1 Johani 3
3
Vana vaMwari
1Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari; ndizvo zvatiriwo; saka nyika haitizivi, nokuti haina kumuziva iye. 2Vadikanwi, zvino tiri vana vaMwari, uye zvichigere kuratidzwa kuti tichazovei. Tinoziva kuti kana achizooneswa, isu tichafanana naye; nokuti tichamuona sezvaakaita. 3Mumwe nomumwe ane tariro iyi kwaari, anozvichenesa sezvaakachena iye.
4Mumwe nomumwe anoita zvivi, anodarika nomurayirowo; zvivi ndiko kudarika murayiro. 5Munoziva kuti iye akaoneswa kuti abvise zvivi; maari hamuna zvivi. 6Mumwe nomumwe anogara maari, haaiti zvivi; mumwe nomumwe anoita zvivi, haana kumuona kana kumuziva.
7Vana vaduku, musatsauswa nomunhu; uyo, anoita zvakarurama, akarura, saiye akarurama. 8Uyo, anoita zvivi, ndowaDhiabhori, nokuti Dhiabhori anoita zvivi kubva pakutanga. Mwanakomana waMwari akaoneswa nemhaka iyi kuti aparadze mabasa aDhiabhori.
9Mumwe nomumwe akaberekwa naMwari haaiti zvivi, nokuti mbeu yake inogara maari, haagoni kuita zvivi, nokuti akaberekwa naMwari. 10Vana vaMwari vanooneswa naizvozvi, navana vaDhiabhori; mumwe nomumwe asingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyewo asingadi hama yake.
11Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidane; 12tisingaiti saKaini, akanga ari wowakaipa, akauraya munun'una wake. Akamuurayireiko? Nokuti mabasa ake akanga akaipa, asi omunun'una wake akanga akarurama.
13Musashamiswa, hama dzangu, kana nyika ichikuvengai. 14Tinoziva kuti takabva murufu, tapinda muupenyu, nokuti tinoda hama. Uyo, asingadi, anogara murufu. 15Mumwe nomumwe anovenga hama yake, muurayi; munoziva kuti hakuna muurayi ano upenyu husingaperi hugere maari.
16Ndozvatinoziva rudo nazvo, kuti akatipa upenyu hwake; nesuo tinofanira kupa hama upenyu hwedu. 17Asi kana munhu ane pfuma yenyika, akaona hama yake ichishayiwa, akamupfigira tsitsi dzake, rudo rwaMwari runogara seiko maari? 18Vana vaduku, ngatirege kuda neshoko kana norurimi, asi nebasa nechokwadi.
19Ndozvatichaziva nazvo kuti tiri vechokwadi, tigosimbisa mwoyo yedu pamberi pake; 20nokuti kana mwoyo yedu ichitipa mhaka, Mwari mukuru kumwoyo yedu, anoziva zvose.
21Vadikwanwi, kana mwoyo usingatipi mhaka, tinako kusatya pamberi paMwari; 22uye zvose zvatinokumbira tinopiwa naye, nokuti tinochengeta mirayiro yake, tichiita zvinomufadza. 23Ndiwo murayiro wake, kuti titende kuzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye tidane, sezvaakatirayira. 24Anochengeta mirayiro yake, anogara maari, naiye maari. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti anogara matiri; noMweya waakatipa.
Zvasarudzwa nguva ino
1 Johani 3: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002