Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 11:23-26

1 VaKorinde 11:23-26 SNA2002

Nokuti ini ndakagamuchira kuna Ishe icho chandakakupaiwo, kuti Ishe Jesu nousiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa; akati avonga, akachimedura, akati, “Uyu ndiwo muviri wangu unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.” Saizvozvowo, vakati vapedza kurarira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu ndiyo sungano itsva muropa rangu; itai izvi, nguva dzose kana muchinwa, muchindirangarira.” Nokuti nguva dzose, kana muchidya chingwa ichi, kana kunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaIshe, kusvikira achiuya.