Nehemia 2
2
Artashasta unotendera Nehemia kundoʋaka Jerusarema.
1Ɀino nomŋedzi weNisani, negore ramakumi maʋiri ramambo Artashasta, paŋguʋa yaakaŋga anewaini pamberi pake, ini ndikatora waini, ndikaipa mambo. Ɀino ndakaŋga ndisina‐kumbopunyaira pamberi pake. 2Ipapo mambo akati kwandiri: Ciso cako cinopunyairireiko, ɀausiŋgarwari? Ici cinhu ishuŋgu dzomŋoyo caidzo. Ndikatya kwaɀo. 3Ndikati kunamambo: Mambo ŋgaararame nokusiŋgaperi! Ciso caŋgu ciŋgaregereiko kupunyaira, kana guta iro rinamarinda amadziɓaɓa aŋgu, raʋa ɗoŋgo, namasuʋo aro atȿa nomŋoto? 4Ipapo mambo akati kwandiri: Unokumbireiko? Ɀino ndikanyeŋgetera kunaMŋari wokuɗeŋga, 5ndikati kunamambo: Kana mambo acifara naɀo, kana muranda wenyu awana tsitsi kwamuri, ndinokumbira kuti munditume kwaJuda, kuguta ramarinda amadziɓaɓa aŋgu, ndindoriʋaka. 6Mambo akati kwandiri, (naʋahosi ʋo ʋakaŋga ʋagere naye): Rwendo rwako rucaita ŋguʋa yakaɗiniko? Ucadzoka rini? Ɀino mambo akatenda kundituma; ndikamutarira ŋguʋa. 7Ʋuye ndakati ʋo kunamambo: Kana mambo acifara naɀo, ndinokumbira kuti ndipiwe ŋwadi dzakanyorerwa ʋaɓati ʋari mhiri kworwizi, ʋanditendere kupfuʋura ndiȿike kwaJuda; 8neimŋe ŋwadi ʋo kunaAsafi mutariri weɗondo ramambo, andipe miti yokuita nayo matanda amasuʋo enhare yapaimba yaMŋari nookuisa paruȿiŋgo rweguta napaimba yandicapinda. Mambo akandipa iɀoɀo, nokuti ruʋoko rwakanaka rwaMŋari waŋgu rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu. 9Ɀino ndikaȿika kuʋaɓati mhiri kworwizi, ndikaʋapa ŋwadi dzamambo. Ɀino mambo wakaŋga atuma ʋakuru ʋehondo naʋataȿi ʋamabiza neni. 10Asi Sanbarati muHoroni, naTobia muranda, muAmoni, ʋakati ʋanzwa kuti kwakaŋga kwaȿika munhu kuzotȿaka kuitira ʋana ʋaIsraeri ɀakanaka, ɀikaʋaʋodza mŋoyo kwaɀo. 11Naiɀoɀo ndakaȿika Jerusarema ndikagara’po mazuʋa matatu. 12Ndikamuka ʋusiku, ini naʋamŋe ʋanhu ʋashoma; asi handinakuʋudza munhu ɀakaŋga ɀaiswa mumŋoyo maŋgu naMŋari waŋgu kuti ndiitire Jerusarema; ʋuye ndakaŋga ndisinecimŋe cipfuwo neni, asi cipfuwo candakaŋga ndicitaȿa. 13Ndikaɓuɗa ʋusiku napasuʋo roMupata, ndikaenda nokutsime reShato, nesuʋo raMarara, ndikacerekedza maȿiŋgo eJerusarema akaŋga akoromoka, namasuʋo aro akaŋga atȿa nomŋoto. 14Ipapo ndikapfuʋurira kuȿika pasuʋo reTsime, nokudziʋa ramambo; asi pakaŋga pasinenɀimbo paŋgapfuʋura napo cipfuwo candakaŋga ndakataȿa. 15Ipapo ndakakwira ʋusiku naparukoʋa, ndikacerekedza ruȿiŋgo; ndikadzoka, ndikapinda napasuʋo roMupata, ndikadzoka saiɀoɀo. 16Ʋaɓati haʋana‐kuziʋa kwandakaŋga ndaenda, kana ɀandakaŋga ndandoita; nokuti ndakaŋga ndisinakuʋudza ʋaJuda, kana ʋaprista, kana ʋakuru, kana ʋaɓati, kana ʋamŋe ʋaɓati ʋeɓasa. 17Ɀino ndakati kwaʋari: Munoʋona nhamo yeɗu, kuti Jerusarema raʋa ɗoŋgo, namasuʋo aro atȿa nomŋoto; hendei tindoʋaka ɀe ruȿiŋgo rweJerusarema, tirege kugara ticishoʋorwa. 18Ndikaʋaʋudza ɀokunaka kworuʋoko rwaMŋari rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu; namashoko amambo aakandiʋudza. Iʋo ʋakati: Ŋgatisimuke, tiʋake. Naiɀoɀo ʋakasimbisa maʋoko aʋo kuɓate‐ɓasa rakanaka. 19Asi Sanbarati muHoroni, naTobia muranda, muAmoni, naGeshemi, muArabia, ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakatiseka, nokutininipisa, ʋakati: Cinyiko ici camunoita? Munoɗa kumukira mambo kanhi? 20Ipapo ndakaʋapindura, ndikati kwaʋari: Mŋari wokuɗeŋga ucatifambisa ɀakanaka; saka isu ʋaranda ʋake ticasimuka, nokuʋaka; asi imi hamunomugoʋe kana simba kana ciraŋgaridzo paJerusarema.
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemia 2: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018