Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobo 13

13
Jobo unoramba kupomerwa nhema neshamŋari dzake; unoɀireʋera kunaMŋari.
1Tarirai, ziso raŋgu rakaʋona iɀi ɀose,
Nzeʋe yaŋgu yakaɀinzwa nokuɀinzwisisa.
2Ɀamunoziʋa imi, ndinoɀiziʋa ʋo;
Handizi muɗuku kwamuri.
3Ɀirokwaɀo, ndinoɗa kutaura noWamasimba ose,
Ndinoɗa kuɀiɗaʋirira kunaMŋari.
4Asi imi munofukidza ɀose nenhema dzenyu,
Imi mose muri ŋaŋga dzisinamaturo.
5Haiwa! Ƌayi mucinyarara mose!
Ndiko kwaiʋa kuŋgwara kwenyu!
6Ɀino cinzwai kuɀiɗaʋirira kwaŋgu,
Tererai munzwe ndiciɀireʋera nemiromo yaŋgu.
7Munoɗa kurwira Mŋari mucitaura ɀisakarurama here?
Nokureʋa ɀinonyeŋgera nokuɗa kwake here?
8Munoɗa kuʋa nehanya naye here?
Munoɗa kurwira Mŋari kanhi?
9Ko ɀakanaka kana iye acikunɀerai here?
Imi muŋgamunyeŋgera, seɀamuŋganyeŋgera munhu here?
10Ɀirokwaɀo iye ucakutukai,
Kana mukaʋa nehanya pakaʋanda.
11Ʋukuru bgake haʋuŋgakutyisiyi here?
Haaŋgakutyisiyi ɀikuru here?
12Mashoko enyu enjere ishumo dzamaɗota,
Nhare dzenyu inhare dzevu.
13Nyararai, ndiregei nditaure,
Ndiwirwe haŋgu neɀandiŋgawirwa naɀo.
14Ndicarumireiko nyama yaŋgu nameno aŋgu,
Nokuɓata ʋupenyu bgaŋgu muruʋoko rwaŋgu?
15Kunyaŋge akandiʋuraya hake, ndicamumirira haŋgu;
Kunyaŋge ɀakaɗaro ndicaɀiɗaʋirira haŋgu pamberi pake pamsoro pomufambire waŋgu.
16Ndirwo ʋo rucaʋa ruponeso rwaŋgu,
Kuti munhu usiŋgatendi Mŋari haaŋgaȿiki pamberi pake.
17Inzwai ɀakanaka kutaura kwaŋgu,
Kuparidza kwaŋgu kupinde nzeʋe dzenyu.
18Tarirai ɀino, ndaroŋgedza mhaka yaŋgu;
Ndinoziʋa kuti ndicaruramisirwa.
19Ndianiko ucaita nharo neni?
Nokuti ɀino ndiŋganyarara haŋgu, ndikafa.
20Asi regai henyu kundiitira ɀinhu ɀiʋiri,
Ipapo handiŋgaʋandi pamberi penyu;
21Bvisai ruʋoko rwenyu kure neni;
Kutyisa kwenyu kurege kundivundusa.
22Ipapo muɗane imi, ini ndicapindura;
Kana ini nditaure haŋgu, imi mundipindure.
23Ɀakaipa ɀaŋgu neɀiʋi ɀaŋgu ɀiŋganiko?
Ndiziʋisei kuɗarika kwaŋgu neciʋi caŋgu.
24Munoʋanzireiko ciso cenyu,
Muciti ndiri muʋeŋgi wenyu?
25Munoɗa kuvundusa shizha rinopepereswa here?
Munoɗa kudziŋgana namakoto akawoma here?
26Munotoŋga ɀinhu ɀinoʋaʋa pamsoro paŋgu,
Munondidyisa nhaka yeɀakaipa ɀoʋujaya bgaŋgu;
27Munomana makumbo aŋgu mumatanda, nokucerekedza nzira dzaŋgu dzose;
Munotarira tsoka dzamakumbo aŋgu muganho;
28Kunyaŋge ndakafanana necinhu cakaʋora cinopera,
Seŋguʋo yapedzwa neɀiʋundudzi.

Zvasarudzwa nguva ino

Jobo 13: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda