Mazuʋa matanhatu akati apfuʋura, Jesu akatora Petro, naJakobo, naJohane munuŋuna wake, akaenda naʋo mugomo refu ʋari ʋoga. Akashanduka pamberi paʋo; ciso cake cikapenya sezuʋa, ŋguʋo dzake dzikacena seciedza. Pakarepo Mosesi naEria ʋakaʋonekwa naʋo, ʋacitaurirana naye. Ɀino Petro akapindura, akati kunaJesu: Ishe, ɀakanaka ɀatiri pano; kana muciɗa, ndicaʋaka matumba matatu pano, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria. Wakati acataura naʋo, tarira, gore rinobginya rikaʋafukidza; inzwi rikabʋa mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira, mumunzwei. Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakatya ɀikuru. Jesu akasweɗera, akaʋaɓata, akati: Simukai, musatya. Ʋakati ʋacitarira, haʋana‐kuzoʋona munhu, asi Jesu ɓedzi.
Verenga chikamu Mateo 17
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 17:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo