Mapisarema 68
68
Rwiyo rwokurumbidza Mŋari.
Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi, norwiyo.
1Mŋari ŋgaasimuke, ʋaʋeŋgi ʋake ŋgaʋaparadzirwe;
Ʋanomuʋeŋga ŋgaʋatize pamberi pake.
2Muʋadziŋge, sokudziŋgwa kwoʋutsi;
Sokunyauka kwenamo pamŋoto,
Saiɀoɀo ʋakaipa ŋgaʋapere pamberi paMŋari.
3Asi ʋakarurama ŋgaʋafare; ŋgaʋafare kwaɀo pamberi paMŋari;
Ŋgaʋafare nokufara kukuru.
4Imbirai Mŋari, imbirai zita rake nziyo dzokurumbidza;
Mumugadzirire mugwagwa wakanaka, iye unofamba neŋgoro napamarenje;
Zita rake ndiJehova; farai kwaɀo pamberi pake.
5Ƃaɓa ʋenherera, nomutoŋgi wemhoȿa dzecirikadzi,
Ndiye Mŋari paʋugaro bgake ʋutȿene.
6Ʋakaŋga ʋari ʋoga, Mŋari unoʋagarisa pamhuri;
Unoɓuɗisira ʋasuŋgwa kumufaro;
Asi ʋanomumukira ʋanogara panyika yakawoma.
7Mŋari, paŋguʋa yamakatuŋgamirira ʋanhu ʋenyu,
Paŋguʋa yokufamba kwenyu murenje;
8Pasi pakabvunda,
Kuɗeŋga‐ɗeŋga kwakaɗonha pamberi paMŋari;
Nairo Sinai rakabvunda pamberi paMŋari, iye Mŋari waIsraeri.
9Imi Mŋari makanisa mvura zhinji,
Makasimbisa nhaka yenyu paŋguʋa yokuneta kwayo.
10Ʋuŋgano yenyu yakagara’mo;
Imi Mŋari makagadzirira ʋarombo ɀakanaka ɀenyu.
11Ishe wakataura shoko:
Ʋakadzi ʋakaparidza shoko ʋaiʋa ʋazhinji‐zhinji.
12Madzimambo ehondo anotiza, anotiza;
Mukadzi wakasara kumusha ndiye unogoʋera ɀakapambga.
13Kana imi moʋata pasi pakati pamataŋga amakwai,
Ɀakafanana namapapiro enjiʋa akafukidzwa nesirveri,
Neminheŋga yakafukidzwa nendarama tȿuku.
14Paŋguʋa iyo Wamasimba‐ose yaakaparadza madzimambo’mo,
Ɀakafanana nokuwa kwecando paZarmoni.
15Gomo reBashani igomo raMŋari;
Gomo reBashani igomo refu‐refu.
16Imi makomo marefu, munogoɗorerei
Iro gomo rakaɗikanwa naMŋari kuti agare mariri?
Jehova ucagara mariri nokusiŋgaperi.
17Ŋgoro dzaMŋari dzinoȿika ɀuru ɀinamakumi maʋiri, ɀuru ɀeɀuru ɀamazana;
Ishe uri pakati padzo, seɀaakaita paSinai, panɀimbo tȿene.
18Makakwira kumsoro, mukatapa ʋatapxa ʋenyu;
Makagamucira ɀipo pakati paʋanh
Ɀirokwaɀo pakati paʋakakumukirai ʋo, kuti Jehova Mŋari agare naʋo.
19Ishe ŋgaaʋoŋgwe, iye unotakura mitoro yeɗu zuʋa rimŋe nerimŋe,
Iye Mŋari muponesi weɗu.
20Mŋari ndiye Mŋari unotirwira;
Jehova Ishe ndiye unenzira dzokuɓuɗa murufu.
21Asi Mŋari ucatema musoro waʋaʋeŋgi ʋake,
Paganda romusoro rinevudzi romunhu unorambira pakutadza kwake.
22Ishe wakati: Ndicaʋadzosa paBashani,
Ndicaʋadzosa ɀe paguŋgwa rakadzika;
23Kuti unyike rutsoka rwako muropa,
Kuti ndimi dzembga dzako dziʋe nomugoʋe wadzo paʋaʋeŋgi ʋako.
24Ʋakaʋona mafambire enyu, Mŋari,
Mafambire aMŋari waŋgu, Mambo waŋgu, acipinda panɀimbo tȿene.
25Ʋaimbi ʋakatuŋgamira, ʋaridzi ʋemiteŋgeranwa ʋakateʋera,
Pakati paʋasikana ʋakaŋga ʋaciridza makandira.
26Rumbidzai Mŋari paʋuŋgano,
Iye Ishe, iyemi ʋetsime raIsraeri.
27Benjamini muɗuku, muɓati waʋo, uri’po,
Namacinda aJuda naʋazhinji ʋaʋo,
Namacinda aZeburuni, namacinda aNaftari.
28Mŋari wako wakaraira simba rake;
Simbisai, Mŋari, iɀo ɀamakatiitira.
29Nokuɗa kwetembere yenyu paJerusarema
Madzimambo acakuʋigirai ɀipo.
30Tukai cikara cetsaŋga,
Hando zhinji, nemhuru dzendudzi dzaʋanhu,
Ʋaɀiwisire pasi petsoka nemari yesirveri;
Muparadzire ʋanhu ʋanofarira kurwa.
31Macinda acaɓuɗa Egipita;
Etiopia icakurumidza kutambanudza maʋoko ayo kunaMŋari.
32Imbirai Mŋari, imi ʋushe bgapasi;
Imbirai Ishe nziyo dzokurumbidza.
33Iye unotaȿa paɗeŋga rokuɗeŋgaɗeŋga, iro rakare nakare;
Inzwai, unoɓuɗisa inzwi rake, inzwi rinesimba.
34Ipai Mŋari simba;
Ʋukuru bgake ʋuri pamsoro paIsraeri,
Simba rake riri mumakore.
35Imi Mŋari munotyisa panɀimbo dzenyu tȿene;
Mŋari waIsraeri ndiye unopa ʋanhu ʋake simba noʋushe.
Mŋari ŋgaaʋoŋgwe.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 68: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: