Numeri 16:30-32
Numeri 16:30-32 SUB1949
Asi kana Jehova akasika cinhu citȿa, nyika ikashamisa muromo wayo, ikaʋamedza, iʋo neɀose ɀaʋo, ʋakaɓurukira mubgiro ʋari ʋapenyu, ipapo mucaziʋa kuti ʋarume aʋa ʋakaɀidza Jehova. Ɀino wakati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi paʋo pakatsemuka, nyika ikashamisa muromo wayo, ikaʋamedza, iʋo nemhuri dzaʋo, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari ʋaKora, nenhumbi dzaʋo dzose.

