Ruka 13
13
Tendeʋukai.
1Neŋguʋa iyo ʋamŋe ʋakaŋga ʋari’po ʋakamuʋudza shoko raʋaGarirea ʋakaŋga ʋaveŋganisirwa ropa raʋo neɀiɓayiro ɀaʋo naPirato. 2Akapindura, akati kwaʋari: Munoti ʋaGarirea aʋo ʋakaŋga ʋari ʋatadzi here kupfuʋura ʋaGarirea ʋose, ɀaʋakatambudzika saiɀoɀo? 3Ndinokuʋudzai: Kwete; asi kana musiŋgatendeʋuki, imi mose mucaʋurawa saiɀoɀo. 4Kana ʋaya ʋanegumi naʋasere, ʋakawirwa neȿiŋgo yeSiroami, ikaʋaʋuraya, munoti ʋakaŋga ʋanemhoȿa kukunda ʋanhu ʋose ʋaigara Jerusarema here? 5Ndinokuʋudzai: Kwete; asi kana musiŋgatendeʋuki, imi mose mucaʋurawa saiɀoɀo.
Muʋonde usiŋgaɓereki.
6Ɀino wakataura mufananidzo uyu: Mumŋe munhu wakaŋga anomuʋonde, wakaŋga wakasimŋa mumunda wake wemizambiriŋga; akaʋuya acitȿaka ɀiɓereko kwauri, akashaiwa. 7Ipapo akati kumurimi womunda wemizambiriŋga: Tarira, ndaʋuya makore matatu ndicitȿaka ɀiɓereko pamuʋonde uyu, ndikashaiwa; uuteme, unotadzireiko pasi? 8Akapindura, akati kwaari: Ishe, muuregei henyu nhaka, kuȿikira ndiciurimira, nokuuisa mupfudze; 9kana ukazoɓereka ɀiɓereko, ɀakanaka; asi kana usiŋgaɓereki, muŋgazoutema henyu.
Jesu unoporesa mukadzi nesaɓata.
10Ɀino wakaŋga acidzidzisa munerimŋe sinagoge nomusi wesaɓata. 11Ɀino tarira, kwaiʋa’po mukadzi waiʋa nomŋeya woʋurwere makore anegumi namasere; wakaŋga akafunyana, asiŋgatoŋgogoni kusimuka. 12Jesu akati acimuʋona, akamuɗana, akati kwaari: Mai, wasunuŋgurwa paʋurwere bgako. 13Akaisa maʋoko ake pamsoro pake; akatasanudzwa pakarepo, akarumbidza Mŋari. 14Ɀino mukuru wesinagoge akatsamŋa, nokuti Jesu wakaporesa nomusi wesaɓata, akapindura, akati kuʋanhu ʋazhinji: Mazuʋa matanhatu ari’po, anofanira kuɓatwa nawo; ʋuyai naiwayo, muporeswe; asi musaʋuya nomusi wesaɓata. 15Asi Ishe wakamupindura, akati: Imi, ʋanyeŋgeri! Ko mumŋe nomumŋe wenyu haaŋgasunuŋguri ŋombe yake kana mboŋgoro yake pacidyiro nomusi wesaɓata, akaenda nayo kundoinwisa here? 16Ɀino mukadzi uyu, mŋanasikana waAbrahama, wakaŋga akasuŋgwa naSatani makore anegumi namasere, haazaifanira kusunuŋgurwa nomusi wesaɓata pacisuŋgo ici here? 17Ɀino wakati areʋa iɀoɀo, ʋadziʋisi ʋake ʋose ʋakanyadziswa; asi ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakafara neɀinhu ɀose ɀakaiȿo‐naka ɀakaitwa naye.
Mufananidzo wembeu yemastarda nembiriso.
(Mat 13:31, 32; Mar 4:30–32)
18Ɀino akati: Ʋushe bgaMŋari bgakafanana neiko? Ndicabgufananidza nei? 19Bgakafanana netsaŋga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaikanda mumunda make, ikamera, ikaita muti, shiri dzokuɗeŋga dzikagara pamataʋi awo. 20Akati ɀe: Ʋushe bgaMŋari ndicabgufananidza neiko? 21Bgakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi akaiisa muɀiyero ɀitatu#13:21 Magaroni aneŋge mapfumbamŋe. ɀoʋupfu, kuȿikira bgose bgaʋiriswa.
Suʋo rakamanikana.
(Mat 7:13, 14)
22Ɀino wakafamba namaguta nemisha, acidzidzisa, aciŋgoenda Jerusarema. 23Mumŋe akati kwaari: Ishe, ʋacazoponeswa ʋashoma here? 24Akati kwaʋari: Irwai kupinda nesuʋo rakamanikana; nokuti ʋazhinji, ndinoti kwamuri, ʋacatȿaka kupinda, asi haʋaŋgagoni. 25Paŋguʋa iyo kana mŋene weimba asimuka, azarira suʋo, imi mukataŋga kumira kunze, mukagogodza pasuʋo, muciti: Ishe! tizarurirei! Iye akapindura, aciti kwamuri: Handikuziʋiyi imi kwamakabva. 26Ɀino mucataŋga kuti: Taidya, tainwa pamberi penyu, ʋuye maidzidzisa panzira dzomumisha yeɗu. 27Asi iye ucati: Ndinokuʋudzai: Handiziʋi kwamakabva; ibvai kwandiri, imi mose, ʋaiti ʋeɀisakarurama! 28Apo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno, kana muciʋona Abrahama naIsaka naJakobo naʋaprofita ʋose ʋari muʋushe bgaMŋari, asi imi maɓuɗiswa kunze. 29Ʋacabva mabvazuʋa, nokumaʋirira, nokumsoro, nezasi, ʋakagara muʋushe bgaMŋari. 30Tarirai, ʋari’po ʋokupedzisira ʋacaʋa ʋokutaŋga, noʋokutaŋga ʋacaʋa ʋokupedzisira.
Jesu unocema pamsoro peJerusarema.
(Mat 23:37–39)
31Neŋguʋa iyo ʋamŋe ʋaFarise ʋakaȿika, ʋakati kwaari: Ƃuɗai, mubve pano, nokuti Herode unoɗa kukuʋurayai. 32Akati kwaʋari: Endai, mundoʋudza mhuŋgubge iyo, muti: Tarira, ndinoɓuɗisa mŋeya yakaipa, ndinoporesa nhasi namaŋgwana, nezuʋa retatu ndinopedzisa. 33Asi ndinofanira kufamba nhasi namaŋgwana, nerinoteʋera, nokuti haɀiŋgaitiki kuti muprofita aʋurawe kunze kweJerusarema. 34Jerusarema, Jerusarema, unoʋuraya ʋaprofita, nokutaka namabge aʋo ʋakatumŋa kwauri; ndakaŋga ndiciɗa kazhinji sei kuʋuŋganidza ʋana ʋako semhambo inoʋuŋganidza hukwana dzayo munyasi mamapapiro ayo, mukaramba. 35Tarirai, masiyirwa imba yenyu raʋa ɗoŋgo; asi ndinoti kwamuri: Hamucazondiʋoni, kuȿikira muciti: Ŋgaarumbidzwe iye unoʋuya nezita raShe!
Zvasarudzwa nguva ino
Ruka 13: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018