Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joere 1

1
Muprofita unocema pamsoro pokuparadzwa kwenyika nemhashu.
1Shoko raJehova, rakaȿika kunaJoere mŋanakomana waPetueri.
2Inzwai cinhu ici, imi ʋatana, murereke nzeʋe dzenyu, imi mose mugere munyika ino. Ko ɀakaɗai ɀakamboitwa pamazuʋa enyu, kana pamazuʋa amadziɓaɓa enyu here? 3Ʋudzai ʋana ʋenyu iɀoɀo, ʋana ʋenyu ʋaʋudze ʋo ʋana ʋaʋo, naʋana ʋaʋo ʋaʋudze rumŋe rudzi runoteʋera. 4Ɀakasiyiwa nomuteteni, ɀakadyiwa nemhashu; ɀakasiyiwa nemhashu, ɀakadyiwa negwatakwata; ɀakasiyiwa negwatakwata, ɀakadyiwa nomupedzacose. 5Mukai, imi ʋakaɓatwa neɗoro, muceme; wuŋgudzai, imi mose munonwa waini, nemhaka yewaini inonaka, nokuti yabviswa pamiromo yenyu. 6Nokuti rumŋe rudzi rwaȿika panyika yaŋgu, rwakasimba, rusiŋgaʋereŋgwi; meno arwo meno eshumba, runameno makuru eshumbakadzi. 7Rwakaparadza muzambiriŋga waŋgu, nokuvuna muʋonde waŋgu; rwakauȿuʋura kwaɀo, nokuuwisira pasi; mataʋi awo aceneswa. 8Cemai semhandara yakaɀisuŋga ciʋuno namasaga nokuɗa kwomurume woʋumhandara bgayo. 9Cipiriso coʋupfu necipiriso cinonwiwa ɀabviswa paimba yaJehova; ʋaprista, iʋo ʋashumiri ʋaJehova, ʋanocema. 10Munda waparadzwa, nyika inocema; nokuti ɀiyo ɀaparadzwa, waini itȿa yapxa, mafuta apera. 11Nyarai imi ʋarimi, wuŋgudzai imi ʋarimi ʋemizambiriŋga, nokuɗa kweɀiyo nebari; nokuti ɀakaɓerekwa neminda ɀaparadzwa. 12Muzambiriŋga waȿaʋa, muʋonde unoshaiwa simba; mutamba nomucindwe ʋo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yawoma; mufaro waʋanakomana ʋaʋanhu wapera. 13Ɀisuŋgei ɀiʋuno namasaga, muceme imi ʋaprista; wuŋgudzai imi ʋashumiri ʋeartari; ʋuyai muʋate ʋusiku bgose makapfeka masaga, imi ʋashumiri ʋaMŋari waŋgu; nokuti cipiriso coʋupfu necipiriso cinonwiwa ɀadziʋiswa paimba yaMŋari wenyu. 14Tsaurai zuʋa rokuɀinyima ɀokudya, ɗanai ʋanhu kuʋuŋgano yakatarwa, kokerai ʋakuru naʋose ʋagere panyika kuimba yaJehova Mŋari wenyu, muɗane kunaJehova. 15Haiwa, zuʋa iro here! Nokuti zuʋa raJehova raʋa pedyo, ricaȿika riciparadza ricibva kunaWamasimba‐ose. 16Ko ɀokudya haɀinakubviswa pamberi peɗu, nomufaro nokufarisisa paimba yaMŋari weɗu here? 17Mbeu dzinoʋorera pasi pamaviŋga adzo; matura aparadzwa, tsapi dzaputswa; nokuti ɀiyo ɀafa. 18Ɀipfuwo ɀinogomera sei! Mapoka eŋombe akaŋganiswa, nokuti haɀicinamafuro; ɀirokwaɀo, mapoka amakwai aparadzwa. 19Haiwa, Jehova, ndinoɗana kwamuri, nokuti mŋoto wapedza mafuro erenje, muraɀo wapisa miti yose yokusaŋgo. 20Ɀirokwaɀo, mhuka dzokusaŋgo dzinocemera kwamuri, nokuti hoʋa dzemvura dzapxa, ʋuye mŋoto wapedza mafuro erenje.

Zvasarudzwa nguva ino

Joere 1: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda