Mapisarema 74
74
Asafi unocema kuparadzwa kwenɀimbo tȿene.
Rwiyo rweMashiri rwaAsafi.
1Haiwa Mŋari, makatirashireiko nokusiŋgaperi?
Hasha dzenyu dzinopfuŋgairira makwai amafuro enyu nemhaka yeiko?
2Raŋgarirai ʋuŋgano yenyu yamakateŋga kare,
Yamakadzikinura kuti ruʋe rudzi rwenhaka yenyu;
Gomo reZioni pamakaŋga mugere.
3Simudzai makumbo enyu muʋone ɀakaparadzwa ɀisiŋgaperi,
Iɀo ɀakaipa ɀose ɀakaitwa naʋaʋeŋgi panɀimbo tȿene.
4Ʋadziʋisi ʋenyu ʋakanduruma pakati peʋuŋgano yenyu;
Ʋakamisa mireza yaʋo ɀiʋe ɀiratidzo.
5Ʋakafanana naʋanhu ʋakasimudza
Masanhu muɗondo remiti.
6Ɀino ɀose ɀakaʋezwa ɀayo
Ʋanoɀiputsa neɗimuro nenyundo.
7Ʋakapisa nɀimbo yenyu tȿene nomŋoto;
Ʋakashatisa ʋugaro bgezita renyu ʋaciʋuputsira pasi.
8Ʋakati mumŋoyo maʋo: Ŋgatiʋaparadze pamŋe cete;
Ʋakapisa nɀimbo dzose paʋanoʋuŋganira Mŋari munyika.
9Haticaʋoni ɀiratidzo ɀeɗu;
Hapacino‐muprofita;
Pakati peɗu hapanomunhu unoziʋa kuti ɀicaȿikira rini.
10Haiwa Mŋari, mudziʋisi ucashoʋora kuȿikira riniko?
Muʋeŋgi ucaramba aciɀidza zita renyu nokusiŋgaperi here?
11Munodzosereiko ruʋoko rwenyu, irwo ruʋoko rwenyu rworudyi?
Rutambanudzei pacifuʋa cenyu, muʋapedze.
12Kunyaŋge ɀakaɗaro Mŋari ndiye Mambo waŋgu kubva kare,
Iye unoɓata maɓasa okuponesa pakati penyika.
13Makapamura guŋgwa nesimba renyu;
Makaputsa misoro yeɀikara ɀeguŋgwa mumvura.
14Makaputsanya misoro yeŋgwena,
Makaipa ʋanhu ʋagere murenje kuti iʋe nyama yaʋo.
15Makapamura tsime neɓoporodzi;
Makapxisa nzizi huru.
16Masikati ndeenyu, noʋusiku ndobgenyu ʋo;
Ndimi makagadzira ciedza nezuʋa.
17Ndimi makatara miganho yose yapasi;
Ndimi makaita zhezha necando.
18Raŋgarirai cinhi ici, kuti muʋeŋgi wakakuɀidzai, Jehova,
Ʋuye kuti rudzi rwamapenzi rwakamhura zita renyu.
19Regai henyu kuisa kucikara mŋeya wenjiʋa yenyu;
Musakaŋganwa ʋupenyu bgaʋarombo ʋenyu.
20Raŋgarirai suŋgano;
Nokuti nɀimbo dzinerima dzapasi dzizere noʋugaro bgaʋamanikidzi.
21Haiwa, ʋanomanikidzwa ŋgaʋarege kudzoka ʋacinyara;
Ʋarombo naʋashaiwi ŋgaʋarumbidze zita renyu.
22Simukai Mŋari, muɀireʋerere mhaka yenyu;
Raŋgarirai kuɀidzwa kwenyu neɓenzi zuʋa rose.
23Regai kukaŋganwa inzwi raʋadziʋisi ʋenyu;
Ƃope raʋanokumukirai rinogara ricikwira.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 74: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: