Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

1 VaKorinde 16

16
Zvipo zvakaunganidzirwa vatendi vapaJerusaremu, namamwe mashoko okupedzisira
1Zvino, kana zviri zvipo zvakaunganidzirwa vatsvene, sezvandakaraira kereke reGaratiya, itai nemiwo saizvozvo. 2Nomusi wokutanga wevhiki, mumwe nomumwe wenyu ngaakamure zvimwe kumba kwake, aunganidze, paakawana napo, kuti zvipo zvirege kuunganidzwa, kana ndichisvika. 3Kana ndasvika, ndichatuma avo vamunotenda netsamba, vagondoisa zvipo zvenyu Jerusaremu. 4Kana zvakafanira kuti ini ndiendewo, vangaenda neni.
5Zvino ndichauya kwamuri, kana ndagura neMakedhonia; nokuti ndinogura neMakedhonia. 6Zvimwe ndichagara nemi, kunyange ndipedze chando, kuti mugondiperekedza pose pandinoenda.
7Nokuti handidi kukuonai zvino ndiri parwendo; nokuti ndinoti ndichazogara nemi chinguva, kana Ishe achinditendera.
8Asi ndichagara paEfeso kusvikira paPendekositi. 9Nokuti ndazarurirwa musuo mukuru, une basa guru; navadzivisi vazhinji varipo.
10Zvino kana Timoti achisvika, chenjerai kuti agare nemi asingatyi; nokuti anobata basa raIshe, sezvandinoita neniwo. 11Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anomuzvidza. Asi muperekedzei norugare, kuti auye kwandiri; nokuti ndakamutarira pamwechete nehama.
12Zvino kana ari Aporo, hama yedu, ndakakumbira kwaari zvikuru, kuti auye kwamuri pamwechete nedzimwe hama; asi akanga asingatongodi kuuya zvino, achauya hake kana awana nguva yakanaka.
13Rindai, mirai nesimba pakutenda, itai savarume, musimbiswe. 14Zvose zvamunoita ngazviitwe norudo.
15Ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, munoziva mhuri yaSitefani, kuti ndicho chibereko chokutanga paAkaya, vakazviisa kuti vashumire vatsvene. 16Kuti nemiwo muzviise pasi pavakadaro, napasi pavose vanotibatsira navanobata basa iri.
17Ndinofara nokuuya kwaSitefani, naFochunatosi, naAkayikosi; nokuti ivo vakandiitira zvamakanga musingagoni kuita imi. 18Nokuti vakazorodza mweya wangu nowenyu; naizvozvo kudzai vakadaro.
19Kereke dzapaAsia dzinokukwazisai. Akwira naPirisira vanokukwazisai zvikuru muna Ishe, pamwechete nekereke iri mumba mavo. 20Hama dzose dzinokukwazisai. Kwazisanai nokutsvoda kutsvene.
21Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu.
22Kana munhu asingadi Ishe, ngaave akatukwa. Ishe anouya!
23Nyasha dzaIshe Jesu ngadzive nemi.
24Rudo rwangu ngaruve nemi mose muna Kristu Jesu.

Zvasarudzwa nguva ino

1 VaKorinde 16: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda