Nehemia 1
1
Nehemia unonyeŋgeterera ʋaIsraeri ʋari Jerusarema.
1Mashoko aNehemia mŋanakomana waHakaria.
Pamŋedzi weKisrevi, pagore ramakumi maʋiri, ndakati ndiri panhare yamambo paShushani, 2Hanani, mumŋe wehama dzaŋgu, akaȿika iye naʋamŋe ʋarume, ʋacibva kwaJuda; ndikaʋabvunza pamsoro paʋaJuda ʋakaŋga ʋapukunyuka, ʋakaŋga ʋasara pakutapxa, napamsoro peJerusarema. 3Ʋakati kwandiri: Ʋakasara, ʋakasiyiwa pakutapxa panyika iyo, ʋari pakutambudzika kukuru napakushoʋorwa; ʋuye ruȿiŋgo rweJerusarema ʋo rwakoromoka, namasuʋo aro apiswa nomŋoto. 4Ɀino ndakati ndanzwa mashoko iwayo, ndikagara pasi ndikacema, ndikaita mazuʋa ndicicema; ndikaɀinyima ɀokudya, ndikanyeŋgetera pamberi paMŋari wokuɗeŋga, 5ndikati: Ndinokumbira kwamuri Jehova Mŋari wokuɗeŋga, Mŋari mukuru unotyisa, iye unoraŋgarira suŋgano yake netsitsi kunaʋanomuɗa ʋaciceŋgeta mirairo yake; 6nzeʋe yenyu ŋgaiterere ɀino, nameso enyu aȿinure, munzwe munyeŋgetero womuranda wenyu, wandinonyeŋgetera pamberi penyu, ŋguʋa ino, masikati noʋusiku, pamsoro paʋana ʋaIsraeri ʋaranda ʋenyu, ndicireʋurura ɀiʋi ɀaʋana ʋaIsraeri, ɀatakakutadzirai naɀo; nokuti takatadza, ini naʋeimba yaɓaɓa ʋaŋgu. 7Takakuitirai ɀakaipa kwaɀo, hatina‐kuceŋgeta mirairo, kana ɀakatemŋa, kana ɀakatoŋgwa, ɀamakaraira muranda wenyu Mosesi. 8Ƌoraŋgarirai henyu shoko ramakaraira muranda wenyu Mosesi, muciti: Kana muciɗarika, ndicakuparadzirai pakati pendudzi; 9asi kana mukadzokera kwandiri, mukaceŋgeta mirairo yaŋgu nokuiita, kunyaŋge ʋadziŋgwa ʋenyu ʋaȿika kumagumisiro okuɗeŋga, ndicaʋaʋuŋganidza ʋabve ipapo, ndiʋaise panɀimbo yandakatsaura kuti zita raŋgu rigare’po. 10Ɀino aʋa ndiʋaranda ʋenyu naʋana ʋenyu, ʋamakadzikinura nesimba renyu guru, noruʋoko rwenyu runesimba. 11Haiwa, Jehova, ndinokumbira kuti nzeʋe yenyu iterere kunyeŋgetera kwomuranda wenyu nokunyeŋgetera kwaʋaranda ʋenyu ʋanofarira kutya zita renyu; fambisai henyu muranda wenyu ɀakanaka nhasi, mumuwanise tsitsi pamberi pomunhu uyu. (Ɀino ini ndakaŋga ndiri muɗiri wamambo.)
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemia 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: