Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Marko 13:1-13

Marko 13:1-13 SUB1949

Wakati aciɓuɗa mutembere, mumŋe waʋadzidzi ʋake akati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabge, kunaka! nedzimba kunaka! Jesu akati kwaari: Unoʋona dzimba idzi huru? Hakuŋgaregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi. Ɀino wakati agere pagomo reMiorivi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobo, naJohane, naAndrea ʋakamubvunza ʋari ʋoga, ʋaciti: Tiʋudzei kuti iɀoɀi ɀicagoʋa riniko? Neciratidzo cicaʋa cipiko, kana iɀoɀi ɀose ɀoɗo‐kuitwa? Ɀino Jesu akataŋga kuʋaʋudza, akati: Cenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. Ʋazhinji ʋacaʋuya nezita raŋgu, ʋaciti: Ndini Kristu, ʋacitsausa ʋazhinji. Kana mucinzwa ɀokurwa, neguhu rokurwa, musavunduka; iɀoɀo ɀinofanira kumboitika; asi kuguma kucigere kuȿika. Nokuti rudzi rucamukira rudzi, ʋushe bgucamukira ʋushe; kuɗeŋgenyika kwenyika kucaʋa’po kunedzimŋe nɀimbo; nenzara dzicaʋa’po. Ndiko kutaŋga kwenhamo. Ɀicenjerei imi, nokuti ʋacakuisai kumakurukota, ʋuye mucarobga mumasinagoge, mucaiswa pamberi paʋaɓati namadzimambo nokuɗa kwaŋgu, ciʋe capupu kwaʋari. NeEvaŋgeri inofanira kutaŋga kumboparidzirwa marudzi ose. Kana ʋacienda nemi kukutoŋgwa, ʋacikuisai kumakurukota, musambofuŋganya ɀamucataura, asi taurai camuneŋge mapiwa neŋguʋa iyo. Nokuti hamuzimi munotaura, asi ndi Mŋeya Mutȿene. Mukoma ucaisa munuŋuna kurufu, naɓaɓa mŋana waʋo; naʋana ʋacamukira ʋaɓereki ʋaʋo nokuʋaʋurayisa. Mucaʋeŋgwa naʋose nokuɗa kwezita raŋgu; asi unotsuŋga kuȿikira pakuguma ucaponeswa.

Verenga chikamu Marko 13