Ɀino ʋushe bgokuɗeŋga bguŋgafananidzwa naʋasikana ʋanegumi, ʋakatora mŋenje yaʋo, ʋakaɓuɗa kundociŋgamidza cikomba. Ʋashanu ʋaʋo akaŋga ari mapenzi, ʋashanu ʋakaŋga ʋakacenjera. Nokuti mapenzi akatora mŋenje yawo, akasatora mafuta. Asi ʋakacenjera ʋakatora mafuta mumidziyo yaʋo nemŋenje yaʋo. Ɀino, cikomba cakati cicinonoka, ʋakakotsira ʋose, ʋakaʋata. Pakati poʋusiku ʋakanzwa mhere‐mhere: Cikomba coʋuya! Ƃuɗai mumuciŋgamidzei! Ɀino ʋasikana ʋose ʋakamuka, ʋakagadzira mŋenje yaʋo. Mapenzi akati kunaʋakacenjera: Tipeiʋo mamŋe mafuta enyu, nokuti mŋenje yeɗu yodzima. Asi ʋakacenjera ʋakapindura, ʋakati: Kwete, ɀimŋe haaŋgakwaniri isu nemi tose; endai henyu kunaʋanoteŋgesa, muɀiteŋgere. Ʋakati ʋacienda kundoteŋga, cikomba ndokuȿika; ɀino, ʋakaŋga ʋakaɀigadzira ʋakapinda naco pamutambo wokuwana, mukoʋa ukapfigwa. Pashure ʋamŋe ʋasikana ʋakaȿika, ʋakati: Ishe, Ishe, tizarurirei! Akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Handikuziʋiyi imi. Naiɀoɀo rindai, nokuti hamuziʋi zuʋa kana ŋguʋa.
Verenga chikamu Mateo 25
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 25:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo