Jobo 9
9
Jobo haapiwi mhaka nehana yake, asi unoziʋa kuti hakuno‐munhu uŋgaɀiruramisa pamberi paMŋari, nokuti iye unoita seɀaanoɗa.
1Ipapo Jobo wakapindura, akati:
2Ɀirokwaɀo ndinoziʋa kuti ndiɀo:
Nokuti munhu uŋgaʋa wakarurama pamberi paMŋari seiko?
3Kana iye akaɗa kuita nharo naye,
Haaŋgagoni kumupindura shoko rimŋe pamashoko aneɀuru.
4 Iye unomŋoyo wakaŋgwara, unesimba guru;
Ndianiko wakamuwomesera mŋoyo wake, akazofara?
5Iye unobvisa makomo, iwo asiŋgaɀiziʋi,
Kana aciashandura pakutsamŋa kwake.
6Iye unozunuŋgusa nyika ikabva panɀimbo yayo,
Mbiru dzayo dzinoɗeŋgenyeka.
7Iye unoraira zuʋa, rikarega kuɓuɗa;
Iye unodzitira nyeredzi.
8Iye oga unotatamura ɗeŋga,
Unotsika pamsoro pamafuŋgu eguŋgwa.
9Iye unoita nyeredzi dzeArkturo, nedzeOrioni, nedzeCimutanhatu,
Namakamuri enyasi.
10Iye unoita ɀinhu ɀikuru ɀisiŋganɀerwi,
Iɀo ɀinhu ɀinoshamisa, ɀisiŋgagoni kuʋereŋgwa.
11Tarira, unopfuʋura pedyo neni, ndisiŋgamuʋoni;
Unopfuʋura ʋo hake, asi handimuʋoni.
12Tarira, unotora hake, ndiani uŋgamudziʋisa?
Ndiani uŋgati kwaari: Unoiteiko?
13Mŋari haaŋgadzori kutsamŋa kwake;
Ʋaɓatsiri ʋaRahabi ʋakakotamira pasi pake.
14Ko ɀino ini ndicamupindura seiko,
Nditsaure mashoko aŋgu ndiite nharo naye?
15Kunyaŋge ndaiʋa wakarurama handizaimupindura;
Ndaikumbira nyasha kumutoŋgi waŋgu.
16Kana ndiciŋge ndaɗana, akandipindura,
Kunyaŋge ɀakaɗaro handizaitenda kuti wakanzwa inzwi raŋgu.
17Nokuti unondiputsa neɗutu remhepo,
Unowanza maʋaŋga aŋgu ndisinemhoȿa haŋgu.
18Haanditenderi kufema mŋeya waŋgu,
Asi unondizadza neɀinoʋaʋa.
19Kana riri simba guru, tarira, iye unaro!
Kana iri mhoȿa inotoŋgwa, ndiani ucanditarira ŋguʋa?
20Kunyaŋge ndaiʋa wakarurama haŋgu, muromo waŋgu umene ucandipa mhaka;
Kunyaŋge ndaiʋa wakakwana, iye waiti handina‐kururama.
21Ndakakwana haŋgu, handiɀiraŋgariri;
Ndinoɀidza ʋupenyu bgaŋgu.
22Ɀose ɀakafanana haɀo; saka ndinoti:
Iye unoparadza ʋakarurama naʋakaipa ʋose.
23Kana nyatwa iciŋge yaʋuraya nokukurumidza,
Iye ucaseka njodzi yaʋasinemhoȿa.
24Nyika yakaiswa mumaʋoko aʋakaipa;
Iye unofukidza meso aʋatoŋgi ʋayo;
Kana asiri iye, ɀino ndianiko?
25Ɀino mazuʋa aŋgu anokurumidza kupfuʋura mumhanyi;
Anotiza asina‐kuʋona ɀakanaka.
26Apfuʋura seɀikepe ɀinomhanyisa;
Segondo rinokurumidzira ciʋurawa.
27Kana ndikati: Ndicakaŋganwa kunyunyuta kwaŋgu,
Ndicarega ciso caŋgu cinopunyaira, ndifare haŋgu;
28Ndinotya njodzi dzaŋgu dzose,
Ndinoziʋa kuti hamuŋgati handinemhoȿa.
29Ndicapiwa mhoȿa;
Ɀino ndinotamburireiko ɀisinamaturo?
30Kana ndikaŋgura nemvura yecando,
Ndikacenesa maʋoko aŋgu kwaɀo;
31Kunyaŋge ɀakaɗaro imi muŋgandinyudza mumatope,
Neŋguʋo dzaŋgu dzicandisema.
32Nokuti iye haazi munhu wakafanana neni, kuti ndimupindure,
Kuti tikwirirane pakutoŋga.
33Hakunamununuri pakati peɗu,
Uŋgatiɓata tose noruʋoko rwake.
34Ŋgaabvise shamhu yake kwandiri,
Hasha dzake dzirege kundityisa;
35Ipapo ndaitaura, ndisiŋgamutyi;
Nokuti handizakaɗaro haŋgu.
Zvasarudzwa nguva ino
Jobo 9: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018