Jobo 12
12
Jobo unoɀiɗaʋirira. Unoziʋa kwaɀo kuti Mŋari ndiye Wamasimba ose, ɀinoʋonekwa pacena.
1Ipapo Jobo wakapindura, akati:
2Ɀirokwaɀo, imi muri ʋanhu ʋakaŋgwara,
Kuŋgwara kucafa pamŋe cete nemi.
3Asi ini ndinenjere ʋo semi;
Handizi muɗuku kwamuri;
Ɀirokwaɀo, ndianiko usiŋgaziʋi ɀinhu ɀakaɗai?
4Ndakafanana nomunhu unosekwa nowaanogara naye,
Munhu wakaɗana kunaMŋari, iye akamupindura;
Munhu wakarurama, wakakwana, ndiye wosekwa.
5Munhu unogara akafara hake unoshoʋora pamifuŋgo yake munhu uri panjodzi.
Kushoʋorwa kunogarira ʋanhu ʋanotedzemuka norutsoka rwaʋo.
6Matente amakororo anofara hawo,
Aʋo ʋanotsamŋisa Mŋari ʋanogara haʋo ɀakanaka;
Iʋo ʋanozadzirwa ruʋoko rwaʋo naMŋari.
7Asi bvunzai henyu ɀino mhuka, dzicakudzidzisai;
Neshiri dzokuɗeŋga, dzicakuʋudzai;
8Kana taurai henyu nenyika, icakudzidzisai;
Nehoʋe dzeguŋgwa dzicakuparidzirai.
9Ndianiko usiŋgaziʋi paɀinhu iɀi ɀose,
Kuti ndirwo ruʋoko rwaJehova rwakaita iɀi ɀose?
10Mŋeya weɀipenyu ɀose uri muruʋoko rwake,
Nokufema kwaʋanhu ʋose.
11Ko nzeʋe haiidzi mashoko,
Somukanwa unoraʋira ɀokudya here?
12Ʋatana ndiʋo ʋakaŋgwara,
Ʋanamazuʋa mazhinji ndiʋo ʋanonzwisisa.
13Iye ndiye unokuŋgwara nesimba,
Ndiye unamano nokunzwisisa.
14Tarirai, iye unokoromora, haɀiŋgaʋakwi ɀe;
Iye unopfigira munhu, haaŋgazozarurirwi.
15Tarirai, iye unodziʋisa mvura, ndokupxa kwayo;
Ʋuye unoituma ɀe, ndokushandura kwayo nyika.
16Iye unesimba nokuŋgwara kukuru;
Wakanyeŋgerwa nounonyeŋgera ndaʋake ʋose.
17Unokaŋganisa mano amaneʋanje,
Ʋatoŋgi unoʋaita mapenzi.
18Unosunuŋgura simba ramadzimambo,
Ndokusuŋga ɀiʋuno ɀaʋo negwaraɗa.
19Unotorera ʋaprista ʋukuru bgaʋo,
Nokukunda ʋanesimba.
20Unotorera ʋakatenda mashoko aʋo,
Nokubvisira ʋakuru kunzwisisa kwaʋo.
21Unoɗurura kushoʋora kwake pamsoro pamacinda,
Nokusunuŋgura banhire raʋanesimba.
22Unofukura ɀinhu ɀakadzika parima,
Unoɓuɗisira kuciedza mumvuri worufu.
23Unowanza ndudzi, ndokudziparadza,
Unoparadzira ndudzi kwose, ndokudzitapa.
24Unobvisa kunzwisisa kwaʋakuru ʋaʋanhu ʋenyika,
Unoʋadzuŋgairisa murenje musinenzira.
25Ʋanotȿaŋgadzira murima ʋasineciedza,
Unoʋadzeŋgedzekesa somunhu wakaɓatwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 12: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018