Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobo 1

1
Jobo munhu wakarurama.
1Kwakaŋga kunomunhu panyika yeUzi, wainzi Jobo; munhu uyu wakaŋga akakwana, akarurama, waitya Mŋari acinɀeŋga ɀakaipa. 2Iye wakaɓerekerwa ʋanakomana ʋanomŋe naʋakunda ʋatatu. 3Ʋuye fuma yake yakaȿika makwai aneɀuru ɀinomŋe, namakamera aneɀuru ɀitatu, neŋombe dzakariŋgana majoko anamazana mashanu, namakadzi emboŋgoro anamazana mashanu, naʋanhu ʋazhinji paimba yake; naiɀoɀo munhu uyu wakaŋga ari mukuru pakati paʋana ʋamabvazuʋa. 4Ʋanakomana ʋake ʋaisienda kundoita mutambo paimba yomumŋe nomumŋe waʋo pazuʋa rake; ʋaituma kundoɗana hanɀadzi dzaʋo nhatu kuzodya nokunwa naʋo. 5Ɀino kana mazuʋa okutamba kwaʋo apera Jobo waituma nhume kuʋaɗana ʋanatswe, ɀino iye ndokumuka maŋgwanani, ndokupisa ɀipiriso ɀinopiswa ɀaiʋariŋganira ʋose; nokuti Jobo wakati: Ɀimŋe ʋanakomana ʋaŋgu ʋakatadza, ʋakashoʋora Mŋari pamŋoyo yaʋo; Jobo waisiɗaro ŋguʋa dzose.
Satani unotenderwa kuidza Jobo.
6Ɀino rimŋe zuʋa ʋanakomana ʋaMŋari ʋakati ʋacindomira pamberi paJehova, Satani akaȿika ʋo pakati paʋo. 7Jehova akati kunaSatani: Wabvepiko? Satani akapindura Jehova, akati: Ndabva pakupota‐pota nenyika, napakufamba‐famba pairi. 8Jehova akati kunaSatani: Wacerekedza muranda waŋgu Jobo here? Nokuti hakunomunhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mŋari, acinɀeŋga ɀakaipa. 9Ipapo Satani akapindura Jehova, akati: Jobo unotya Mŋari pasina here? 10Hamuna‐kumupoteredza here norumhanda, iye neimba yake, neɀose ɀaanaɀo, pamatiʋi ose? Makaropafadza maɓasa amaʋoko ake, ʋuye fuma yake yakawanda panyika. 11Asi tambanudzai henyu ruʋoko rwenyu ɀino, muroʋe ɀose ɀaanaɀo, ipapo iye ucakushoʋorai pacena. 12Jehova akati kunaSatani: Tarira, ɀose ɀaanaɀo ɀiri paruʋoko rwako; asi usatambanudzira ruʋoko rwako kwaari. Naiɀoɀo Satani akabva pamberi paJehova.
13Ɀino rimŋe zuʋa ʋanakomana ʋake naʋanasikana ʋake ʋakati ʋacidya nokunwa waini paimba yomukuru waʋo, 14nhume ikaȿika kunaJobo, ikati: Ŋombe dzakaŋga dzicirima, nemboŋgoro dzicicera kurutiʋi rwadzo, 15ʋaSabea ʋakadziwira, ndokudzitora, naʋafudzi ʋo ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndaʋuya kuzokuʋudzai. 16Iye wakati acataura, mumŋe akaȿika ʋo, akati: Mŋoto waMŋari wakabva kuɗeŋga, ukapisa makwai naʋafudzi, ukaʋapedza; ini ndoga ndapukunyuka, ndaʋuya kuzokuʋudzai. 17Iye wakati acataura, mumŋe akaȿika ʋo, akati: ƲaKardea ʋakaita mapoka matatu, ʋakawira makamera, ʋakaatora, naʋafudzi ʋo ʋakaʋaʋuraya neminondo inopinza; ini ndoga ndapukunyuka, ndaʋuya kuzokuʋudzai. 18Iye wakati acataura, mumŋe akaȿika ʋo, akati: Ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋakaŋga ʋacidya nokunwa waini mumba momukuru waʋo, 19ɗutu guru ndokubva kurutiʋi rwerenje, ndokuroʋa pamakona manna eimba, iyo ikawira pamsoro paʋana, ʋakafa; ini ndoga ndapukunyuka, ndaʋuya kuzokuʋudzai. 20Ipapo Jobo akasimuka, akabvarura ŋguʋo yake, akaʋeʋura musoro wake, akaɀiwisira pasi, akanamata, 21akati: Ndakaɓuɗa mumimba mamai ʋaŋgu ndiri mushwi, ndicadzokera’po ndiri mushwi; Jehova wakapa, Jehova wakatora, zita raJehova ŋgarikudzwe. 22Paɀinhu iɀi ɀose Jobo haana‐kutadza, haana‐kuti Mŋari wakaita noʋupenzi.

Zvasarudzwa nguva ino

Jobo 1: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda