Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀakazarurwa 4:1-11

Ɀakazarurwa 4:1-11 SUB1949

Shure kwaiɀoɀi, ndakatarira ndikaʋona mukoʋa wakazaruka kuɗeŋga; nenzwi rokutaŋga randakanzwa rakaita sehwamanda ricitaura neni, riciti: Kwira pano, ndigokuratidza ɀinofanira kuitwa shure kwaiɀoɀi. Pakarepo ndakaʋa muMŋeya; tariracigaro coʋushe cakagadzwa kuɗeŋga, nomumŋe agere pacigaro. Iye wakaŋga agere’po wakaŋga akafanana nebge rejaspisi neresardio; kwakaŋga kunomuraraʋuŋgu wakakomberedza cigaro coʋushe, wakafanana nebge resmaragdino. Kwakaŋga kuneɀigaro ɀoʋushe ɀinamakumi maʋiri namanna ɀakaŋga ɀakakomberedza cigaro coʋushe; napaɀigaro pakaŋga pagere Ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna, ʋakapfeka ŋguʋo cena; ʋakaŋga ʋanekorona dzendarama pamisoro yaʋo. Napacigaro coʋushe pakaŋga paciɓuɗa mheni, namanzwi, nokutinhira; nemŋenje minomŋe yakaŋga icipfuta pamberi pecigaro coʋushe, iri Mŋeya minomŋe yaMŋari. Pamberi pecigaro coʋushe pakaŋga paneguŋgwa rakaʋonekera, rakafanana nekristaro; napakati pecigaro coʋushe, napamatiʋi ose ecigaro coʋushe, pakaŋga paneɀisikwa ɀinna ɀipenyu, ɀizere nameso mberi neshure kwaɀo. Cisikwa cipenyu cokutaŋga cakaŋga cakafanana neshumba, cisikwa cipenyu cecipiri cakaŋga cakafanana nemhuru, cisikwa cipenyu cecitatu cakaŋga cineciso cakaita secomunhu, necisikwa cipenyu cecinna cakaŋga cakafanana negondo rinobururuka. Neɀisikwa ɀipenyu iɀi ɀinna ɀakaŋga ɀinamapapiro matanhatu, cimŋe necimŋe; ɀakaŋga ɀizere nameso kunhiʋi dzose nomukati; haɀizorori masikati noʋusiku, ɀiciti: Mutȿene, mutȿene, mutȿene, iye Ishe Mŋari, wamasimba ose, iye wakaŋga ari’po, uri’po, noucazoʋuya. Ɀino kana ɀisikwa ɀipenyu iɀi ɀoʋigira iye unogara pacigaro coʋushe, iye uri mupenyu nokusiŋgaperi‐peri, kubginya, nokukudzwa, nokuʋoŋga, Ʋakuru ʋanamakumi maʋiri naʋanna ʋowira pasi pamberi paiye ugere pacigaro coʋushe, ʋacimunamata iye, uri mupenyu nokusiŋgaperi‐peri, ʋacikandira korona dzaʋo pamberi pecigaro coʋushe, ʋaciti: Imi Ishe, Mŋari weɗu, makafanira kuti muʋigirwe kubginya, nokukudzwa, nesimba, nokuti ndimi makasika ɀinhu ɀose, ɀakaʋa’po, ɀikasikwa nokuɗa kwenyu.