Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Rwiyo Rukuru 8

8
1Haiwa, ɗai wakaŋga wakaita sehanɀadzi yaŋgu,
Wakamna mazamu amai ʋaŋgu!
Ƌai ndakuwana panze, ndiŋgaɗai ndakuȿeta;
Ɀirokwaɀo, hakuna‐waindishoʋora.
2Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai ʋaŋgu,
Iʋo ʋandidzidzise;
Ndaikupa waini yakaveŋganiswa neɀinonhuwira kuti uinwe,
Nomukumbi wamatamba aŋgu.
3Ruʋoko rwake rworuɓoshwe ŋgaruʋe pasi pomusoro waŋgu,
Ruʋoko rwake rworudyi ŋgarundimbundikire.
4Ndinokupikirai, imi ʋakunda ʋeJerusarema,
Kuti murege kupfutidza kana kumutsa ruɗo,
Kuȿikira irwo rwaɗa rumene.
5Ndianiko uyo unokwira acibva kurenje,
Akasendamira pamuɗiwa wake?
Pasi pomuapuri ndi’po pandakakumutsa;
Ndi’po pakakutamburira mai ʋako,
Ndi’po paʋakakutamburira, iʋo ʋakakuɓereka.
6Ndishoŋge secisimbiso pamŋoyo pako,
Secisimbiso paruʋoko rwako;
Nokuti ruɗo runesimba sorufu;
Goɗo rinokuʋadza seSheori;
Kupisa kwaro ndiko kupisa kwomŋoto,
Muraɀo caiwo waJehova.
7Mvura zhinji haigoni kudzima ruɗo;
Nzizi hadziŋgaruɓitirisi;
Kunyaŋge munhu akapa fuma yose yeimba yake kuti awane ruɗo,
Uŋgaɀidzwa cose.
8Tinecinuŋuna,
Cigere kuʋa namazamu;
Ticaɗiniko necinuŋuna ceɗu
Nezuʋa raacakumbirwa?
9Kana ari ruȿiŋgo,
Ticaʋaka pamsoro pake kashoŋgwe kwesirveri;
Kana ari mukoʋa,
Ticamukomberedza namapuraŋga emisidari.
10Ini ndaiʋa ruȿiŋgo, mazamu aŋgu akaita shoŋgwe dzarwo;
Paŋguʋa iyo ndakaʋa pamberi pake somunhu wakawana rugare.
11Soromoni wakaŋga anomunda wemizambiriŋga paBaari‐hamoni;
Wakaisa munda uyo kuʋatariri;
Mumŋe nomumŋe waifanira kumuʋigira masirveri anegumi ramazana pamsoro peɀiɓereko ɀawo.
12Munda waŋgu wemizambiriŋga,
iwo waŋgu, uri pamberi paŋgu;
Iwe Soromoni, ucapiwa gumi ramazana,
Naʋanoceŋgeta ɀiɓereko ɀawo ʋacapiwa mazana maʋiri.
13Iwe, unogara muminda,
Shamŋari dzako dzinoterera inzwi rako;
Nditendere ini ndirinzwe ʋo.
14Kurumidza, muɗiwa waŋgu,
Uʋe semharapara kana mŋana wenondo
Pamsoro pamakomo eɀinonhuwira.

Zvasarudzwa nguva ino

Rwiyo Rukuru 8: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda