Mateo 17
17
Kubginya kwaJesu pagomo.
(Mar 9:2–13; Ruka 9:28–36)
1Mazuʋa matanhatu akati apfuʋura, Jesu akatora Petro, naJakobo, naJohane munuŋuna wake, akaenda naʋo mugomo refu ʋari ʋoga. 2Akashanduka pamberi paʋo; ciso cake cikapenya sezuʋa, ŋguʋo dzake dzikacena seciedza. 3Pakarepo Mosesi naEria ʋakaʋonekwa naʋo, ʋacitaurirana naye. 4Ɀino Petro akapindura, akati kunaJesu: Ishe, ɀakanaka ɀatiri pano; kana muciɗa, ndicaʋaka matumba matatu pano, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria. 5Wakati acataura naʋo, tarira, gore rinobginya rikaʋafukidza; inzwi rikabʋa mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, wandinofarira, mumunzwei. 6Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakawira pasi neɀiso ɀaʋo, ʋakatya ɀikuru. 7Jesu akasweɗera, akaʋaɓata, akati: Simukai, musatya. 8Ʋakati ʋacitarira, haʋana‐kuzoʋona munhu, asi Jesu ɓedzi.
9Ɀino ʋakati ʋaciɓuruka mugomo, Jesu akaʋaraira, akati: Musaʋudza munhu ɀamaratidzwa, kuȿikira Mŋanakomana womunhu amuka kuʋakafa. 10Ʋadzidzi ʋakamubvunza, ʋaciti: Ʋanyori ʋanotaurireiko, ʋaciti, Eria unofanira kutaŋga kuʋuya? 11Akapindura, akati: Eria ucaʋuya hake, aʋandudze ɀinhu ɀose. 12Asi ndinoti kwamuri: Eria wakatoȿika, asi haʋana‐kumuziʋa; asi ʋakamuitira paʋakaɗa napo. Saiɀoɀo ʋo Mŋanakomana womunhu ucabva wotambudzwa naʋo. 13Ɀino ʋadzidzi ʋakanzwisisa kuti wakaʋaʋudza ɀaJohane Mubapatidzi.
Jesu unoporesa mukomana uneɀipusha.
(Mar 9:14–29; Ruka 9:37–43)
14Ʋakati ʋaȿika kuʋanhu ʋazhinji, mumŋe munhu akaʋuya kwaari, akamufugamira, akati: 15Ishe, ɗonzwirai mŋanakomana waŋgu ŋgoni, nokuti uneɀipusha, unotambudzika kwaɀo. Nokuti kazhinji unowira mumŋoto, kazhinji mumvura. 16Ndakaʋuya naye kuʋadzidzi ʋenyu, ʋakasagona kumuporesa. 17Jesu akapindura, akati: Haiwa! rudzi rusiŋgatendi, rwakatsauka, ndicagara nemi kuȿikira riniko? Ndicakuitirai mŋoyo murefu kuȿikira riniko? Ʋuyai naye pano kwandiri. 18Ɀino Jesu akamuraira, mŋeya wakaipa ukaɓuɗa kwaari, mukomana akapora kubva paŋguʋa iyo. 19Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya kunaJesu ʋari ʋoga, ʋakati: Ko isu takaŋga tisiŋgagoni neiko kuuɓuɗisa? 20Akati kwaʋari: Nemhaka yokutenda kwenyu kuɗuku, nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kana munokutenda kwakaita setsaŋga yemastarda, muŋgati kugomo iri: Ibva pano, enda koko! riŋgaenda; hakunecinhu ciŋgakukundai. 21[Asi rudzi urwu runoŋgobva cete nokunyeŋgetera, nokuɀinyima ɀokudya.]
Jesu unotaura zorufu rwake nokumuka kwake.
(Mar 9:30–32; Ruka 9:43–45)
22Ɀino ʋacafamba muGarirea, Jesu akatikwaʋari: Mŋanakomana womunhu ucabva woiswa mumaʋoko aʋanhu; 23ʋacamuʋuraya, asi nezuʋa retatu ucamutswa ɀe. Ʋakafa neshuŋgu kwaɀo.
Jesu unoripa mari yetembere.
24Ʋakati ʋaciȿika Kapernaume, ʋanhu ʋaigamucira muripo wetembere ʋakaʋuya kunaPetro, ʋakati: Mudzidzisi wenyu haaripi muripo wetembere here? 25Akati: Hoŋo. Ɀino wakati acipinda mumba, Jesu akataŋga kutaura kwaari, aciti: Simoni, unofuŋgeiko? Madzimambo enyika anotora muripo nomutero kunaʋananiko? Kuʋanakomana ʋaʋo kana kuʋaeni? 26Akati: Kuʋaeni. Jesu akati kwaari: Saka ʋanakomana ʋakasunuŋguka. 27Asi, kuti tirege kuʋagumbusa, enda kuguŋgwa, ukande ciredzo, uɓate hoʋe inotaŋga kuɓuɗa; kana washamisa muromo wayo, ucawana stateri#17:27 Mari ineŋge mashereni maʋiri nesisipenzi.; uritore, uʋape iro, kuripira iwe neni.
Zvasarudzwa nguva ino
Mateo 17: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: