Ɀireʋo 5
5
Kushata kwoʋufeʋe.
1Mŋanakomana waŋgu, terera ʋucenjeri bgaŋgu;
Rerekera nzeʋe yako inzwe njere dzaŋgu;
2Kuti ugare wakaɓata kuŋgwara,
Nemiromo yako iceŋgete ziʋo.
3Nokuti miromo yomukadzi wokumŋe inoɗonha ʋuci;
Muromo wake unotedza kupfuʋura mafuta;
4Asi pakupedzisira unoʋaʋa segaʋakaʋa;
Unopinza somunondo unenhiʋi mbiri dzinoceka.
5Tsoka dzake dzinoɓurukira kurufu;
Nhambge dzake dzinoʋaʋarira kubgiro;
6Gwara roʋupenyu, rakati cecetere, haariwani;
Nzira dzake dzinotsauka, iye asiŋgaɀiziʋi.
7Saka imi, ʋanakomana ʋaŋgu, nditererei;
Regai kutsauka pamashoko omuromo waŋgu.
8Nzira yako ŋgaiʋe kure naye,
Usasweɗera pamukoʋa weimba yake.
9Kuti urege kupa ʋamŋe kunaka kwoʋujaya bgako,
Namakore ako kunounomŋoyo mukukutu;
10Kuti ʋatorwa ʋarege kugutswa nefuma yako,
Neɀiɓereko ɀokutambura kwako ɀiende kumba kwomŋeni.
11Iwe ugocema pakupedzisira kwako,
Kana nyama yako nomuʋiri wako ɀaparadzwa,
12Uciti: Ndakaʋeŋgereiko kurairirwa,
Mŋoyo waŋgu wakashoʋorerei kurairwa?
13Ndakaregereiko kuterera inzwi raʋadzidzisi ʋaŋgu,
Nokusarerekera nzeʋe yaŋgu kunaʋaindiraira?
14Ndakaŋga ndapinda paneɀakaipa ɀose,
Pakati peciʋuŋga neʋuŋgano.
15Inwa mvura padziʋa rako cairo,
Nemvura inoyerera patsime rako cairo.
16Ko matsime ako anofanira kuparadzirwa here,
Nzizi dzemvura dziyerere munzira dzomumusha here?
17Ŋgaɀiʋe ɀako ɀoga,
Ɀisaʋa ɀaʋatorwa pamŋe cete newe.
18Tsime rako ŋgariropafadzwe;
Ufarire mukadzi woʋujaya bgako.
19 Sehadzi yenondo yakanaka, nehadzi yeŋgururu inofadza;
Mazamu ake ŋgaakufadze ŋguʋa dzose;
Ugare ucigutiswa noruɗo rwake.
20Nokuti iwe, mŋanakomana waŋgu, ucagutsirweiko nomukadzi wokumŋe,
Ucambundikireiko cifuʋa comŋeni?
21Nokuti nzira dzomunhu dziri pamberi paJehova;
Ndiye unoyera makwara ake ose.
22Ɀiʋi ɀake ɀicaɓata muiti waɀo,
Ucaɓatwa namaɓote eɀiʋi ɀake.
23Ucafa nokushaiwa kurairirwa;
Ucatsauka noʋukuru bgoʋupenzi bgake.
Zvasarudzwa nguva ino
Ɀireʋo 5: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

:
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018