Jobo 16
16
Kunyaŋge acicema njodzi yake, Jobo unoziʋa kuti Mŋari ucamurwira.
1Ipapo Jobo wakapindura, akati:
2Ndatonzwa haŋgu mashoko mazhinji akaɗai;
Imi mose muri ʋanyaradzi pasina.
3Ko mashoko asinamaturo acapera here?
Cinyiko cinokugombedzera kupindura?
4Neni ʋo ndaigona kutaura semi;
Kana mŋeya yenyu yaiʋa panɀimbo yomŋeya waŋgu,
Ndaigona ʋo kuɓatanidza mashoko pamsoro penyu,
Ndaikudzuŋgudzirai musoro waŋgu.
5 Asi ndiŋgaɗai ndaikusimbisai nomuromo waŋgu,
Nokuʋaraidza kwemiromo yaŋgu kwaikuremudzai.
6Kunyaŋge ndicitaura haŋgu, kucema kwaŋgu hakuremudzwi;
Kunyaŋge ndikarega haŋgu, ndinotapudzirwa neiko?
7Asi ɀino iye wandinetsa;
Imi maparadza imba yaŋgu yose.
8Imi makandiɓata nesimba, ndiɀo ɀinondipupurira;
Kuwonda kwaŋgu kunondimukira,
Kunondipupurira ɀakaipa pacena.
9Iye wakandibvarura pakutsamŋa kwake, akandiʋeŋga;
Wakarumanya meno ake pamsoro paŋgu;
Mudziʋisi waŋgu unondiwetsera meso ake.
10Ʋakandishamisira miromo yaʋo;
Ʋakandiroʋa paɗama, ʋacindituka;
Ʋanoʋuŋgana kuzorwa neni.
11Mŋari unondiisa kunaʋasakarurama;
Unondikanda pamaʋoko aʋakaipa.
12Ndakaŋga ndicizorora haŋgu, iye akandivuna;
Ɀirokwaɀo wakandiɓata nomumutsipa, akandiputsanya;
Wakandiita ciposherwa cake.
13Miseʋe yake inondikomba kumatiʋi ose;
Unopamura itȿo dzaŋgu, asiŋganzwiri nyasha;
Unoɗururira nduru yaŋgu pasi.
14Unondikoromora nokukoromorakoromora;
Unomhanyira kwandiri semhare.
15Ndakasonera magumbu paganda raŋgu,
Ndakaradzika runyaŋga rwaŋgu muguruʋa.
16Ciso caŋgu catȿuka nokucema.
Mumvuri worufu uri pamafuŋgiro ameso aŋgu.
17Kunyaŋge maʋoko aŋgu asiŋgaɗi hawo kuparadza,
Nokunyeŋgetera kwaŋgu kwakanaka hako.
18Iwe nyika, rega hako kufukidza ropa raŋgu;
Kucema kwaŋgu ŋgakushaiwe nɀimbo yokuzorora.
19Naɀino, tarirai, capupu caŋgu ciri kuɗeŋga,
Iye, unondipupurira ɀakanaka, uri kumsoro.
20Shamŋari dzaŋgu dzinondishoʋora,
Asi ziso raŋgu rinoɗurura misodzi yaŋgu pamberi paMŋari.
21Kuti aruramisire munhu pamberi paMŋari,
Nomŋanakomana womunhu pamberi powokwake.
22Nokuti kana makore mashoma apfuʋura,
Ndicafamba nenzira yandisiŋgazodzoki ɀe nayo.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 16: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018