Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 18:23-35

Mateo 18:23-35 SUB1949

Saka ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa nomumŋe mambo, wakaŋga aciɗa kugadzira maŋgaʋa naʋaranda ʋake. Ɀino wakati acitaŋga kugadzira, mumŋe wakaŋga anecikwerete camatarenta aneɀuru ɀamazana ɀinegumi akaiswa kwaari. Asi wakati acishaiwa caaŋgaripa naco, ishe wake akaraira kuti ateŋgeswe, iye nomukadzi naʋana, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, kuti cikwerete ciripxe. Ɀino muranda akawira pasi, akamunamata, akati: Ishe, iʋai nomŋoyo murefu neni, ndicazokuripirai ɀose. Ishe womuranda uyo akamunzwira tsitsi, akamusunuŋgura, akamukaŋganwira cikwerete. Asi muranda uyo wakati aciɓuɗa, akawana mumŋe muranda waiɓata pamŋe cete naye, wakaŋga anecikwerete kwaari camadenari anezana; akamuɓata, akamudzipa, akati: Ripa cikwerete cako! Ɀino muranda uyo waiɓata pamŋe cete naye, akawira pasi, akakumbira ɀikuru kwaari, akati: Uʋe nomŋoyo murefu neni, ndicazokuripira. Asi iye wakaramba, akaenda, akamuisa mutoroŋgo, kuȿikira acizoripa cikwerete. Ɀino ʋamŋe ʋaranda ʋaiɓata pamŋe cete naye ʋakati ʋaciʋona ɀaitwa, ʋakafa neshuŋgu kwaɀo, ʋakaenda kundoʋudza ishe waʋo ɀose ɀakaitwa. Ɀino ishe wake akamuɗana, akati kwaari: Iwe muranda wakaipa, ndakakukaŋganwira cikwerete ico cose, nokuti iwe wakakumbira ɀikuru kwandiri. Ko iwe hauzaifanira kunzwira tsitsi mumŋe muranda unoɓata pamŋe cete newe, seni ndakakunzwira tsitsi here? Ɀino ishe wake akatsamŋa, akamuisa kuʋarwadzi, kuȿikira acizoripa cikwerete cake cose. Saiɀoɀo Ƃaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga ʋacakuitirai ʋo, kana musiŋgakaŋganwiriyi mumŋe nomumŋe hama yake nomŋoyo wenyu wose.

Verenga chikamu Mateo 18