Jona 3
3
Jona unotumŋa ɀe Nineve. Ʋanhu ʋanotendeʋuka.
1Ɀino shoko raJehova rakaȿika rwecipiri kunaJona, riciti: 2Simuka, uende Nineve, riya guta guru, undoriparidzira ɀandicakuraira kuti uparidze. 3Ipapo Jona akasimuka, akaenda Nineve, seɀaakarairwa neshoko raJehova. Ɀino Nineve raiʋa guta guru‐guru, rwendo rwamazuʋa matatu kurupoteredza. 4Jona akataŋga kupinda muguta, acifamba rwendo rwezuʋa rimŋe, akaɗana, aciti: Kwasara mazuʋa anamakumi manna, ipapo Nineve ricaparadzwa. 5Ʋanhu ʋeNineve ʋakatenda Mŋari, ʋakatara ŋguʋa yokuɀinyima ɀokudya, ʋakafuka masaga, kubva kuʋakuru pakati paʋo kuȿikira kuʋaɗuku pakati paʋo. 6Shoko rikaȿika kunamambo weNineve, akasimuka pacigaro cake coʋushe, akabvisa ŋguʋo yake, akafuka saga, nokugara mumaɗota. 7Akaraira, akaparidza muNineve rose cireʋo camambo necaʋakuru ʋake, aciti: Ʋanhu kana ɀipfuwo, kana ŋombe kana makwai, ŋgaɀirege kutoŋgoraʋira cinhu, ŋgaɀirege kufura kana kunwa mvura; 8asi ʋanhu neɀipfuwo ŋgaɀifukidzwe masaga, ŋgaʋaɗane kunaMŋari nesimba; ŋgaʋatendeʋuke mumŋe nomumŋe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaʋoko ake. 9Ndianiko uŋgaziʋa, ɀimŋe Mŋari uŋgadzoka akaɀiɗemba, akadzoka pakutsamŋa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa? 10Mŋari akaʋona ɀaʋakaita, kuti ʋakatendeʋuka panzira yaʋo yakaipa, Mŋari akaɀiɗemba pamsoro peɀakaipa ɀaakati ndicaʋaitira; akasaɀiita.
Zvasarudzwa nguva ino
Jona 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018