Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 16:30-32 - Compare All Versions

Numeri 16:30-32 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Asi kana Jehovha akauyisa chimwe chinhu chitsva, uye nyika ikashamisa muromo wayo ikavamedza, nezvose zvavo, uye vakaburukira muguva vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vazvidza Jehovha.” Akati achangopedza kutaura zvose izvi, pasi pavo pakatsemuka uye nyika ikashamisa muromo wayo ikavamedza, nenhumbi dzavo navanhu vose vaKora nezvinhu zvavo zvose.

Pakurirana nevamwe
Numeri 16 BDSC

Numeri 16:30-32 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi kana Jehovha akasika chinhu chitsva, panyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nezvose zvavo, vakaburukira muhwiro vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vakazvidza Jehovha.” Zvino akati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi pavo pakatsemuka, nyika ikashamisa muromo wayo, ikavamedza, ivo nemhuri dzavo, navanhu vose vakanga vari vaKora, nenhumbi dzavo dzose.

Pakurirana nevamwe
Numeri 16 SNA2002

Numeri 16:30-32 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Asi kana Tenzi akaita chimwe chinhu chitsva, nyika ikashama muromo wayo ikavamedza pamwechete nezvinhu zvavo zvose, vakatozomokeramo vachienda kunzvimbo yavachakabvu, ndipo pamuchazoziva kuti varume ava vakashora Tenzi.” Achangopedza kutaura mashoko iwayo pavakanga vamire pakati bamu kutsemuka. Nyika yakashama muromo wayo, ikavamedza nedzimba dzavo navose vokwaKora nezvinhu zvavo zvose.

Pakurirana nevamwe
Numeri 16 SCLBD

Numeri 16:30-32 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi kana Jehova akasika cinhu citȿa, nyika ikashamisa muromo wayo, ikaʋamedza, iʋo neɀose ɀaʋo, ʋakaɓurukira mubgiro ʋari ʋapenyu, ipapo mucaziʋa kuti ʋarume aʋa ʋakaɀidza Jehova. Ɀino wakati apedza kutaura mashoko awa ose, pasi paʋo pakatsemuka, nyika ikashamisa muromo wayo, ikaʋamedza, iʋo nemhuri dzaʋo, naʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari ʋaKora, nenhumbi dzaʋo dzose.

Pakurirana nevamwe
Numeri 16 SUB1949

Numeri 16:30-32 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Numeri 16 SCLB