Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 18

18
Tabernakeri inodzikwa paShiro.
1Ɀino ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakaʋuŋgana paShiro, ikadzika’po tente rokusoŋgana; nyika yakaŋga yakundwa naʋo. 2Asi pakati paʋana ʋaIsraeri kwakaŋga kwasara marudzi manomŋe akaŋga acigere kukamurirwa nhaka yawo. 3Ɀino Joshua akati kuʋana ʋaIsraeri: Mucanonoka kuȿikira riniko kupinda nokutora nyika, yamakapiwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa enyu? 4Ɀitsaurirei ʋarume ʋatatu kurudzi rumŋe norumŋe, ini ndiʋatume, ʋasimuke ʋafambe nenyika, ʋagorondedzera nhaka yaʋo; ipapo ʋaʋuye kwandiri. 5Ʋanofanira kuiganhura ʋaciita migoʋe minomŋe; ʋaJuda ʋanofanira kugara panyika yaʋo kurutiʋi rwezasi, ʋuye ʋeimba yaJosefa ʋanofanira kugara panyika yaʋo kurutiʋi rwokumsoro. 6Ɀino munofanira kurondedzera nyika, muciita migoʋe minomŋe, mugoʋuya nerondedzero kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehova Mŋari weɗu. 7Nokuti ʋaRevi haʋanomugoʋe pakati penyu; nokuti ʋuprista bgaJehova ndiyo nhaka yaʋo; ɀino ʋaGadi naʋaRubeni, nehafu yorudzi rwaManase ʋakapiwa nhaka yaʋo mhiri kwaJoridani kumabvazuʋa, yaʋakaŋga ʋapiwa naMosesi muranda waJehova. 8Ɀino ʋarume aʋo ʋakasimuka, ʋakaenda; Joshua akaraira iʋaʋo ʋakaenda kundorondedzera nyika, akati: Endai, mufambe nenyika, muirondedzere, mugodzokera kwandiri, ndikukandirei mijenya pano pamberi paJehova paShiro. 9Ʋarume ʋakaenda, ʋakafamba nenyika, ʋakarondedzera mubuku nyika namaguta ayo, ʋaciita migoʋe minna, ʋakaȿika kunaJoshua pamisasa paShiro. 10Ɀino Joshua akaʋakandira mijenya paShiro pamberi paJehova; ipapo Joshua akagoʋera ʋana ʋaIsraeri nyika seɀaʋakaŋga ʋakamurirwa.
Nhaka yaBenjamini.
11Rudzi rwaʋana ʋaBenjamini ʋakagoʋerwa mugoʋe waʋo nemhuri dzaʋo; nyika yomugoʋe waʋo yakaŋga iri pakati paʋana ʋaJuda naʋana ʋaJosefa. 12Muganho waʋo kurutiʋi rwokumsoro wakabva paJoridani; ɀino muganho ndokukwira kurutiʋi rweJeriko necokumsoro, ndokukwira nenyika yamakomo kumaʋirazuʋa, ndokuguma murenje reBeti‐aveni. 13Muganho ndokubva’po, ndokupfuʋura napaRuzi, kurutiʋi rwezasi rweRuzi (ndiro Beteri); ɀino muganho ndokuɓurukira Ataroti‐adari, pedyo negomo riri zasi kweBeti‐horoni rezasi. 14Muganho ndokutarwa, ucibva kumaʋirazuʋa ucidzokera zasi; kubva pagomo riri pamberi peBeti‐horoni zasi, ndokuguma paKiriati‐baari (ndiro Kiriati‐jearimi), guta raʋana ʋaJuda; ndirwo rwaiʋa rutiʋi rwamaʋirazuʋa. 15Rutiʋi rwezasi rwakabva pamugumo weKiriati‐jearimi, muganho ndokuramba ucienda kumaʋirazuʋa, ndokuɓuɗira kutsime remvura yeNeftoa; 16ɀino muganho ndokuɓurukira kumugumo wegomo riri pamberi pomupata womŋanakomana waHinomi, mumupata weRafaimi kumsoro; ndokuɓurukira kumupata waHinomi, kurutiʋi rwaʋaJebusi zasi, ndokuɓurukira Eni‐rogeri; 17ɀino ndokutarwa kurutiʋi rwokumsoro, kubva paEni‐shemeshi kuȿikira paGeriroti, rakatarisana nejiŋga reAdunimi; ndokuɓurukira kubge raBohani, mŋanakomana waRubeni; 18ɀino ndokupfuʋurira kurutiʋi rwakatarisana neAraba, kumsoro, ndokuɓurukira kuAraba; 19muganho ndokupfuʋura nokurutiʋi rweBeti‐hogra kumsoro, ndokuguma kumsoro apo pakapinda nyika muGuŋgwa roMunyu, kumugumo wezasi waJoridani; ndiwo waiʋa muganho wezasi. 20Joridani ndirwo rwakaŋga ruri muganho wayo kumabvazuʋa. Ndiyo yakaŋga iri nhaka yaʋana ʋaBenjamini, nemiganho yayo kunhiʋi dzose, nemhuri dzaʋo. 21Maguta orudzi rwaʋana ʋaBenjamini, nemhuri dzaʋo, akaŋga ari Jeriko, neBeti‐hogra, neEmeki‐kezizi, 22neBeti‐araba, neZemaraimi, neBeteri, 23neAvimi, nePara, neOfra, 24neKefari‐amoni, neOfni, neGeba; maguta anegumi namaʋiri nemisha yawo; 25neGibeoni, neRama, neBeeroti, 26neMizpe, neKefira, neMoza, 27neRekemi, neIrpeeri, neTarara, 28neZera, neErefi, neJebusi (ndiro Jerusarema), neGibeati, neKiriati; maguta anegumi namanna nemisha yawo; ndiyo yakaŋga iri nhaka yaʋana ʋaBenjamini nemhuri dzaʋo.

Zvasarudzwa nguva ino

Joshua 18: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda