Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rwiyo Rukuru 2

2
1Ndiri ruʋa reɓundo rokuSharoni,
Ndiri ruʋa rokumapani.
2Seruʋa pakati peminzwa,
Ndiɀo ɀakaita muɗiwa waŋgu pakati paʋakunda.
3Somuapuri pakati pemiti yokuɗondo,
Ndiɀo ɀakaita muɗiwa waŋgu pakati paʋanakomana.
Ndakagara mumumvuri wake nomufaro mukuru;
Ɀiɓereko ɀake ɀakaŋga ɀicinaka pamukanwa waŋgu.
4Wakandiisa kuimba yomutambo;
Mureza wake pamsoro paŋgu rwakaŋga ruri ruɗo.
5Nditsigirei namazambiriŋga akawomeswa, ndisimbisei namaapuri;
Nokuti ndinorwara noruɗo.
6Ruʋoko rwake rworuɓoshwe ruri pasi pomusoro waŋgu;
Ruʋoko rwake rworudyi runondimbundikira.
7Ndinokupikirai, imi ʋakunda ʋeJerusarema,
Nemharapara nenondo dzokuɓundo,
Kuti murege kupfutidza kana kumutsa ruɗo,
Kuȿikira irwo rwaɗa rumene.
8 Inzwai inzwi romuɗiwa waŋgu!
Tarirai, woʋuya,
Acikwakuka pamakomo,
Acicirika paɀikomo.
9Muɗiwa waŋgu wakafanana nemharapara kana nomŋana wenondo;
Tarirai, womira seri kworuȿiŋgo rweɗu;
Unotarira napamawindi;
Unoɗoŋgorera napaɀitanda ɀamawindi.
10Muɗiwa waŋgu wakataura, akati kwandiri:
Simuka, shamŋari yaŋgu, wakanaka waŋgu, ʋuya!
11Nokuti, tarira, cando caenda;
Mvura yapera, yaenda;
12Maruʋa oʋonekwa panyika;
Ŋguʋa yokurira kweshiri yaȿika,
Nenzwi renjiʋa rinonzwika panyika yeɗu.
13Muʋonde woibvisa maʋonde awo mambishi,
Ʋuye mizambiriŋga yotuŋga maruʋa;
Yoɓuɗisa kunhuwira kwawo;
Simuka, shamŋari yaŋgu, wakanaka waŋgu, ʋuya!
14Iwe njiʋa yaŋgu, uri mumikaha yeɗombo,
Pakadzitika pamawere;
Ndiʋone ciso cako,
Ndinzwe inzwi rako;
Nokuti inzwi rako rakanaka, ciso cako cakanaka.
15Tiɓatirei makaʋa, makaʋa maɗuku,
Anotadzira minda yemizambiriŋga;
Nokuti minda yeɗu yemizambiriŋga yotuŋga maruʋa.
16Muɗiwa waŋgu ndowaŋgu, neni ndiri wake;
Unofudza makwai ake pakati pamaruʋa eɓundo.
17Kana zuʋa rotonhorera, nemimvuri yotiza,
Tendeʋuka, muɗiwa waŋgu, uʋe semharapara nomŋana wenondo
Pamsoro pamakomo eBeteri.

Zvasarudzwa nguva ino

Rwiyo Rukuru 2: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda