Jobo 4
4
Erifazi unoyeʋudzira Jobo kuti atende Mŋari agorwirwa hake.
1Ipapo Erifazi muTemani wakapindura, akati:
2Kana munhu akaidza kutaurirana newe, iwe ucaʋa neshuŋgu here?
Asi ndiani uŋgaɀidzora, akasataura hake?
3Tarira, iwe wakadzidzisa ʋazhinji,
Iwe wakasimbisa maʋoko akashaiwa simba.
4Mashoko ako akatsigira wakaŋga aciʋaʋarira kuwa,
Iwe wakasimbisa mabvi akaŋga acigweɗa‐gweɗa.
5Asi ɀino ɀaȿika kwauri, iwe woshaiwa simba;
Ɀakuɓata, ɀino wotambudzika.
6Ko kutya kwako Mŋari harizi simba rako here?
Kururama kwenzira dzako haizi tariro yako here?
7Raŋgarira hako, ndianiko usinemhaka wakatoŋgoparara?
Kana ʋakarurama ʋakatoŋgoparadzwa papi?
8Seɀandakaʋona ini, ʋanhu, ʋanorimira ɀakaipa,
Naʋanodɀara ɀakashata, ndiʋo ʋanokohwa ʋo iɀoɀo.
9Ʋanoparadzwa nomŋeya waMŋari,
Ʋanopedzwa nokufema kwokutsamŋa kwake.
10Kunduruma kweshumba nenzwi reshumba inehasha,
Nameno enɀanɀa reshumba ɀinoparadzwa.
11Shumba, yakwegura, inofa nokushaiwa ɀaiŋgaɓata;
Naʋana ʋeshumbakadzi ʋanoparadzirwa.
12Ɀino ndakaziʋiswa shoko rakaʋanda;
Nzeʋe yaŋgu yakanzwa zeʋe‐zeʋe raro.
13Pandaŋgariro dzinobva paneɀinoʋonekwa ʋusiku,
Kana ʋanhu ʋaɓatwa nehope huru;
14Kutya nokubvunda kwakandiwira,
Kwakabvundisa mafupa aŋgu ose.
15Ipapo mŋeya wakapfuʋura pamberi peciso caŋgu;
Mvere dzenyama yaŋgu dzikasimuka.
16Wakamira, asi ndakaŋga ndisiŋgagoni kuʋona kuti wakaɗini;
Mufananidzo wakaŋga uri pamberi pameso aŋgu;
Kunyarara kukaʋa’po, ndikanzwa inzwi riciti:
17Ko munhu, unofa, uŋgakunda Mŋari pakururama here?
Ko munhu uŋgakunda Muiti wake pakunaka here?
18Tarirai, haatendi ʋaranda ʋake;
Ʋatumŋa ʋake unoʋapa mhaka aciti mapenzi;
19Ndoɗa ʋanogara mudzimba dzevu,
Nheyo dzadzo dzakateyiwa paguruʋa,
Dzinopxanyiwa seɀiʋundudzi.
20Ʋanoparadzwa pakati pamaŋgwanani namaɗekwana;
Ʋanoparara nokusiŋgaperi, pasinomunhu unehanya naɀo.
21Ko ɓote retente raʋo harinakuvomorwa pamŋe cete naʋo here?
Ʋanofa ʋasinoʋucenjeri.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018