Zefania 3
3
Jerusarema ricatoŋgwa, asi Israeri ʋacadzoka.
1Rinenhamo iro guta rinomukira Jehova, rakaȿiɓiswa, rinomanikidza! 2Harina‐kuterera inzwi, harina‐kutenda kuraŋgwa, harina‐kuʋimba naJehova, harina‐kusweɗera kunaMŋari waro. 3Macinda aro mukati maro ishumba dzinoʋomba, ʋatoŋgi ʋaro mapere amaɗekwana, asiŋgasiyi cinhu kuȿikira maŋgwanani. 4Ʋaprofita ʋaro ʋanhu ʋakareruka ʋanonyeŋgera; ʋaprista ʋaro ʋakamhura nɀimbo tȿene, ʋakaitira murairo simba. 5Jehova uri mukati maro wakarurama, haaŋgaiti ɀakaipa; zuʋa rimŋe nerimŋe maŋgwanani unoɓuɗisa pacena kururamisa kwake, asiŋgaɗariki; asi usina‐kururama haaziʋi kunyara. 6Ndakaparadza ndudzi, shoŋgwe dzaʋo aʋa matoŋgo; nzira dzaʋo dzomumisha ndakadziparadza, hakucina‐unopfuʋura napo; maguta aʋo akaparadzwa, hakunaʋanhu’mo, hakuna‐ugere’po. 7Ndakati: Unditye cete; tenda kuraŋgwa; ipapo paanogara hapazaiparadzwa, seɀandakaraira ɀose pamsoro pake; asi ʋakafumira maŋgwanani, ʋakaȿiɓisa ɀose ɀaʋakaita. 8Naiɀoɀo, ndimirirei — ndiɀo ɀinotaura Jehova — kuȿikira zuʋa randicasimuka kuzopamba; nokuti ndatoŋga kuti ndicaʋuŋganidza ndudzi dzaʋanhu, kuti ndikokere ʋushe bgose, ndiɗire pamsoro paʋo hasha dzaŋgu, iko kutsamŋa kwaŋgu kukuru; nokuti nyika yose icapedzwa nomŋoto wegoɗo raŋgu. 9Nokuti neŋguʋa iyo ndicaʋigira ʋanhu rurimi rwakacena, kuti ʋose ʋaɗane zita raJehova, ʋamushumire nomŋoyo mumŋe. 10Ʋanamati ʋaŋgu, iye mukunda waʋanhu ʋaŋgu ʋakaparadzirwa, ʋacandiʋigira cipiriso caŋgu ʋacibva mhiri kwenzizi dzeEtiopia. 11Nezuʋa iro hauŋganyadziswi pamsoro pamaɓasa ako ose, awakandiɗarikira nawo; nokuti neŋguʋa iyo ndicabvisa pakati pako ʋanhu ʋako ʋanofarisisa ʋaciɀikudza; hauŋgazoʋi namanyawi pagomo raŋgu tȿene. 12Asi ndicarega mukati mako ʋanhu ʋanotambudzika naʋarombo; iʋo ʋacaʋimba nezita raJehova. 13Ʋakasara ʋaIsraeri haʋaŋgaiti ɀakaipa, kana kureʋa nhema; rurimi runonyeŋgera haruŋgawanikwi mumiromo yaʋo; nokuti ʋacafura nokuʋata pasi, hakuna‐uŋgaʋatyisa. 14Imba, iwe mukunda weZioni, pururudza, iwe Israeri; fara ufarisise nomŋoyo wako wose, iwe mukunda weJerusarema. 15Jehova wakabvisa ɀawakatoŋgerwa, wakadziŋga muʋeŋgi wako; mambo waIsraeri, iye Jehova, uri pakati pako, hauŋgazoʋoni ɀe ɀakaipa. 16Nezuʋa iro ʋacati kuJerusarema: Usatya hako iwe; iwe Zioni, maʋoko ako ŋgaarege kushaiwa simba. 17Jehova Mŋari wako uri mukati mako, iye unesimba, ucaponesa; ucakufarira nomufaro; ucanyarara paruɗo rwake; ucakufarira nokupururudza. 18Ndicaʋuŋganidza ʋanocemera ʋuŋgano yakatarwa, iʋo ʋaibva kwamuri, ʋairemerwa nokuɀidzwa kwaʋo. 19Tarirai, neŋguʋa iyo ndicatoŋga ʋose ʋanokumanikidza, ndicaponesa ʋanokamhina, nokuʋuŋganidza ʋakadziŋgwa; ndicaʋaitira mbiri nezita rakanaka, iʋo ʋainyadziswa panyika yose. 20Neŋguʋa iyo ndicakuʋuyisai, neŋguʋa iyo ndicakuʋuŋganidzai, nokuti ndicakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika, kana ndicidzosa kutapxa kwenyu, imi muciɀiʋona — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Zefania 3: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

: