Mapisarema 116
116
Kuʋoŋga kwomunhu wakaɓatsirwa kwaɀo naJehova.
1Ndinoɗa Jehova, nokuti unonzwa
Inzwi raŋgu nokukumbira kwaŋgu.
2Ɀaakarereka nzeʋe yake kwandiri,
Ndicaɗana kwaari mazuʋa aŋgu ose.
3Misuŋgo yorufu yakandikomba,
Kurwadziwa kweSheori kwakandiɓata;
Ndakawana kutambudzika nokucema.
4Ipapo ndakaɗana zita raJehova;
Haiwa Jehova, ndinonyeŋgetera kuti murwire mŋeya waŋgu.
5Jehova unenyasha, wakarurama;
Ɀirokwaɀo, Mŋari weɗu unetsitsi.
6Jehova unoceŋgeta ʋasinamano;
Ndakaŋga ndashaiwa simba, iye akandiponesa.
7Dzokera kuzororo rako, mŋeya waŋgu;
Nokuti Jehova wakakuitira ɀakanaka.
8Nokuti makarwira mŋeya waŋgu parufu,
Nameso aŋgu pamisodzi,
Netsoka dzaŋgu pakugumburwa.
9Ndicafamba pamberi paJehova
Panyika yaʋapenyu.
10Ndakatenda pakutaura kwaŋgu, ndiciti:
Ndakamanikidzwa kwaɀo;
11Ndakati pakuvunduka kwaŋgu:
Ʋanhu ʋose ʋanoreʋa nhema.
12Ndicaʋigireiko Jehova
Pamsoro pemikomborero yake yose kwandiri?
13Ndicasimudza mukombe wokuponeswa,
Ndiciɗana zita raJehova.
14Ndicaripira Jehova mhiko dzaŋgu,
Ndicaɀiita pamberi paʋanhu ʋake ʋose.
15Cinhu cinokosha pamberi paJehova,
Ndirwo rufu rwaʋatȿene ʋake.
16Haiwa Jehova, ɀirokwaɀo ndiri muranda wenyu;
Ndiri muranda wenyu, mŋanakomana womurandakadzi wenyu;
Makasunuŋgura misuŋgo yaŋgu.
17Ndicakuɓayirai ɀiɓayiro ɀokuʋoŋga,
Ndiciɗana zita raJehova.
18Ndicaripira Jehova mhiko dzaŋgu,
Ndicaɀiita pamberi paʋanhu ʋake ʋose;
19Paʋazhe dzeimba yaJehova,
Mukati mako, iwe Jerusarema.
Hareruya!#116:19 Kudzai Jehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 116: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018