Joshua 21
21
ƲaRevi ʋanopiwa maguta aʋo.
1Ɀino ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋaRevi ʋakasweɗera kumuprista Ereazari, nokunaJoshua, mŋanakomana waNuni, nokuʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa amarudzi aʋana ʋaIsraeri, 2ʋakataura naʋo paShiro panyika yeKanani, ʋakati: Jehova wakaraira nomuromo waMosesi, kuti tipiwe maguta matiŋgagara, namafuro awo eŋombe dzeɗu. 3Ʋana ʋaIsraeri ʋakapa ʋaRevi panhaka dzaʋo maguta awa namafuro awo, seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova.
4Mhuri dzaʋaKohati dzikagoʋerwa nemijenya; ʋana ʋomuprista Aroni ʋaiʋa ʋaʋaRevi ʋakagoʋerwa nemijenya maguta anegumi namatatu pakati porudzi rwaJuda, norwaSimeoni, norwaBenjamini.
5Asi ʋamŋe ʋaʋana ʋaKohati ʋakagoʋerwa nemijenya maguta anegumi pakati pemhuri dzorudzi rwaEfraimi, norudzi rwaDani, nehafu yorudzi rwaManase.
6Ʋana ʋaGershoni ʋakagoʋerwa nemijenya maguta anegumi namatatu pamhuri dzorudzi rwaIsakari, norudzi rwaAsheri, norudzi rwaNaftari, nehafu yorudzi rwaManase muBashani.
7Ʋana ʋaMerari nemhuri dzaʋo ʋakapiwa maguta anegumi namaʋiri pakati porudzi rwaRubeni, norudzi rwaGadi, norudzi rwaZeburuni.
8Ʋana ʋaIsraeri ʋakapa ʋaRevi maguta iwayo namafuro awo nemijenya, seɀakaŋga ɀarairwa naJehova nomuromo waMosesi. 9Ʋakaʋapa maguta iwayo, akarebga mazita awo pano, pakati porudzi rwaʋana ʋaJuda, norudzi rwaʋana ʋaSimeoni. 10Akaʋa aʋana ʋaAroni, ʋemhuri dzaʋaKohati, ʋaiʋa ʋana ʋaRevi, nokuti ndiʋo ʋakataŋga kugoʋerwa nemijenya. 11Ʋakaʋapa Kiriati‐arba, iye Arba wakaŋga ari ɓaɓa ʋaAnaki (ndiro Hebroni), panyika yamakomo yaJuda, namafuro aro akaŋga akaripoteredza. 12Asi minda yeguta, nemisha yaro, ʋakaɀipa Karebi mŋanakomana waJefune, ɀiʋe ɀake.
13Ʋakapa ʋana ʋomuprista Aroni Hebroni namafuro aro, rakaŋga riri guta roʋutiziro romuʋurayi, ʋuye Ribna namafuro aro, 14neJatiri namafuro aro, neEshtemoa namafuro aro, 15neHoroni namafuro aro, neDebiri namafuro aro, 16neAini namafuro aro, neJuta namafuro aro, neBeti‐shemeshi namafuro aro; maguta mapfumbamŋe pakati pamarudzi iwayo maʋiri. 17Napakati porudzi rwaBenjamini Gibeoni namafuro aro, neGeba namafuro aro, 18neAnatoti namafuro aro, neArmon namafuro aro; maguta manna. 19Maguta ose aʋana ʋaAroni muprista akaŋg ari maguta anegumi namatanhatu namafuro awo.
20Mhuri dzaʋana ʋaKohati, iʋo ʋaRevi ʋakaŋga ʋasara ʋaʋana ʋaKohati, ʋakapiwa maguta aʋo nemijenya pakati porudzi rwaEfraimi. 21Ʋakaʋapa Shekemi namafuro aro panyika yamakomo yaEfraimi, raiʋa guta roʋutiziro romuʋurayi, neGezeri namafuro aro, 22neKibzaimi namafuro aro, neBeti‐horoni namafuro aro; maguta manna. 23Napakati porudzi rwaDani, Erteki namafuro aro, neGebitoni namafuro aro, 24neAjaroni namafuro aro, neGati‐rimoni namafuro aro; maguta manna. 25Napakati pehafu yorudzi rwaManase, Taanaki namafuro aro, neGati‐rimoni namafuro aro; maguta maʋiri. 26Maguta ose emhuri dzaʋakaŋga ʋasara ʋaʋana ʋaKohati aiʋa gumi namafuro awo.
27Ʋana ʋaGershoni, ʋemhuri dzaʋaRevi, ʋakaʋapa Gorani namafuro aro, raiʋa guta roʋutiziro romuʋurayi, pakati pehafu yorudzi rwaManase, neBeeshtera namafuro aro; maguta maʋiri. 28Napakati porudzi rwaIsakari, Kishioni namafuro aro, neDaberati namafuro aro, 29neJarmuti namafuro aro, neEni‐ganimi namafuro aro; maguta manna. 30Napakati porudzi rwaAsheri, Mishari namafuro aro, neAbdoni namafuro aro, 31neHerkati namafuro aro, neRehobi namafuro aro; maguta manna. 32Napakati porudzi rwaNaftari, Kedeshi muGarirea namafuro aro, raiʋa guta roʋutiziro romuʋurayi, neHamoti‐dori namafuro aro, neKartani namafuro aro; maguta matatu. 33Maguta ose aʋaGershoni, nemhuri dzaʋo, akaŋga ari maguta anegumi namatatu namafuro awo.
34Mhuri dzaʋana ʋaMerari, iʋo ʋakaŋga ʋasara kuʋaRevi, ʋakaʋapa pakati porudzi rwaZeburuni, Jokneami namafuro aro, neKatra namafuro aro, 35neDimna namafuro aro, neNaharari namafuro aro; maguta manna. 36Napakati porudzi rwaRubeni, Bezeri namafuro aro, neJahazi namafuro aro, 37neKedemoti namafuro aro, neMefaati namafuro aro; maguta manna. 38Napakati porudzi rwaGadi, Ramoti muGireadi namafuro aro, raiʋa guta roʋutiziro romuʋurayi, neMahanaimi namafuro aro, 39neHeshboni namafuro aro, neJazeri namafuro aro; iwo ose maguta manna. 40Maguta awa ose akaŋga ari aʋana ʋaMerari, nemhuri dzaʋo, iʋo ʋakaŋga ʋasara ʋemhuri dzaʋaRevi; mugoʋe waʋo wakaŋga uri maguta anegumi namaʋiri.
41Maguta ose aʋaRevi pakati penhaka yaʋana ʋaIsraeri aiʋa maguta anamakumi manna namasere namafuro awo. 42Maguta awa ose akaŋga anamafuro awo, guta rimŋe nerimŋe; ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita maguta iwayo ose.
43Saiɀoɀo Jehova akapa ʋaIsraeri nyika yose yaakaŋga apika, kuti ucaipa madziɓaɓa aʋo; ikaʋa yaʋo, ʋakagara’mo. 44Jehova akaʋazorodza kumatiʋi ose, pose paakaŋga apikira madziɓaɓa aʋo; hakunomunhu kuʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose wakamira pamberi paʋo; asi Jehova wakaisa ʋaʋeŋgi ʋaʋo ʋose pamaʋoko aʋo. 45Hakunecinhu cimŋe ceɀinhu ɀakanaka ɀakaŋga ɀataurwa naJehova kuimba yaIsraeri cakakona; ɀose ɀakaitika.
Zvasarudzwa nguva ino
Joshua 21: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: