuɓofu: Iwe unoti kuɗiniko pamsoro pake, ɀaakaȿinudza meso ako? Akati: Muprofita. 18Naiɀoɀo ʋaJuda haʋana‐kutenda pamsoro pake, kuti wakaŋga ari ɓofu, akazoʋona, kuȿikira ʋaɗana ʋaɓereki ʋowakaʋoneswa, 19ʋakaʋabvunza, ʋaciti: Uyu ndiye mŋanakomana wenyu, wamunoti wakaɓerekwa riri ɓofu here? Ɀino unogoʋona seiko? 20Ʋaɓereki ʋake ʋakapindura, ʋakati: Tinoziʋa kuti uyu mŋanakomana weɗu, ʋuye kuti wakaɓerekwa riri ɓofu; 21asi hatiziʋi kuti ɀino woʋona sei; nowakaȿinudza meso ake, hatimuziʋi; mubvunzei henyu; waaruka, ucaɀireʋera hake. 22Ʋaɓereki ʋake ʋakareʋa iɀoɀo, nokuti ʋaitya ʋaJuda, nokuti ʋaJuda ʋakaŋga ʋatotenderana, kuti kana kuciŋge kunomunhu unotenda kuti ndiye Kristu, aɓuɗiswe musinagoge. 23Naiɀoɀo ʋaɓereki ʋake ʋakati: Waaruka hake, mubvunzei henyu. 24Ɀino ʋakamuɗana ɀe rwecipiri, iye munhu wakaŋga ari ɓofu, ʋakati kwaari: Rumbidza Mŋari; isu tinoziʋa kuti munhu uyu mutadzi. 25Ipapo iye akapindura, akati: Kana ari mutadzi ini handiziʋi; ndinoziʋa cinhu cimŋe, kuti ndaiʋa ɓofu, ɀino ndoʋona. 26Ipapo ʋakati kwaari: Wakakuiteiko? Wakaȿinudza meso ako sei? 27Akaʋapindura, akati: Ndatokuʋudzai, mukasanzwa. Munoɗa kunzwa ɀe nemhaka yeiko? Nemi munoɗa kuʋa ʋadzidzi ʋake ʋo kanhi? 28Ʋakamutuka, ʋaciti: Iwe ndiwe mudzidzi wake, asi isu tiri ʋadzidzi ʋaMosesi. 29Tinoziʋa kuti Mŋari wakataura naMosesi; asi uyu hatiziʋi kwaakabva. 30Iye munhu akapindura, akati kwaʋari: Nyambera cinhu ici cinoshamisa, kuti imi hamuziʋi kwaanobva, kunyaŋge akaȿinudza meso aŋgu. 31Tinoziʋa kuti Mŋari haanzwi ʋatadzi; asi kana munhu acishumira Mŋari, aciita kuɗa kwake, unomunzwa iye. 32Kubvira pakutaŋga hakunakumbonzwika, kuti mumŋe wakaȿinudza meso omunhu, wakaɓerekwa riri ɓofu. 33Ƌai uyu asati ari waMŋari, haazaigona kuita cinhu. 34Ʋakapindura, ʋakati kwaari: Iwe wakaɓerekerwa kwaɀo muɀiʋi, ɀino iwe wotidzidzisa su? Ʋakamudziŋgira kunze.
35Jesu akanzwa kuti ʋamudziŋgira kunze; akati amuwana, akati kwaari: Iwe unotenda kuMŋanakomana waMŋari here? 36Akapindura, akati: Iye ndianiko Ishe, kuti nditende kwaari? 37Jesu akati kwaari: Wamuʋona, ʋuye, ndiye unotaura newe. 38Ipapo akati: Ndinotenda, Ishe. Akamunamata. 39Jesu akati: Kutoŋga ndiko kwandaʋuyira panyika ino, kuti ʋasiŋgaʋoni, ʋaʋone; naʋanoʋona ʋaʋe mapofu. 40Aʋo ʋaʋaFarise ʋaiʋa naye, ʋakaɀinzwa, ʋakati kwaari: Ko nesu ʋo tiri mapofu here? 41Jesu akati kwaʋari: Ƌai maiʋa mapofu, hamuzaiʋa neɀiʋi, asi ɀino munoti: Tinoʋona; ɀiʋi ɀenyu ɀinoramba ɀiri’po.

Zvasarudzwa nguva ino

Johane 9: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda