Jobo 7
7
Pakucema kwake Jobo unobʋunza kuti Mŋari unomuitirei iɀoɀo.
1Ko munhu haatambudziki here paɓasa panyika?
Mazuʋa ake haana‐kufanana namazuʋa omuɓatiri here?
2Somuranda unoshuʋa mumvuri,
Nomuɓatiri unotarira muɓairo wake;
3Saiɀoɀo ini ndakapiwa mŋedzi isinamaturo,
Ndakatarirwa ʋusiku bgenjodzi.
4Kana ndoʋata, ndinoti:
Ndicamuka riniko? Asi ʋusiku bgakareɓa;
Ndinoramba ndicishanduka‐shanduka kuȿikira kwoedza.
5Nyama yaŋgu yakafukidzwa nehonye namaviŋga evu;
Ganda raŋgu rinofunuka, riciputika ʋurwa.
6Mazuʋa aŋgu anokunda cirukiso comuruki pakukurumidza,
Anopera ndisinetariro.
7Raŋgarirai henyu kuti ʋupenyu bgaŋgu imhepo hayo;
Ziso raŋgu haricazoʋoni ɀakanaka.
8Ziso romunhu unondiʋona haricazonditariri ɀe;
Meso ako acanditarira, asi handicazoʋi’po.
9Sokupera kwegore nokunyaŋgarika kwaro,
Saiɀoɀo munhu, unoɓurukira kuSheori, haaŋgazokwiri ɀe.
10Haaŋgazodzokeri kumba kwake,
Nenɀimbo yake haiŋgazomuziʋi.
11Saka handiŋganyarari nomuromo waŋgu;
Ndicataura pakutambudzika kwomŋeya waŋgu;
Ndicanyunyuta neshuŋgu dzaŋgu dzomŋoyo.
12Ndiri guŋgwa kanhi, kana zimhuka reguŋgwa,
Ɀamunoisa ʋanondirindira?
13Kana ndikati: Nhoʋo dzaŋgu dzicandinyaradza,
Mubeda waŋgu ucazorodza kunyunyuta kwaŋgu;
14Ipapo mondivundusa nokurota hope,
Mondityisa neɀandinoʋona;
15Naiɀoɀo mŋoyo waŋgu unotsaura kudzipxa,
Nokufa kupfuʋura mafupa aŋgu awa.
16Ndinosema ʋupenyu bgaŋgu; handiɗi kurarama nokusiŋgaperi;
Ndiregei; nokuti mazuʋa aŋgu akafanana nokufema.
17Munhu cinyiko, ɀamunomukudza,
Nokumuɗa nomŋoyo wenyu wose,
18Ɀamunomushanyira maŋgwanani ose,
Nokumuidza ŋguʋa dzose?
19Mucarega riniko kundicerekedza,
Nokundirega kuȿikira ndamedza mate aŋgu?
20Kana ndiciŋge ndatadza, ndiŋgakuiteiko imi, mucerekedzi waʋanhu?
Makandiitireiko cinhu camunoʋaʋarira,
Kuti ini ndiɀiremedze?
21Munoregereiko kukaŋganwira kuɗarika kwaŋgu, nokubvisa kutadza kwaŋgu?
Nokuti ɀino ndicaʋata pasi muguruʋa;
Mucanditȿaka ɀikuru, asi handicazoʋi’po.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 7: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018