Zekaria 1
1
Muprofita unokurudzira ʋanhu kuti ʋadzokere kunaJehova.
1Nomŋedzi worusere, negore recipiri raDariusi, shoko raJehova rakaȿika kunaZekaria, mŋanakomana waBerekia, mŋanakomana womuprofita Ido, riciti: 2Jehova wakatsamŋira madziɓaɓa enyu ɀikuru. 3Naiɀoɀo citi kwaʋari: Ɀanzi naJehova wehondo: Dzokerai kwandiri — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — neni ndicadzokera kwamuri — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo. 4Regai kuʋa samadziɓaɓa enyu, nokuti ʋaprofita ʋokutaŋga ʋakaɗanidzira kwaari, ʋaciti: Ɀanzi naJehova wehondo: Dzokai ɀino panzira dzenyu dzakaipa napaɀakaipa ɀenyu ɀamunoita; asi haʋana‐kunzwa kana kunditeerera — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 5Madziɓaɓa enyu aripiko? Naiʋo ʋaprofita ʋaŋgararama nokusiŋgaperi here? 6Asi mashoko aŋgu nemitemo yaŋgu, ɀandakaraira ʋaranda ʋaŋgu, iʋo ʋaprofita, haɀina‐kuɓata madziɓaɓa enyu here? Iʋo ʋakadzoka, ʋakati: Jehova wehondo seɀaakafuŋga kutiitira, ɀakafanira maɓasa eɗu neɀakafanira ɀatakaita, ndiɀo ɀaakatiitira.
Ciratidzo cokutaŋga camabiza.
7Nezuʋa ramakumi namanna romŋedzi wegumi nomumŋe, uri mŋedzi weShebati, negore recipiri raDariusi, shoko raJehova rakaȿika kunaZekaria mŋanakomana waBerekia, mŋanakomana womuprofita Ido, riciti: 8Ndakatarira ʋusiku, ndikaʋona murume wakataȿa biza dɀuku, akamira pakati pemiti yemimirte yaiʋa mumupata; shure kwake kwakaŋga kunamabiza matȿuku namashora namacena. 9Ipapo ndikati: Nhai, ishe waŋgu, ɀinyiko iɀi? Mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni akati kwandiri: Ndicakuratidza kuti iɀi ɀinyi. 10Murume wakaŋga amire pakati pemiti yemimirte akapindura, akati: Aʋa ndiʋo ʋakatumŋa naJehova kupota‐pota nenyika yose. 11Iʋo ʋakapindura mutumŋa waJehova wakaŋga amire pakati pemiti yemimirte, ʋakati: Takapota‐pota nenyika yose, wane nyika yose inyerere icizorora. 12Ipapo mutumŋa waJehova wakapindura, akati: Haiwa, Jehova wehondo, mucaramba musiŋganzwiri nyasha Jerusarema namaguta aJuda amakatsamŋira makore ano anamakumi manomŋe kuȿikira riniko? 13Ipapo Jehova wakapindura mutumŋa wakaŋga acitaurirana neni, mashoko akanaka anonyaradza. 14Ipapo mutumŋa, wakaŋga acitaurirana neni, akati kwandiri: Ƌanidzira, uti: Ɀanzi naJehova wehondo: Ndinegoɗo pamsoro peJerusarema, goɗo guru. 15Ndakatsamŋira kwaɀo ndudzi dzaʋanhu dzakazorora, nokuti ndakaŋga ndakatsamŋa ɀishoma, asi iʋo ʋakanyanyisa nhamo. 16Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Ndadzokera Jerusarema ndinenyasha zhinji; imba yaŋgu icaʋakwa’mo — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ʋuye rwonzi rwokuyera rucatambanudzirwa pamsoro peJerusarema. 17Ƌanidzira ɀe, uti: Ɀanzi naJehova wehondo: Maguta aŋgu acapafuma mufaro ɀe, Jehova ucanyaradza ɀe Zioni, ucaɀisanaŋgurira ɀe Jerusarema.
Ciratidzo cecipiri cenyaŋga naʋapfuri.
18Ɀino ndakarinzira meso aŋgu ndikatarira, ndikaʋona nyaŋga inna. 19Ipapo ndikati kumutumŋa, wakaŋga acitaurirana neni: Ɀinyiko iɀi? Akandipindura, akati: Ndidzo nyaŋga dzakaparadzira Juda naIsraeri neJerusarema. 20Jehova akandiratidza ʋapfuri ʋanna. 21Ipapo ndikati: Aʋa ʋaʋuya kuzoɓateiko? Iye akataura, akati: Ndidzo nyaŋga dzakaparadzira Juda, kuȿikira kusinomunhu wakasimudza musoro wake; asi aʋa ʋaʋuya kuzoʋatyisa, kuwisira pasi nyaŋga dzendudzi dzaʋanhu dzakasimudzira nyika yaJuda runyaŋga rwaʋo ʋaciɗa kuʋaparadzira.
Zvasarudzwa nguva ino
Zekaria 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: