Nehemia 8
8
Ezra unoʋaraʋira murairo waJehova.
1Ɀino ʋanhu ʋose ʋakaʋuŋgana nomŋoyo mumŋe paɗare rakaŋga riri pamberi pesuʋo remvura; ʋakaʋudza Ezra munyori kuti aʋuye nebuku yomurairo waMosesi, wakaŋga warairwa ʋaIsraeri naJehova. 2Ezra muprista ndokuʋuya nomurairo pamberi peʋuŋgano yaʋarume naʋakadzi, naʋose ʋakaŋga ʋacigona kunzwisisa, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wecinomŋe. 3Akaraʋa’mo paɗare rakaŋga riri pamberi pesuʋo remvura, kubva maŋgwanani kuȿikira masikati, pamberi paʋarume naʋakadzi naʋose ʋakaŋga ʋacigona kunzwisisa; nzeʋe dzaʋanhu ʋose dzikaterera mashoko ebuku yomurairo. 4Ezra munyori akamira pakakwirira pakaŋga pakaʋakirwa iɀoɀo namatanda; ʋuye Matitia, naShema, naAnaya, naUria, naHirkiya naMaaseya ʋakamira kurutiʋi rwake rworudyi, naPedaya, naMishaeri, naMarkiya, naHashumi, naHashbadana, naZekaria, naMeshurami ʋakamira kuruɓoshwe rwake. 5Ezra akazarura buku pamberi paʋanhu ʋose; (nokuti wakaŋga amire kumsoro kwaʋanhu ʋose;) ɀino wakati aciizarura ʋanhu ʋose ndokusimuka. 6Ipapo Ezra akaʋoŋga Jehova, Mŋari mukuru. Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋaciti: Ameni, Ameni, ʋacisimudza maʋoko aʋo; ipapo ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata kunaJehova ɀiso ɀaʋo ɀakatarira pasi. 7Jeshua, naBani, naSherebia, naJamini, naAkubi, naShabetai, naHodia, naMaaseya, naKerita, naAzaria, naJozabadi, naHanani, naPeraya, naʋaRevi ʋakaɗudzira ʋanhu mirairo; ʋanhu ʋakaramba ʋamire panɀimbo yaʋo. 8Ʋakaraʋa ɀicinzwika kwaɀo mubuku yomurairo waMŋari; ʋakaɀiɗudzira, ʋakanzwisisa ɀinorabga. 9Ipapo muɓati Nehemia, nomuprista Ezra munyori, naʋaRevi ʋakadzidzisa ʋanhu, ʋakati kuʋanhu ʋose: Zuʋa rino idɀene kunaJehova Mŋari wenyu; musawuŋgudza nokucema; nokuti ʋanhu ʋose ʋakacema ʋacinzwa mashoko omurairo. 10Ipapo akati kwaʋari: Endai henyu, mudye ɀakakora, nokunwa ɀinozipa, mugotumira ʋo migoʋe kunaʋasina‐kugadzirirwa cinhu; nokuti zuʋa rino idɀene kunaShe weɗu; musaʋa neshuŋgu, nokuti mufaro waJehova isimba renyu. 11Naiɀoɀo ʋaRevi ʋakanyaradza ʋanhu ʋose, ʋaciti: Nyararai henyu, nokuti izuʋa dɀene; musaʋa neshuŋgu. 12Ipapo ʋanhu ʋose ʋakaenda kundodya nokunwa, nokutumira ʋamŋe migoʋe, nokufara kwaɀo; nokuti ʋakaŋga ʋanzwisisa mashoko aʋakaparidzirwa.
13Ɀino pazuʋa recipiri ʋakuru ʋedzimba dzamadziɓaɓa aʋanhu ʋose, naʋaprista, naʋaRevi, ʋakaʋuŋganira kunaEzra munyori, kuzoterera mashoko omurairo. 14Ʋakawana pakanyorwa mumurairo, kuti Jehova wakaraira Mosesi, kuti ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira kugara pamatumba pamutambo womŋedzi wecinomŋe; 15ʋuye kuti ʋanofanira kuziʋisa nokuparidza shoko iro pamaguta aʋo ose, napaJerusarema, ʋaciti: Ƃuɗirai kugomo, mundotora mataʋi emiorivi, namataʋi emiorivi yomusaŋgo, namataʋi emimirte, namataʋi emicindwe, namataʋi emiti mikobvu, kuti muite matumba seɀakanyorwa. 16Naiɀoɀo ʋanhu ʋakaɓuɗa, ʋakaʋuya nawo, ʋakaɀiitira matumba, mumŋe nomumŋe pamsoro peɗeŋga reimba yake, napaʋazhe dzaʋo, napaʋazhe dzeimba yaMŋari, napaɗare resuʋo remvura, napaɗare resuʋo raEfraimi. 17Ʋuŋgano yose yaʋakaŋga ʋakadzoka pakutapxa ʋakaita matumba, ʋakagara pamatumba; nokuti kubva pamazuʋa aJoshua mŋanakomana waNuni kuȿikira pazuʋa iro, ʋana ʋaIsraeri ʋakaŋga ʋasina‐kuita iɀoɀo. Pakaʋa nomufaro mukuru. 18Ʋuye zuʋa rimŋe nerimŋe, kubva pazuʋa rokutaŋga kuȿikira pazuʋa rokupedzisira, wakaraʋa pabuku yomurairo waMŋari. Ʋakaita mutambo mazuʋa manomŋe; pazuʋa rorusere ʋakaita ʋuŋgano yokupedzisira, seɀakaŋga ɀatemŋa.
Zvasarudzwa nguva ino
Nehemia 8: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: