Mapisarema 35
35
Davidi unokumbira kuti ʋakaipa ʋarobge.
Pisarema raDavidi.
1Jehova, kakaʋadzanai naʋanokakaʋadzana neni;
Irwai naʋanorwa neni.
2Torai nhoʋo huru neɗuku,
Musimuke kundiɓatsira.
3Vomorai ʋo pfumo, mudziʋire nzira yaʋanonditeʋerera,
Itiyi kumŋeya waŋgu: Ndini muponesi wako.
4Ʋanotȿaka mŋeya waŋgu ŋgaʋanyadziswe, ʋaɀidzwe;
Ʋanofuŋga kundiitira ɀakaipa ŋgaʋadzoserwe shure ʋakaŋganiswe.
5Ŋgaʋafanane nehundi inopupuruswa nemhepo,
Mutumŋa waJehova aciʋasundira.
6Nzira yaʋo ŋgaiʋe nerima, itedze,
Mutumŋa waJehova aciʋateʋerera.
7Nokuti ndisinemhoȿa ʋakandiʋanzira mimbure yaʋo muhunza,
Ndisinemhoȿa ʋakacerera mŋeya waŋgu hunza.
8Kuparadzwa ŋgakumuwire akaŋgofara;
Ʋuye mumbure wake waakaʋanza ŋgaumuɓate amene;
Ŋgaawire’mo aparadzwe.
9Mŋeya waŋgu ucafarira Jehova
Ucafarira kuponesa kwake.
10Mafupa aŋgu ose acati: Jehova ndianiko wakafanana nemi,
Imi munorwira murombo panaiye wakamukurira nesimba,
Iye murombo nomushaiwi panounomupamba?
11Ɀapupu ɀisina‐kururama ɀinosimuka;
Ɀinondibvunza ɀinhu ɀandisiŋgaziʋi.
12Ɀakanaka ɀaŋgu ʋanoɀitsiʋa neɀakaipa,
Ʋaciɓira mŋeya waŋgu.
13Asi kana ndiri’ni, pakurwara kwaʋo ndakafuka gumbu;
Ndakatambudza mŋeya waŋgu ndiciɀinyima ɀokudya;
Munyeŋgetero waŋgu ukadzokera kucifuʋa caŋgu.
14Ndakaita seyaiʋa shamŋari yaŋgu kana hama yaŋgu;
Ndakakotama ndicicema, somunhu unocema mai ʋake.
15Asi pakugumburwa kwaŋgu ʋakafara, ʋakaʋuŋgana pamŋe cete;
Ʋanhu ʋakashata kwaɀo ʋakaʋuŋgana kuzorwa neni, naʋandakaŋga ndisiŋgaziʋi;
Ʋakandibvambura, ʋasiŋgaregi;
16Saʋaɗaɗiri ʋakaipa pamitambo
Ʋakandirumanyira meno aʋo.
17Jehova, mucatarira iɀoɀo kuȿikira riniko?
Rwirai mŋeya waŋgu pakuparadza kwaʋo,
Muɗikanwa waŋgu pashumba.
18Ndicakuʋoŋgai paʋuŋgano huru;
Ndicakurumbidzai pakati paʋanhu ʋazhinji.
19Ʋanondiʋeŋga ndisinemhoȿa ŋgaʋarege kufara pamsoro paŋgu;
Ʋuye ʋanondiʋeŋga ndisinemhoȿa ŋgaʋarege kubgaira neziso.
20Nokuti haʋatauri rugare;
Asi ʋanofuŋgira aʋo ʋanyerere panyika mashoko okunyeŋgera.
21Ɀirokwaɀo, ʋakandishamisira miromo yaʋo;
Ʋakati: Hekani, hekani! meso eɗu akaɀiʋona.
22Makaɀiʋona, Jehova; regai kunyarara;
Ishe, regai kugara kure neni.
23Ɀimutsei, mukai mundiruramisire;
Mutambe mhaka yaŋgu, Mŋari waŋgu naShe waŋgu.
24Nditoŋgerei, Jehova Mŋari waŋgu, nokururama kwenyu;
Ŋgaʋarege kufara pamsoro paŋgu.
25Ŋgaʋarege kuti mumŋoyo maʋo: Hekani, ndiɀo ɀataŋga ticiɗa;
Ŋgaʋarege kuti: Tamumedza.
26Ŋgaʋanyadziswe, ʋaɀidzwe pamŋe cete, iʋo ʋanofarira kutambudzika kwaŋgu;
Ŋgaʋafukidzwe nokunyara nokuɀidzwa, iʋo ʋanoɀikudza pamsoro paŋgu.
27Ŋgaʋaɗanidzire nomufaro, ʋafare, iʋo ʋanoɗa kururamiswa kwemhaka yaŋgu;
Ŋgaʋarambe ʋaciti: Jehova ŋgaakudzwe,
Iye, unofarira kufara kwomuranda wake.
28Ipapo rurimi rwaŋgu rucataura ɀokururama kwenyu,
Neɀokurumbidzwa kwenyu zuʋa rose.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 35: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: