Jobo 37
37
Mŋari unoʋonekwa pamaɓasa ake makuru sapakutinhira nemheni.
1Ɀirokwaɀo mŋoyo waŋgu unobvunduswa ʋo pamsoro paiɀoɀi,
Ucibviswa panɀimbo yawo.
2Tererai kutinhira kwenzwi rake,
Nokuwuŋga kunobva pamuromo wake.
3Unokutuma pasi pedeŋga rose,
Nemheni yake kuȿikira pamagumisiro enyika.
4Inoteʋerwa nenzwi rinodɀoʋa,
Unotinhira nenzwi roʋumambo bgake.
Haaɀidziʋisi kana inzwi rake ricinzwika.
5Mŋari unotinhira nenzwi rake rinoshamisa;
Unoita ɀinhu ɀikuru ɀatisiŋgagoni kunzwisisa.
6Nokuti unoti kucando: Ciwira panyika;
Saiɀoɀo ʋo kumvura inopfunhapfunha,
Ʋuye ʋo kumvura inoturuka nesimba.
7Unodziʋisa ruʋoko rwomunhu mumŋe nomumŋe,
Kuti ʋanhu ʋose ʋaakaita ʋamuziʋe.
8Paŋguʋa iyo ɀikara ɀinondoʋanda,
Ɀicirambira mumapako aɀo.
9Ƌutu remhepo rinoɓuɗa pakamuri rezasi;
Necando kurutiʋi rwokumsoro.
10Mazaya ecando anopiwa ʋanhu nomŋeya waMŋari;
Ʋuye mvura mhami inogwamba.
11Unozadza makore matema nomŋando,
Unodadanura gore rinemheni yake.
12Rinotendeʋudzwa nokufambisa kwake,
Kuti ɀiite ɀose ɀaanoɀiraira
Panyika inogarwa naʋanhu;
13 Unoituma kuti ɀimŋe iʋe shamhu, ɀimŋe ifadze nyika yake,
Ɀimŋe iratidze tsitsi yake.
14Tererai shoko iri, nhasi Jobo;
Cimbomirai muraŋgarire maɓasa anoshamisa aMŋari.
15Ko munoziʋa marairirwe aɀo naMŋari here,
Nokupenyiswa kwemheni yegore rake here?
16Munoziʋa maturikirwe amakore here,
Namaɓasa anoshamisa aiye wakakwana paziʋo here?
17 Munonzwisisa madziyire eŋguʋo dzenyu,
Kana nyika yakagadzikana nemhepo inobva zasi here?
18Ko muŋgagona kudadanura ɗeŋga pamŋe cete naye,
Iro rakasimba seciʋoni‐ʋoni cakaʋumbga here?
19Tidzidzisei ɀatiŋgareʋa kwaari;
Nokuti hatigoni kunyatso‐reʋa nemhaka yerima.
20Ko iye unofanira kuʋudzwa kuti ndinoɗa kutaura here?
Kana ndianiko munhu unoɗa kumedzwa?
21Ɀino ʋanhu haʋagoni kutarira ciedza cinopenya kuɗeŋga;
Asi mhepo icapfuʋura, ndokurinatsa.
22Kunaka sokwendarama kunobva kurutiʋi rwokumsoro;
Mŋari unoʋumambo ʋunotyisa kwaɀo.
23 Kana ari Wamasimba‐ose, hatigoni kumunzwisisa; unesimba guru‐guru;
Haaŋgatambudzi pakutoŋga nokururama kukuru.
24Saka ʋanhu ʋanomutya;
Haanehanya naʋanemŋoyo yakacenjera.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 37: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018