Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tito 3

3
1Uʋayeʋudzire kuti ʋaɀiise pasi paʋaɓati naʋanesimba, kuti ʋaterere, kuti ʋaʋe ʋanhu ʋakaɀigadzira kuɓata maɓasa ose akanaka, 2ʋarege kureʋera mumŋe ɀakaipa, ʋarege kuʋa negakaʋa, ʋaʋe ʋanyoro, ʋaitire ʋanhu ʋose ʋunyoro bgose. 3Nokuti nesu ʋo kare taiʋa ʋokusafuŋga, tisiŋgatereri, takarashika, tiri ʋaranda ʋokuciʋa kuzhinji naʋeɀose ɀinofadza, tigere mukati mokushata negoɗo, ticiʋeŋgwa, ticiʋeŋgana. 4Asi ʋunyoro bgaMŋari, Muponesi weɗu, noruɗo rwake kuʋanhu, ɀakati ɀaʋonekwa, 5wakatiponesa, asiŋgaɀiiti nokuɗa kwamaɓasa akarurama, atakaŋga taita isu, asi nokuɗa kwenyasha dzake, nenzira yokushambidzwa kwokuɓerekwa kutȿa, nokuʋandudzwa noMŋeya Mutȿene, 6waakaɗurura aciwanza pamsoro peɗu, naJesu Kristu Muponesi weɗu, 7kuti isu, taruramiswa nenyasha dzake, tiitwe ʋadyi ʋenhaka nokuɗa kwetariro yoʋupenyu bgusiŋgaperi. 8Ishoko raɀokwaɗi, ʋuye ndinoɗa kuti usimbise kwaɀo ɀinhu iɀi, ɀokuti aʋo ʋakatenda Mŋari ʋacenjere kuti ʋarambe ʋaciita maɓasa akanaka. Ndiɀo ɀakanaka, ɀinoɓatsira ʋanhu; 9asi unɀeŋge mibvunzo yoʋupenzi, namazita amadziteteguru, negakaʋa, nokukakaʋara pamsoro pomurairo, nokuti haɀinamaturo, haɀineɓasa. 10Munhu unodzidzisa ɀakatsauka, kana arairwa kamŋe norwecipiri, umurambe, 11ɀaunoziʋa kuti wakaɗaro wakatsauka, unotadza, waɀipa mhoȿa amene.
Mashoko okupedzisira nookuwonekana.
12Kana ndicituma Artema kwauri, kana Tikiko, ushiŋgaire kuʋuya kwandiri Nikopori; nokuti ndakati ndicagara cando ikoko. 13Zenasi, muɗudziri womurairo, naAporo, uʋaise ɀakanaka parwendo, ʋarege kushaiwa cinhu. 14Ʋanhu ʋeɗu ŋgaʋadzidze ʋo kuramba ʋaciita maɓasa akanaka, kuti ʋaɓatsire panoshaikwa ɀinofanira kuʋa’po, kuti ʋarege kuʋa ʋanhu ʋasineɀiɓereko
15Ʋose ʋari kwandiri ʋanokukwazisa. Ndikwazisire aʋo ʋanotiɗa pakutenda.
Nyasha ŋgadziʋe nemi mose.

Zvasarudzwa nguva ino

Tito 3: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda