ƲaRoma 8
8
Ʋupenyu bgutȿa munaJesu Kristu.
1Naiɀoɀo hakucina‐kupiwa mhoȿa kunaʋari munaKristu Jesu. 2Nokuti murairo woMŋeya woʋupenyu munaKristu Jesu wakandisunuŋgura pamurairo weɀiʋi noworufu. 3Nokuti, ɀakaŋga ɀisiŋgakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuɗa kwenyama, Mŋari pakutuma kwake Mŋanakomana wake nomufananidzo wenyama yeɀiʋi, nokuɗa kweɀiʋi, wakapa mhoȿa ɀiʋi ɀiri munyama; 4kuti ɀakarebga nomurairo ɀiitike matiri, isu tisiŋgafambi nenyama, asi nomŋeya. 5Nokuti ʋari ʋenyama ʋanofuŋga ɀenyama: asi ʋari ʋomŋeya, ʋanofuŋga ɀomŋeya. 6Nokuti kufuŋga kwenyama ndirwo rufu; asi kufuŋga kwomŋeya ndibgo ʋupenyu norugare; 7nokuti kufuŋga kwenyama kunoʋeŋgana naMŋari; nokuti hakuɀiisi pasi pomurairo waMŋari; hakugoni ʋo; 8ɀino ʋari munyama haʋagoni kufadza Mŋari. 9Asi imi hamuzi munyama, asi mumŋeya, kana Mŋeya waMŋari acigara ɀirokwaɀo mukati menyu. Asi kana munhu asinoMŋeya waKristu, haazi wake. 10Kana Kristu ari mukati menyu, muʋiri wakafa nokuɗa kweɀiʋi, asi mŋeya mupenyu nokuɗa kwokururama. 11Ɀino kana Mŋeya waiyeyo wakamutsa Jesu kuʋakafa acigara mukati menyu, iye wakamutsa Kristu Jesu kuʋakafa, ucaponesa miʋiri yenyu inofa noMŋeya wake, unogara mukati menyu.
12Naiɀoɀo, hama dzangu, hatineŋgaʋa nenyama, kuti tirarame netsika dzenyama. 13Nokuti kana mucifamba netsika dzenyama, mucafa; asi kana muciʋuraya maɓasa omuʋiri noMŋeya, mucararama; 14nokuti ʋose ʋanotuŋgamirirwa noMŋeya waMŋari, ndiʋo ʋana ʋaMŋari. 15Nokuti hamuna‐kupiwa mŋeya woʋuranda kuti mutye ɀe, asi makapiwa mŋeya wokuitwa ʋana, watinoɗana nawo, ticiti: Aba, Ƃaɓa. 16Mŋeya amene unopupurirana nomŋeya weɗu, kuti tiri ʋana ʋaMŋari; 17ɀino kana tiri ʋana, tiri ʋadyi ʋenhaka; ʋadyi ʋenhaka yaMŋari, ʋadyi ʋenhaka pamŋe cete naKristu; kana ticitambudzika pamŋe cete naye, tigokudzwa ʋo pamŋe cete naye.
18Nokuti ndinoti maɗambudziko eŋguʋa ino haana‐kufanira kuenzaniswa nokubginya kucazoratidzwa kwatiri. 19Nokuti ɀisikwa ɀinotarisisa ɀikuru ɀicimirira kuratidzwa kwaʋanakomana ʋaMŋari. 20Nokuti ɀisikwa ɀakaiswa pasi peɀisiŋgagari, ɀisiŋgaɗi haɀo, asi nokuɗa kwaiye wakaɀiisa pasi paɀo, 21ɀicitarira kuti ɀisikwa ɀimene ɀisunuŋgurwe ʋo paʋuranda bgokuʋora, ɀiiswe pakusunuŋgurwa kwokubginya kwaʋana ʋaMŋari. 22Nokuti tinoziʋa kuti ɀisikwa ɀose ɀinogomera nokurwadziwa pamŋe cete kuȿikira ɀino. 23Ɀisati ɀiri iɀo ɓedzi, asi nesu ʋo, kunyaŋge tineɀiɓereko ɀokutaŋga ɀoMŋeya, nesu timene tinogomera mukati meɗu, ticimirira kuitwa kweɗu ʋana, ndiko kudzikinurwa kwomuʋiri weɗu. 24Nokuti takaponeswa netariro; asi tariro inoʋonekwa, haizi tariro; nokuti ndiani unotarira caanoʋona? 25Asi kana ticitarira catisiŋgaʋoni, tinocimirira nokutsuŋgirira.
26Saiɀoɀo Mŋeya unoɓatirana ʋo nokusaʋa‐nesimba kweɗu; nokuti hatiziʋi kunyeŋgetera ɀakafanira; asi Mŋeya amene unotinyeŋgeterera nokugomera kusiŋgataurwi; 27uyo unonɀera mŋoyo, ndiye unoziʋa kufuŋga kwoMŋeya, nokuti unonyeŋgeterera ʋatȿene seɀinoɗa Mŋari. 28Tinoziʋa kuti ɀinhu ɀose ɀinoɓatirana kuti ɀiitire ɀakanaka aʋo ʋanoɗa Mŋari, aʋo ʋakaɗanwa seɀaakafuŋga. 29Nokuti ʋaakaziʋa kare, ndiʋo ʋaakatemera ʋo kare, kuti ʋafanane nomufananidzo woMŋanakomana wake, kuti aʋe ɗaŋgwe pakati pehama zhinji; 30aʋo ʋaakatemera kare, ndiʋo ʋaakaɗana ʋo; ʋaakaɗana, ndiʋo ʋaakaruramisa ʋo; ʋaakaruramisa, ndiʋo ʋaakakudza ʋo.
31Ɀino ticatiyiko paɀinhu iɀi? Kana Mŋari acitirwira, ndianiko ucatirwisa? 32Iye usina‐kuramba kunyaŋge noMŋanakomana wake, asi wakamupa cose nokuɗa kweɗu tose, uŋgarega seiko kutipa ʋo ɀose pamŋe cete naye? 33Ndianiko ucakwirira ʋasanaŋgurwa ʋaMŋari? Mŋari ndiye unoruramisa; 34ndianiko ucaʋapa mhoȿa? Kristu Jesu ndiye wakafa, ɀikuru ndiye wakamutswa kuʋakafa, uri kurudyi rwaMŋari, unotinyeŋgeterera ʋo. 35Ndianiko ucatiparadzanisa noruɗo rwaKristu? Kutambudzika, kana nhamo, kana kuʋeŋgwa, kana nzara, kana kushaiwa ɀokufuka, kana njodzi, kana munondo here? 36Seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi:
Nokuɗa kwenyu tinoʋurawa zuʋa rose;
Takanzi tiri makwai anoɓayiwa.
37Kwete, paɀinhu iɀi ɀose tiri ʋakundi nokupfuʋurisa naiye wakatiɗa. 38Nokuti ndinoziʋa kwaɀo kuti kunyaŋge rufu, kana ʋupenyu, kana ʋatumŋa, kana ʋakuru, kana ɀaɀino, kana ɀinoʋuya, kana masimba, 39kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana cinhu cimŋe cakasikwa, haɀiŋgagoni kutiparadzanisa noruɗo rwaMŋari, ruri munaKristu Jesu, Ishe weɗu.
Zvasarudzwa nguva ino
ƲaRoma 8: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: