Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Marko 2

2
Jesu unoporesa munhu wakafa mitezo.
(Mat 9:1–8; Ruka 5:17–26)
1Kwakati mazuʋa apfuʋura, akapinda ɀe Kapernaume; ʋanhu ʋakanzwa kuti uri mumba. 2Ʋazhinji ʋakaʋuŋgana nokuɗaro ʋakashaiwa nɀimbo, kunyaŋge pamukoʋa; akaʋataurira shoko. 3Ʋakaʋuya ʋakaisa kwaari munhu wakaŋga akafa mitezo, akatakurwa na ʋanhu ʋanna. 4Ɀino ʋakati ʋasiŋgagoni kusweɗera kwaari nokuɗa kwaʋazhinji, ʋakazarura ɗeŋga paakaŋga ari; ʋakati ʋariputsa, ʋakaɓurusa nhoʋo, pakaŋga paʋete munhu wakaŋga akafa mitezo; 5Jesu wakati aciʋona kutenda kwaʋo, akati kunowakaŋga akafa mitezo: Mŋana, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako. 6Ɀino ʋamŋe ʋanyori ʋakaŋga ʋagere’mo, ʋakafuŋga mumŋoyo yaʋo, ʋaciti: 7Uyu unoreʋereiko kuɗaro? Unomhura Mŋari; ndianiko unogona kukaŋganwira ɀiʋi, asi mumŋe cete, ndiye Mŋari? 8Pakarepo Jesu aciziʋa mumŋeya make kuti ʋanofuŋga kuɗaro mumŋoyo yaʋo, akati kwaʋari: Munofuŋgireiko ɀinhu iɀi mumŋoyo yenyu? 9Cinyiko cakareruka, kuti kunowakafa mitezo: Wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako, kana kuti: Simuka, tora nhoʋo dzako, ufambe? 10Asi kuti muziʋe kuti Mŋanakomana womunhu unesimba panyika rokukaŋganwira ɀiʋi, (akati kumunhu wakaŋga akafa mitezo:) 11Ndinoti kwauri: Simuka, tora nhoʋo dzako, uende kumba kwako! 12Pakarepo akasimuka, akatora nhoʋo, ndokuɓuɗa pamberi paʋo ʋose; naiɀoɀo ʋose ʋakashamiswa, ʋakarumbidza Mŋari, ʋaciti: Hatina‐kumboʋona ɀakaɗai.
Kuɗanwa kwaReʋi.
(Mat 9:9–13; Ruka 5:27–32)
13Wakaɓuɗa ɀe akaenda kuguŋgwa; ʋazhinji ʋose ʋakaʋuya kwaari, akaʋadzidzisa. 14Wakati acipfuʋura, akaʋona Revi, mŋanakomana waArfeo, agere panotereswa, akati kwaari: Nditeʋere. Akasimuka, akamuteʋera. 15Ɀino wakati agere pakudya mumba make, ʋateresi ʋazhinji naʋatadzi ʋakagara naJesu naʋadzidzi ʋake; nokuti ʋakaŋga ʋari ʋazhinji ʋaimuteʋera. 16Ɀino ʋanyori naʋaFarise ʋakati ʋacimuʋona acidya naʋatadzi naʋateresi, ʋakati kuʋadzidzi ʋake: Mudzidzisi unodyireiko naʋateresi naʋatadzi? 17Jesu wakati aciɀinzwa, akati kwaʋari: Ʋasiŋgarwari haʋatȿaki ŋaŋga, asi ʋanorwara; handina‐kuʋuya kuzoɗana ʋakarurama, asi ʋatadzi.
Kuɀinyima ɀokudya.
(Mat 9:14–17; Ruka 5:33–39)
18Ʋadzidzi ʋaJohane naʋaFarise ʋakaŋga ʋaciɀinyima ɀokudya; ʋakaʋuya ʋakati kwaari: Ʋadzidzi ʋaJohane naʋadzidzi ʋaʋaFarise ʋanoɀinyimireiko ɀokudya, asi ʋadzidzi ʋenyu haʋaɀinyimi neiko? 19Jesu akati kwaʋari: shamŋari dzecikomba dziŋgaɀinyima ɀokudya seiko ciciri kwaʋari? Haʋaŋgaɀinyimi ɀokudya cikomba ciciri kwaʋari. 20Asi mazuʋa acaȿika, acazobviswa cikomba kwaʋari; ɀino neŋguʋa iyo ʋacaɀinyima ɀokudya. 21Hakunomunhu unosonera ciremo citȿa paŋguʋo yakasakara, nokuti ciremo citȿa cinobvarura ŋguʋo yakasakara, ʋuri rikanyanya. 22Hakunomunhu unoɗira waini itȿa muhomboɗo tsaru; nokuti waini inoparusa homboɗo, waini nehomboɗo ɀikafa; asi waini itȿa inoɗirwa muhomboɗo itȿa.
Jesu Ishe weSaɓata.
(Mat 12:1–8; Ruka 6:1–5)
23Kwakati nomusi wesaɓata, acifamba napakati peminda, ʋadzidzi ʋake ʋakataŋga kutanha hura ʋacifamba. 24ƲaFarise ʋakati kwaari: Tarirai, ʋanoitireiko ɀisina‐kutenderwa nomusi wesaɓata? 25Akati kwaʋari: Hamuna‐kuraʋa here ɀakaitwa naDavidi, musi waakaŋga ashaiwa, aziya, iye naʋakaŋga ʋanaye? 26Kuti wakapinda mumba maMŋari, Abiatari ari muprista mukuru, akadya ɀiŋgwa ɀokuratidza ɀakaŋga ɀisina‐kutenderwa kudyiwa, asi naʋaprista ʋoga, akapa ʋo ʋaiʋa naye? 27Akati kwaʋari: Saɓata yakaitirwa munhu, munhu haana‐kuitirwa saɓata; 28naiɀoɀo Mŋanakomana womunhu ndiye Ishe wesaɓata ʋo.

Zvasarudzwa nguva ino

Marko 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda