Jobo 5
5
Iɓenzi roga rinomukira Mŋari, asi Mŋari wakanaka, saka tinofanira kugamucira ɀose ɀaanotipa.
1Ɀino ciɗana hako; panomumŋe uŋgakupindura here?
Ucaenda kunani pakati paʋatȿene?
2Nokuti kutsamŋa kunoʋuraya ɓenzi,
Ʋuye shuŋgu dzinoparadza usineziʋo.
3Ndakaʋona ɓenzi riciita midzi;
Asi pakarepo ndakatuka nɀimbo yaro.
4Ʋana ʋaro haʋatoŋgoponeswi,
Ʋanopxanyiwa musuʋo;
Hapana‐unoʋarwira.
5Ɀaakaceka ɀinodyiwa naʋanenzara,
Ʋanoɀitora kunyaŋge napakati peminzwa;
Ʋanenyota ʋanonwa fuma yaʋo.
6Nokuti kutambudzika hakuɓuɗi paguruʋa.
Ʋuye nhamo haibvi pasi.
7Asi munhu unoɓerekerwa nhamo,
Seɓariɓari dzomŋoto dzinokwira kumsoro.
8Asi kana ndirini, ndaitȿaka Mŋari,
Ndaiisa mhoȿa yaŋgu kunaMŋari;
9Iye unoita ɀinhu ɀikuru ɀisiŋganɀerwi;
Ɀinhu ɀinoshamisa ɀisiŋgaʋereŋgwi;
10Iye unonisa mvura panyika,
Unotuma mvura paminda;
11Ndiye unokwiridza ʋakaɗerera;
Ʋanocema ʋanokundiswa.
12Unokaŋganisa mano aʋanyeŋgeri,
Maʋoko aʋo arege kuita ɀaʋakaŋga ʋaciɗa kuita.
13Ʋakacenjera unoʋaɓata pamano aʋo,
Nokuraŋgana kwaʋasakarurama kunoputsirwa pasi.
14Ʋanosoŋgana nerima masikati.
Ʋanotȿanɀadzira masikati makuru sapaʋusiku.
15Asi iye unorwira paminondo yemiromo yaʋo,
Unorwira unoshaiwa pamaʋoko aʋanesimba.
16Saka murombo unetariro,
Kuipa kunoɀifumbira muromo.
17Tarirai, munhu, unorairwa naMŋari, unomufaro;
Saka usaɀidza kuraŋga kwoWamasimba ose.
18Nokuti iye unokuʋadza, ndokusuŋga ɀe ʋaŋga:
Unopxanya, maʋoko ake ndokupodza ɀe.
19Iye ucakurwira panjodzi nhanhatu;
Kunyaŋge panomŋe hakuna‐cakaipa ciŋgakugunɀa.
20Panzara ucakudzikinura parufu;
Napakurwa ucakudzikinura pasimba romunondo.
21Iwe ucaʋanziwa pakurobga norurimi;
Hauŋgatyi kuparadza kana kuciȿika.
22Ucaseka kuparadza nokushaiwa;
Hauŋgatyi ɀikara ɀenyika.
23Nokuti iwe ucaita suŋgano namabge esaŋgo;
Ɀikara ɀesaŋgo ɀicaita rugare newe.
24Iwe ucaziʋa kuti tente rako rinorugare;
Ucandotarira ɀipfuwo ɀako, ukasashaiwa cimŋe caɀo.
25Ucaziʋa ʋo kuti ʋana ʋako ʋacawanda,
Naʋazukuru ʋako ʋacaita soʋuswa bgenyika.
26Ucaȿika pabgiro bgako wakwegura kwaɀo,
Secisote ceɀiyo cinoȿika paŋguʋa yaco.
27Tarira iɀoɀi takaɀinɀera, ndiɀoɀo;
Ciɀinzwa, uɀiziʋe iwe umene.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018